Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 6: Jesu - Mudzidzisi

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 6: Jesu - Mudzidzisi

План-конспект: From Matthew and Mark. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

Номер текста: 423

Язык: Shona

Тема: Sin and Satan (Deliverance, Light/Darkness, Sin, disobedience); Christ (Son of God, Life of Christ, Authority, Jesus, Our Shepherd); Eternal life (Salvation, Broad & Narrow Ways); Character of God (Grace and Mercy, Nature, character of God, Word of God (the Bible), Power of God / Jesus); Living as a Christian (Prayer, petition, Obedience, Forgiveness, Faith, trust, believe in Jesus, Children of God, Assurance, Spiritual Life, Christian values); Bible timeline (End Time, Second Coming, Gospel, Good News); Problems (Evil Spirits, demons, Sickness, Problems, troubles, worries)

Aудитория: General

Стиль: Monolog

Жанр: Bible Stories & Teac

Цель: Teaching

статус: Publishable

Текст программы

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Uya uzosangana nomudzidzisi mukuru kupfuura vadzidzisi vose. Zita rake anonzi Jesu. Tarisa mifananidzo iri mubhuku roruvara rwedenga uye ugoenda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Jesu Anodzidzisa Vanhu

Mufananidzo 1: Jesu Anodzidzisa Vanhu

Mateo 5

Mumufananidzo uyu, Jesu ari kudzidzisa vanhu nezvaMwari. Jesu akauya achibva kuna Mwari uye nokuti ndiye Mwanakomana mumwe oga waMwari, anoziva zvose nezvaMwari. Mwari mutsvene uye nokuti vanhu vanofunga pfungwa dzakaipa uye vanoita zvinhu zvakaipa, vakabviswa pamberi paMwari. Asi Mwari akatuma Jesu kuti azodzidzisa vanhu kuti vangamuziva sei. Zvino ndichakuudza kuti Jesu akadzidzisei vanhu paakanga ari panyika, kuitira kuti ugodzidzawo zvimwe nezvaMwari wechokwadi mupenyu.

Mufananidzo 2: The Dzimba Mbiri

Mufananidzo 2: The Dzimba Mbiri

Mateo 7:24-27

Jesu akataura nyaya yevarume vaviri vari mumufananidzo. Mumwe wavo akavaka imba yake paruware. Ruware runoita hwaro hwakasimba. Dutu parakauya, imba iyi haina kuwa. Mumwe wavo akavaka imba yake mujecha. Dutu rakauya, imba yake ikaparadzwa.
Jesu akati murume akavakira imba yake paruware akanga ari murume akachenjera.

Tinofanirawo kuvakira upenyu pahwaro hwakasimba. Jesu pachake ndiye hwaro hwedu hwakasimba. Tinofanira kuteerera kudzidzisa kwake. Kana tikamuteerera, achatibatsira kukunda Satani, pamwe chete nepfungwa dzakaipa uye netsika dzakaipa muupenyu hwedu. Jesu achava simba redu uye achatitungamirira nguva dzose, kunyange munguva dzokutambudzika.

Mufananidzo 3: Chiedza Chinofanira Kuonekwa

Mufananidzo 3: Chiedza Chinofanira Kuonekwa

Mateo 5:14-16

Tarira, varume vari mumufananidzo uyu vane zviedza (makenduru). Unoitei nechiedza murima? Mumwe wavarume ava akasimudza chiedza chake mudenga kuitira kuti chipe chiedza kuvanhu vose vari mumba. Mumwe wavarume ava ibenzi. Akaviga chiedza chake pasi pedengu. Jesu ndiye chiedza chenyika uye anotiratidza nzira kuna Mwari. Kana tikavimba naye, tikateerera Shoko rake uye tikararama naro, vamwe vanogona kuona chiedza chaJesu matiri. Jesu akati, " ... chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga."

Mufananidzo 4: Muroma Anorova Mujudha

Mufananidzo 4: Muroma Anorova Mujudha

Mateo 5:38-42; VaRoma 12:19

Jesu paakanga achigara munyika yavaJudha, vatorwa vechiRoma vakanga vachivatonga. Pane dzimwe nguva varwi vechiRoma vaibata vaJudha zvino utsinye, sezvauri kuona. Murwi uyu atorerawo mumwe murume jasi. Murume uyu anofanira kuitei? Jesu akaudza vanhu kuti, "Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako."

Hatifaniri kutsiva pamusoro peavo vakatikanganisira, nokuti "Kutsiva ndokwangu; ndicharipira," ndizvo zvinotaura Jehovha. Mwari acharanga vose vanoramba vachiita zvakaipa. Kurangwa uku kuchauya muupenyu huno kana mushure mokufa. Asi Mwari anotidzidzisa kuti tiripire zvakaipa nokuita zvakanaka. Zvichava zvakanaka kuti tiitire vavengi vedu zvakanaka.

Mufananidzo 5: Kunyengetera Kuna Mwari

Mufananidzo 5: Kunyengetera Kuna Mwari

Mateo 6:5-15

Mumufananidzo uyu varume vaviri vari kunyengetera (vari kutaura kuna Mwari). Mumwe wavo akamira kunze munzira, achidzokorora minyengetero mirefu. Anoda kuti vanhu vose vamuone uye vamurumbidze. Mwari haapinduri mhando yomunyengetero yakadaro. Asi tinofanira kufanana nomumwe murume uyo ari mumufananidzo. Ari kunyengetera kuna Mwari mukati memba yake mokuti hapana angamuona (kunze kwaMwari). Anozvininipisa uye akatendeka pakutaura kwake kuna Mwari. Jesu akati, " ... paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako, avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.
"Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:
'Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.
['Baba vedu vari kudenga, tibatsirei kuti tikudze Zita renyu. Uyai muzomisa umambo hwenyu, kuitira kuti vanhu vose panyika vakuteererei, sokuteererwa kwamunoitwa kudenga. Tipei kudya kwedu kwanhasi. Tiregerei zvivi zvedu sokuregerera kwatinoita vamwe. Tichengetei kuti tisaedzwa uye mutidzivirire kubva kuzvakaipa.'"]
(Ndima ichiturikirwa namamwe mashoko - Testamende Itsva.)

Mufananidzo 6: Akaipa Anodyara Sora

Mufananidzo 6: Akaipa Anodyara Sora

Mateo 13:24-30, 36-43

Vanhu vakaipa vari kudyara sora mumunda uchangorimwa. Varume avo vavengi vomuridzi womunda. Sora rakangofananawo nezvirimwa. Muridzi womunda haana kugona kubvisa sora nokuti aizoparadza mbesa dzakanaka panguva imwe cheteyo. Akamirira nguva yokukohwa.

Pakukohwa akaunganidza sora kuti ripiswe. Uye mushure maizvozvo akaunganidza mbesa dzakanaka.

Mwari akafanana nomuridzi womunda uye Satani ndiye akaipa. Munyika, Satani akadyara vanhu vakaipa pakati pavanhu vaMwari. Panguva yakafanira, Jesu achauya zvakare. Achabvisa vakaipa pakati peavo vanovimba naMwari uye vanomuteerera. Jesu achatora vose vanotenda kwaari uye vanovimba naye, kuti vagare naye nokusingaperi. Asi avo vasingadi kugamuchira Jesu vachakwandwa mugehena pamwe chete naSatani, kuti varwadziswe nokusingaperi uye vari kure naMwari.

Mufananidzo 7: Jesu Navana

Mufananidzo 7: Jesu Navana

Mateo 18:1-6, 19:13-15

Tarira! Rimwe zuva vamwe vakauya navana kuna Jesu. Vaida kuti Jesu aropafadze vana uye
avanyengeterere. Vadzidzi vaJesu vakaedza kudzivisa vana. Asi Jesu haana kufadzwa nazvo
ndokubva ati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai (vakafanana naivava)." Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, "Ndinokuudzai chokwadi kuti kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga (hwaMwari)."

Vanhu vakuru muumambo hwaMwari vanhu vanozvininipisa savana vadiki. Avo vanozvikudza uye vanofunga kuti vakuru kwazvo kuna vamwe, havasi vateveri vaJesu vechokwadi.

Mufananidzo 8: Mufudzi Namakwai

Mufananidzo 8: Mufudzi Namakwai

Mateo 18:12-14; Johani 10:14

Rimwe zuva Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti, "Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava." Jesu akanga achitaura nezvavana vakanga vari pakati pavo. Akaenderera mberi achiti, "Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe ane mapfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ... anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike."

Jesu haadi kuti vanhu vapi zvavo varasike. Mwari ndiye akaita vanhu vose vari munyika muno. Ndevake. Kana munhu upi zvake akatevera Satani, iyeye akafanana negwai rakarasika.

Jesu akatiwo, "Ndini mufudzi akanaka; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva ..." Jesu anonzi mufudzi akanaka nokuti akauya "kuzotsvaka nokuponesa" avo vakarasika kubva kuna Mwari. Jesu achiri kutsvaka nokuponesa vakarasika.

Mufananidzo 9: Muranda Akanga Asingaregereri

Mufananidzo 9: Muranda Akanga Asingaregereri

Mateo 18:21-35

Mumwe muranda akanga ane chikwereti kuna mambo, chemari yakawanda kwazvo, asi akanga asingagoni kuchiripa. Saka mambo akarayira kuti muranda nemhuri yake vatengeswe savaranda. Uye muranda akakumbirisa mambo kuti amupe nguva yokuripira mari yacho. Mambo akanzwira muranda tsitsi. Akabvisa chikwereti chose ndokumurega achienda.

Mushure maizvozvo muranda uye akandowana mumwewo muranda aiva nechikwereti chake chemari shoma shoma chaakanga asingagoni kuripira. Akatanga kudzipa murume uya achiti aifanira kudzorerwa mari yake. Nokuti mumwe muranda uyu akanga asingagoni kuripira pakarepo, akamuisa mujeri kusvikira aripa chikwereti chake. Vamwe varanda vakaudza mambo zvakanga zvaitika. Mambo akatsamwa kwazvo. Akati, "Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti nokuti wakandikumbira zvikuru. Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe." Mambo akaisa muranda akaipa mujeri kusvikira aripa chikwereti chake.

Tinofanira kuregerera munhu upi zvake anotikanganisira. Ipapo Mwari achatiregerera zvakaipa zvose zvatakaita. Asi ipapo tinofanira kuva nourombo zvechokwadi pamusoro pokusateerera kwedu.

Mufananidzo 10: Vashandi Vanopiwa Muripo Wavo

Mufananidzo 10: Vashandi Vanopiwa Muripo Wavo

Mateo 20:1-16

Mumwe muridzi womunda akaenda kundotsvaga vashandi kuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. Akabvumirana navo kuti aizovaripira mari mushure mokushanda kwezuva rimwe chete. Pakudoka kwezuva vashandi ava vakauya kuti vazopiwa muripo wavo. Akatanga kupiwa muripo wake ndiye uya akapedzisira kutanga basa Akanga ashanda basa shoma shoma. Asi muridzi womunda akanga ane tsitsi. Akapa mari kumurume uyu. Ndiyo yakanga iri muripo wokushanda kwezuva rose. Mushandi wechipiri akanga ashanda hafu yezuva. Asi vashandi vose vakapiwa mari imwe cheteyo. Murume akanga ashanda kwezuva rose akanyunyuta. Aida imwe mari pamusoro. Asi muridzi womunda akati, 'Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhenari here? Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. Ko, handina kodzero yokuita zvandinoda nemari yangu here? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda?"

Mwari akafanana nomuridzi womunda. Anogara achiruramisira. Asi ane tsitsi uye anopa zvakawanda. Anopa chipo chimwe chetecho choupenyu husingaperi kuna vose vanoteerera Jesu. Ichi chipo chokungopiwa kwete muripo wokushanda mabasa akanaka panyika.

Mufananidzo 11: Vasikana Vashanu Vakapfigirwa Kunze

Mufananidzo 11: Vasikana Vashanu Vakapfigirwa Kunze

Mateo 25:1-13

Jesu akataura mufananidzo (nyaya) yevasikana gumi. Vakanga vakamirira mwenga kuti auye kumutambo womuchato. Vashanu vakanga vakachenjera, asi vashanu vakanga vasina. Mwenga akauya vasingafungiri pakati pousiku, vasikana vashanu vakanga vakachenjera vakanga vakagadzirira kumuchingamidza. Mwenje yavo yakanga ine mafuta uye vakapinda mumutambo naye. Musuo wakapfigwa. Vasikana vashanu mapenzi vakanga vasina mafuta mumwenje yavo, saka vakaenda kundotenga mafuta. Pavakadzoka, vakadanidzira vachiti, "Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!" Asi mwenga akapindura achiti, "Ndinokuudzai chokwadi; handikuzivei."

Jesu ava kudenga iye zvino. Ndiye mwenga wokudenga. Rimwe zuva achadzoka panyika vanhu vasingambofungiri. Hatizivi kuti zvichazoitika rinhi. Asi tinofanira kugara takagadzirira kusangana naye zuva ripi zvaro. Nokuti Jesu achatora vose vanomuda uye vanomuteerera, kuti agare navo kudenga. Asi vazhinji, vakafanana navasikana vakanga vasina kuchenjera, vachasiyiwa.

Mufananidzo 12: Tenzi Navaranda Vake

Mufananidzo 12: Tenzi Navaranda Vake

Mateo 25:14-30

Tingagadzirira sei kuuya kwaJesu?
Teerera. Murume anokosha wauri kuona mumufananidzo uyu achangodzoka kubva parwendo rurefu. Asati aenda, akasiya apa imwe pfuma yake kuvaranda vake kuti vashandise. Kuno mumwe muranda akapa zvikamu zvishanu zvemari. Muranda uyu akandotsinhanisa mari iya ndokuwanira tenzi wake zvimwe zvikamu zvishanu. Mumwe muranda akapiwa zvikamu zviviri. Akawanirawo tenzi wake zvimwe zvikamu zviviri. Tenzi wavo paakadzoka, akavapa mibayiro yakanga yakavakwanira. Asi muranda wechitatu, uyo akapiwa chikamu chimwe chete, akaviga mari yaakanga asiyirwa kuti ashandise. Hapana chaakaita kuti awane imwe. Tenzi akatsamwa nokuti muranda uyu akanga ane nungo. Akamutorera mari ndokumudzinga pamba.

Jesu ndiye Tenzi womutendi. Akaenda kudenga, asi achadzoka panyika. Ane chokwadi kuti varanda vake vachamuraramira uye vagoudza vamwe nezvake. Akavapa Mweya Mutsvene wake kuti avabatsire kumuteerera. Chinhu chakanaka kushandisa zvose zvatinazvo kuti tikudze Jesu. Akavimbisa kupa mubayiro kuna avo vose vanomushumira nokutendeka.

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Jesu akadzidzisa vanhu nezvaMwari, asi akavaratidzawo kuti akanga ane simba guru rakabva kuna Mwari. Tarira mifananidzo ugoenda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Jesu Anobhabhatidzwa

Mufananidzo 13: Jesu Anobhabhatidzwa

Mako 1:4-11

Mumufananidzo uyu tinoona Jesu asati atombotanga kudzidzisa vanhu. Murume waanaye ndiJohani Mubhabhatidzi. Johani aiziva kuti Mwari aizotuma Jesu panyika. Johani akanga achirayira vanhu vechiJudha kuti vabve panzira dzavo dzakaipa uye vashumire Mwari. Avo vakatenda shoko raJohani raibva kuna Mwari vakabhabhatidzwa mumvura. Kubhabhatidzwa kwaiva chiratidzo chokuti vaizopinduka panzira dzavo vagorarama kuti vafadze Mwari. Johani akati, "Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni ... Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene." Mweya Mutsvene anopa mutendi wose simba rokuteerera Mwari.

Pano Jesu anouya kuna Johani, nokuti aida kubhabhatidzwawo, kunyange zvazvo asina kutombotadza. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, chinhu chinoshamisa chakaitika. Matenga akazaruka Mweya Mutsvene waMwari wakauya pamusoro pake mumufananidzo wenjiva. Izwi raMwari rakataura richibva kudenga richiti, "Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira; wandinofarira kwazvo."

Mushure mokubhabhatidzwa kwake, Mwari akabvumira Satani kuti aedze Jesu. Pakumuedza, Satani haana kushandisa Shoko raMwari zvakanaka. Asi Jesu akakunda Satani nokutaura mashoko akanyorwa muShoko raMwari musimba roMweya Mutsvene.

Mufananidzo 14: Jesu Anodana Vadzidzi

Mufananidzo 14: Jesu Anodana Vadzidzi

Mako 1:12-20, 28:19

Mushure mokukunda Satani, Jesu akaenda akandoita basa raakanga atumwa naMwari kuti anoita. Mwari akatuma Jesu Kristu panyika kuti anoparidza Nhau Dzakanaka dzaMwari, kunodzidzisa vanhu, kunoporesa uye nokuparadza mabasa aSatani. Rimwe zuva, Jesu paakanga achifamba pedyo neGungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, Simoni naAndirea, vachikanda usvasvi mumvura, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati, "Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu." Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo ndokuenda naJesu. Jesu akaonawo vamwe mukoma nomunun'una, Jakobho naJohani. Vakanga vachigadzirira usvasvi hwavo. Vakateverawo Jesu pakare ipapo paakavadana. Jesu akasarudza vamwe varume vasere. Varume gumi navaviri ava vakava vadzidzi vake kuti vave naye uye vadzidze kwaari. Vadzidzi ava vakazova vapostori vaJesu, zvinoreva kuti, vake vakatumwa. Vakaparidza Nhau Dzakanaka dzaJesu Kristu uye vakaporesa vairwara muZita raJesu. Mushure maizvozvo, Jesu akavapa simba kubudikidza noMweya Mutsvene, pamusoro pemweya yakaipa, kuibudisa uye nokuita mhando dzose dzezvishamiso.

Uye Jesu asati adzokera kudenga, akapa vapostori vake murayiro uyu wokuti, " ... endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, muchivadzidzisa zvose zvandakakurayirai." Izvi zvinoreva kuti vanhu vose vanoda kuva vadzidzi vaJesu nhasi, vanofanira kuda kuteerera mirayiro yake uye vagoudza vamwe nezveNhau Dzakanaka dzaJesu musimba roMweya Mutsvene. Kana zvadaro Ishe Jesu akamuka kubva kuvakafa achafamba navo uye Mwari achashanda kubudikidza navo.

Mufananidzo 15: Murume Aiva Namaperembudzi

Mufananidzo 15: Murume Aiva Namaperembudzi

Mako 1:40-45

Rimwe zuva mumwe murume aiva namaperembudzi (chirwere chakaipa kwazvo cheganda) akauya kuna Jesu. Akapfugama pamberi paJesu ndokumukumbirisa achiti, "Kana muchida, munogona kundinatsa." Vamwe vanhu vaitya kuenda pedyo nomurume uyu nokuda kwechirwere chake, asi Jesu akanzwira murume uyu tsitsi kwazvo. Akamubata ndokuti, "Ndinoda. Chinatswa!" Pakarepo murume uyu akaporeswa chirwere chake chamaperembudzi. Akafara zvokuti akaudza vanhu vose.

Chivi chakafanana namaperembudzi. Chinotiparadzanisa naMwari uye navamwe vanhu. Asi kana tikauya kuna Jesu, achatichenesa kubva kuchivi chedu chose.

Mufananidzo 16: Murume Anopinda Mumba Napadenga

Mufananidzo 16: Murume Anopinda Mumba Napadenga

Mako 2:1-12

Rimwe zuva Jesu akanga ari mune imwe imba, achidzidzisa vanhu nezvaMwari. Panguva iyoyo varume vana vakada kuuya nomurume akanga akaoma mitezo kuna Jesu, asi nokuda kwavanhu vazhinji vakatadza kupinda mukati. Saka vakaboora denga remba ndokuburutsa murume nepaya pavakanga vaboora. Jesu akaona kuvimba kwavo naye. Uye akati kumurume airwara, "Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa." Vamwe vatungamiri vechinamato vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi. Vakati, "Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?" Vakanga vasingatendi kuti Jesu akanga auya kubva kuna Mwari. Ipapo Jesu akati kumurume akanga akaoma mitezo, "Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba." Pakarepo murume uya akaporeswa!

Nenzira iyi, Jesu akaratidza vanhu kuti akanga abva kuna Mwari. Jesu ane simba raMwari rokuti aporese zvirwere, sezvaane simba raMwari rokuti aregerere zvivi. Tose tinoda kuporeswa kana tarwara, asi chinhu chinonyanya kukosha ndechokuti Jesu atiregerere zvivi zvedu, uye kuti tigamuchire chipo choupenyu husingaperi kubva kwaari.

Mufananidzo 17: Jesu Anoporesa Murume Aiva Noruoko

Mufananidzo 17: Jesu Anoporesa Murume Aiva Noruoko

Mako 3:1-5

Pano tinoona Jesu ari mutemberi yaMwari. Vatungamiri vechinamato varimowo. Uye mune murume ane ruoko rwakaunyana. Rakanga riri zuva reSabata kana kuti zuva rechinomwe revhiki vaJudha pavainamata Mwari. Murayiro wavo waiti hapana munhu aifanira kushanda pazuva iroro. VaJudha vakatarisa Jesu kuti vaone kuti aizoporesa murume uyu nomusi weSabata here. Jesu aiva nehanya navanhu uye achakadaro nanhasi. Vatungamiri vechinamato vakanga vasina kudaro. Vaingoda chete kuti Jesu atyore murayiro vagomuuraya. Jesu akabvunza vatungamiri akati, "Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?" VaJudha havana chavakataura nokuti mwoyo yavo yakanga yaomarara. Saka Jesu akati kumurume uya, "Tambanudza ruoko rwako." Akatambanudza ruoko rwake vose ndokuona kuti ruoko rwake rwakanga rwapora rwasimba.

Tinofanira kunamata Mwari uye nokumuteerera, asi tinofanira kuva nehanyawo navamwe! Kana zvisina kudaro kunamata kwedu kuchava pasina, kusina chakunoreva.

Mufananidzo 18: Jesu Anonyaradza Dutu

Mufananidzo 18: Jesu Anonyaradza Dutu

Mako 4:35-41

Mumufananidzo uyu tinoona Jesu navadzidzi vake mugwa. Vakanga vachiyambuka gungwa. Vasingazvifungiri dutu guru rakavhuvhuta. Mvura yakapinda mugwa uye ndokubva ratanga kunyura. Jesu akanga avete mugwa necheshure. Vadzidzi vake vakamumutsa vachiti, "Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?" Jesu akamuka ndokuti kumhepo namafungu, "Nyarara! Dzikama!" Pakarepo dutu rakapera. Jesu akati kuvadzidzi vake, "Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?" Vadzidzi vakashamiswa kwazvo ndokuti, "Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!"

Tinoziva kuti Jesu ndiMwari uye ane simba pamusoro pavanhu vose, mweya uye nezvinhu zvose zvaakaita. Saka, tinogona kuvimba naJesu kuti achatidzivirira uye agotipa rugare munguva dzokutambudzika.

Mufananidzo 19: Mukadzi Pakati Pavanhu Vazhinji

Mufananidzo 19: Mukadzi Pakati Pavanhu Vazhinji

Mako 5:25-34

Uri kuona mukadzi uyo pakati pavanhu vazhinji here? Ari kurwara nechirwere chokubuda ropa, kwamakore gumi namaviri zvichingoitika, uye zvava kutonyanya kuipa. Akanzwa kuti Jesu aigona kuporesa varwere. Akafunga akati: "Kana ndikangobata nguo dzake,ndichaporeswa." Saka mukadzi uya akapinda napakati pavanhu ndokuuya shure kwaJesu ndokubata nguo dzake. Pakarepo kubuda ropa kwake kwakapera uye akanzwa mumuviri make kuti akanga aporeswa. Jesu akaziva kuti simba rakanga rabuda maari. Akamira ndokuti, "Ndianiko abata nguo dzangu?" Pakanga pane vanhu vakawanda vakanga vakakomberedza Jesu, asi mukadzi uyu akaziva zvakanga zvaitika kwaari. Akauya achitya, ndokupfugama pamberi pake ndokumutaurira chokwadi chose. Jesu akati, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako."

Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti Jesu achiri kugona kuporesa vanhu vose vanoisa kutenda kwavo maari. Kune vanhu vazhinji munyika ino, asi Jesu anoziva mumwe nomumwe wavo uye anovachengeta. Anokuchengetawo. Anoda kuti iwewo uuye kwaari uvimbe naye.

Mufananidzo 20: Jesu Nomwana Akanga Afa

Mufananidzo 20: Jesu Nomwana Akanga Afa

Mako 5:22-24, 35-43

Rimwe zuva Jesu akanga ari munzira kuenda kumba kwomumwe murume ainzi Jairosi. Jairosi akanga ari munhu aikosha musinagoge ravaJudha. Mwanasikana wake akanga achirwara kwazvo. Akadana Jesu kuti auye azomuporesa, asi Jesu asati asvika, mwana akafa. Jesu akati kuna Jairosi, "Usatya; tenda bedzi." Pamba paJairosi vanhu vakanga vachichema. Jesu akavabudisa mumba. Akatora vamwe vadzidzi vake vatatu pamwe chete naJairosi nomudzimai wake ndokupinda mumba makanga makarara mwana akanga afa. Jesu akabata ruoko rwomwana ndokuti, "Musikana, ndinoti kwauri, muka!" Pakarepo akamuka ndokutanga kufamba-famba. Jesu akavaudza kuti vamupe zvokudya.

Hongu, Jesu ane simba kunyange pamusoro porufu. Avo vanotenda uye vanomutevera havafaniri kutya rufu.

Mufananidzo 21: Jesu Nomukadzi Mutorwa

Mufananidzo 21: Jesu Nomukadzi Mutorwa

Mako 7:24-30

Rimwe zuva mumwe mukadzi mutorwa akauya kuna Jesu. Mwanasikana wake akanga akabatwa nomweya wakaipa. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge mweya wakaipa uyu. Jesu akamuudza kuti akanga auya kuzobatsira vanhu vechiJudha kutanga. Dai aizobatsira vatorwa asati abatsira vaJudha, zvaizofanana nokupa imbwa zvokudya vana vasati vadya. Jesu akati, "Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo." Iye akapindura achiti, "Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana." Ipapo Jesu akati kwaari, "Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako: dhimoni rabva pamwanasikana wako." Mukadzi akaenda kumba akawana mweya wakaipa wabuda mumwana.

Jesu anoda vanhu vanobva kumarudzi ose nenyika dzose uye anovabatsira. Anoda kuti tivimbe naye, sezvakaitwa nomukadzi mutorwa. Jesu ane simba rokuti atidzikinure kubva pasi paSatani.

Mufananidzo 22: Jesu Nomurume Aiva Matsi Nembeveve

Mufananidzo 22: Jesu Nomurume Aiva Matsi Nembeveve

Mako 7:31-37

Vamwe vakauya nomumwe murume kuna Jesu. Akanga aberekwa ari matsi uye asingagoni kutaura zvakanaka. Vakakumbirisa Jesu kuti aise ruoko rwake paari. Pakarepo Jesu akaenda nomurume uya padivi. Akaisa minwe yake munzeve dzomurume uya. Akapfira pasi ndokubata rurimi rwomurume uya. Jesu akatarisa kuna Mwari kudenga ndokuti, "Dziuka!" Pakarepo murume uya akagona kunzwa uye nokutaura zvakanaka. Vanhu vakashamiswa ndokuti, "Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange nematsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure."

Tose tinofanira kunzwisisa dzidziso iyi iri muShoko raMwari. Mwari anotaura kwatiri kubva muShoko rake. Sezvakangoitwa naJesu paakaporesa nzeve dzomurume uyu kuti anzwe mashoko uye rurimi rwake kuti ataure kuvanhu, Jesu anogona kuita kuti tive nechido chokuteerera kuShoko raMwari kuti tigoziva kuda kwaMwari muupenyu hwedu. Anoita izvi kubudikidza nokushanda kwoMweya Mutsvene wake uri matiri. Somurume matsi, nesuwo tichataurira vamwe nezvaMwari.

Mufananidzo 23: Jesu Anoita Kuti Murume Akanga Ari Bofu Aone

Mufananidzo 23: Jesu Anoita Kuti Murume Akanga Ari Bofu Aone

Mako 8:22-26

Rimwe zuva vanhu vakauyawo kuna Jesu nomurume akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti aporese murume uyu. Jesu akabata murume uyu ruoko ndokuenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso omurume uyu, ndokuisa maoko ake paari ndokumubvunza achiti, "Pane zvauri kuona here?" Murume akapindura achiti, "Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba." Jesu akaisa maoko pamaziso ake zvakare. Ipapo meso ake akazaruka, akatanga kuona zvakare uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.

Satani haadi kuti tisvike pakuziva Jesu kana kunzwisisa Shoko rake. Kana tikavimba naJesu, Jesu achaita kuti tione chokwadi chake zvakanaka uye tichinzwisise, kubudikidza nokushanda kwoMweya Mutsvene wake. Tinofanira kunyengetera zuva nezuva tigomukumbira kuti aite izvozvo.

Mufananidzo 24: Jesu Anoporesa Mukomana Akanga Ane Dhimoni

Mufananidzo 24: Jesu Anoporesa Mukomana Akanga Ane Dhimoni

Mako 9:14-29

Rimwe zuva mumwe murume akauya nomwanakomana wake kuvadzidzi vaJesu. Akakumbira kuti vadzinge mweya wakaipa wakanga uri mumwanakomana wake, asi havana kugona kuzviita. Jesu akadzoka ndokubva vaenda nomwanakomana kuna Jesu. Mweya wakaipa wakaona Jesu, ndokubva wawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo. Baba vomukomana vakanga vane tariro shoma kwazvo yokuti mwanakomana aigona kuporeswa ndokubva vati kuna Jesu, "Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire." Jesu akati, "Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kuna anotenda." Baba vomukomana vakapindura vachiti, "Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!" (Vanhu vazhinji pavakanga vachiuya vachimhanya kuti vazoona) Jesu akataura kumweya wakaipa achiti, "Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari." Mweya wakaipa wakadanidzira ndokubva wabuda mumukomana. Mukomana akati zi-i zvokuti vazhinji vakati, "Afa." Asi Jesu akamubata ruoko ndokumusimudza kuti amire uye akamira.

Mushure maizvozvo vadzidzi vakabvunza Jesu vava voga vakati, "Seiko isu takonewa kuudzinga?" Jesu akapindura akati, "Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya."

Mazuva mashoma mushure maizvozvi vatungamiri vavaJudha vakauraya Jesu. Asi izvozvo ndizvo zvakaita kuti Jesu aite chishamiso kupfuura zvishamiso zvose. Akamuka kubva kuvakafa. Akakunda Satani norufu nokusingaperi. Jesu mukuru kumweya yose navamwari panyika pano. Jesu ane simba pamusoro pezvinhu zvose. Nokuti Jesu ndiMwari wechokwadi.

Схожая информация

Free downloads - Here you can find all the main GRN message scripts in several languages, plus pictures and other related materials, available for download.

"Look, Listen and Live" audio-visual - A set of 8 programs of 24 pictures each for evangelism and Christian teaching. The series presents Old Testament characters, the life of Jesus, and the young church.

How to use GRN Audio visual resources - 2: Going Deeper - This article gives further explanation of how people learn from the stories, and why the stories do not have a lot of commentary.

Аудиотека GRN - Евангелистские и базовые Библейские учебные материалы , присущие людским нуждам и культуре в различных стилях и форматах

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?