Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 5: Kutongerwa Mwari

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 5: Kutongerwa Mwari

Outline: Elisha, Daniel, Jonah, Nehemiah, Esther. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

Script Number: 422

Language: Shona

Theme: Sin and Satan (Deliverance, Sin, disobedience); Christ (Life of Christ, Authority); Character of God (Word of God (the Bible)); Living as a Christian (Worship, Obedience, No other gods, idols, Victory, Faith, trust, believe in Jesus); Bible timeline (Gospel, Good News, People of God); Problems (Problems, troubles, worries)

Audience: General

Style: Monolog

Genre: Bible Stories & Teac

Purpose: Teaching

Bible Quotation: Extensive

Status: Publishable

Script Text

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Bhuku remifananidzo roruvara rwezerere rinotiudza nezvavarume vakuru kwazvo vomuBhaibheri, vakavimba naMwari kuti aizovabatsira munguva dzamatambudziko. Paunoteerera kukaseti, ugoenda pamufananidzo unotevera kana wanzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Naamani Anoenda Kumba Kwaerisha

Mufananidzo 1: Naamani Anoenda Kumba Kwaerisha

2 Madzimambo 5:1-12

Erisha akanga ari mudzidzisi nomuprofita mukuru waMwari muIsraeri. Erisha aiziva kuti Mwari aigona kuita chinhu chipi zvacho. Rimwe zuva mumwe murume ainzi Naamani akauya kumba kwaErisha. Naamani akanga ari mutungamiri wehondo yavaAramu. VaAramu vakanga vari vavengi vavaIsraeri. Naamani akanga ari murume akashinga uye ane simba, asi akanga ane maperembudzi (chirwere cheganda). Akauya kuIsraeri nokuti akanga anzwa kuti Erisha aigona kuporesa maperembudzi ake. Asi Erisha haana kana kutombobuda kuti andomukwazisa. Erisha akatuma muranda wake kuti aende andoudza Naamani mashoko okuti, "Enda, unoshamba kanomwe muJorodhani (rwizi), ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare, uye uchava wakanatswa." Naamani akatsamwa ndokuti, "Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi." Saka Naamani akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo.

Mufananidzo 2: Naamani Kurwizi

Mufananidzo 2: Naamani Kurwizi

2 Madzimambo 5:13-19

Varanda vaNaamani vakamukumbirisa kuti arege kutsamwa kana kuzvikudza. Vakamunyengetedza kusvikira abvuma kuteerera kurayira kwaErisha kwakanga kusina kuoma. Saka Naamani akaenda kurwizi Jorodhani akandoshamba kanomwe. Tarira! Naamani ava kufara kwazvo. Maperembudzi ake aporeswa zvachose.

Mufananidzo 3: Erisha Nengoro Dzemoto

Mufananidzo 3: Erisha Nengoro Dzemoto

2 Madzimambo 6:8-17

Panguva iyi vaAramu vakanga vachirwa neIsraeri. Mwari aiyambira muranda wake Erisha nguva dzose vaAramu pavakanga vachironga kurwisa Israeri, uye Erisha aibva ayambirawo mambo. Naizvozvo mambo weAramu akarayira varwi vake akati, "Endai munoona kuti Erisha ari kupi, kuitira kuti ndigotuma vanhu kunombata." Mangwanani-ngwanani rimwe zuva, Erisha nomuranda wake vakabuda panze ndokuona kuti hondo yavaAramu yakanga yakomberedza guta ravo. Muranda akadanidzira achiti, "Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?" Erisha akati, "Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari." Ipapo Erisha akakumbira Mwari kuti azarure meso omuranda. Muranda akatarisa ndokuona zvikomo zvakanga zvakavapoteredza zvizere namabhiza nengoro dzemoto. Mwari akatumira zvose izvi kuti zvivadzivirire. Erisha aiziva kuti kana varanda vaMwari vakateerera Mwari, aizovatungimirira uye aizovadzivirira. Ndokusaka Eria asina kumbotya munhu.

Mufananidzo 4: Erisha Nehondo Yakapofumadzwa

Mufananidzo 4: Erisha Nehondo Yakapofumadzwa

2 Madzimambo 6:17-23; VaHebheru 10:30; VaRoma 12:19-20; Zvirevo 25:21

VaAramu pavakasvika pedyo kuti vabate Erisha, akanyengetera kuna Mwari achiti, "Pofumadzai vanhu ava." Pakarepo varwi vose vakatadza kuona. Erisha akaenda kwavari ndokuti, "Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka."
Erisha akatungamirira varume vose ava ndokupinda navo muSamaria chaimo, guta guru reIsraeri. Imomo Erisha akanyengetera kuna Mwari zvakare ndokuti, "Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone." Ipapo vaAramu vakaona kuti vakanga vava muguta ravavengi vavo. Mambo weIsraeri akada kuvauraya, asi Erisha akati, "Vaisirei zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye uye vagodzokera kuna tenzi wavo." Mambo akaita sezvaakanga audzwa naErisha.

Mwari waErisha mukuru kumuvengi upi zvake. Mwari akatirayira muShoko rake kuti tisatsiva pamusoro pavavengi vedu, nokuti Mwari akati, "Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira." Mwari akatiwo, "Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana ane nyota, mupe mvura anwe."

Mufananidzo 5: Kukombwa Kwesamaria

Mufananidzo 5: Kukombwa Kwesamaria

2 Madzimambo 6:24 - 7:2

Tarisa uone! Mambo weIsraeri akanga achifamba pamusoro porusvingo rweguta, vakadzi vaviri ndokuuya kwaari. Vakakumbirisa mambo kuti avabatsire. Vakanga vaita nzara zvokuti vakanga vava kudya vana vavo. Zvakaita saizvozvo nokuti hondo yavaAramu yakanga yauya zvakare kuzorwisa Israeri. Yakakomba guta reSamaria zvokuti munguva shoma shoma vaIsraeri vaiva muguta vakanga vasisina zvokudya. Mambo akashaya zvokuita. Akanga atsamwa nokuti Mwari akanga asina kuvaponesa kubva kuvaAramu. Ipapo akafunga zvokuuraya Erisha, muranda waMwari. Erisha akatuma shoko kuna the mambo achiti, "Zvanzi naJehovha Mwari, Nenguva yakaita seino mangwana, upfu hwakatsetseka nebhari zvichatengeswa pasuo reSamaria."

Mufananidzo 6: Varume Vana Vaiva Nemaperembudzi

Mufananidzo 6: Varume Vana Vaiva Nemaperembudzi

2 Madzimambo 7:3-20

Panguva iyoyo varume vana vakanga vakagara pasuo reSamaria. Vose vaiva namaperembudzi. Vakataurirana vachiti, "Tichagarireiko pano kusvikira tafa? ... Ngatiendei kumusasa wavaAramu (hondo yavaAramu) tinozvipira hedu." Panguva imwe cheteyo vaAramu vakanzwa ruzha rukuru sorwehondo huru yakanga ichiuya. Vakatya zvokuti vakatiza vachisiya zvinhu zvavo zvose. Varume vaiva namaperembudzi vakasvika pamusasa wavaAramu, ndokuona pasina kana munhu! Varume vaiva namaperembudzi vakatora zvokudya nezvose zvavaida. Ipapo vakataurirana vachiti, "Hatisi kuita chinhu chakanaka. Rino izuva ramashoko akanaka asi isu takangonyarara hedu." Vakakurumidza kudzokera kuSamaria kundoudza vachengeti vamasuo nhau dzakanaka, uye ivo vakandoudza veimba yamambo. Munguva shoma shoma vanhu vakanga vava kutengesa zvokudya muguta reSamaria sokutaurwa kwazvakaitwa naMwari kubudikidza naErisha.

Mufananidzo 7: Jona Anotiza Kubva Kuna Mwari

Mufananidzo 7: Jona Anotiza Kubva Kuna Mwari

Jona 1:1-7; 2 Madzimambo 13:14-20

Mushure mokufa kwaErisha, kwakava nomumwe muprofita muIsraeri ainzi Jona. Mwari akati kuna Jona, "Enda kuguta guru reNinevhe undoriparidzira, nokuti kuipa kwaro kwasvika pamberi pangu." Vanhu veNinevhe vakanga variwo vavengi veIsraeri. Jona akanga asingadi kuenda kwavari, saka akaedza kutiza. Akawana chikepe chaienda kunyika yakanga iri kure. Akaripa muripo worwendo chikepe ndokufamba. Asi munguva shoma shoma dutu guru rakauya pagungwa. Vanhu vaiva muchikepe vakatya kwazvo. Vakati, "Uyai, tikande mijenya kuti tione kuti ndiani aita kuti tiwirwe nenjodzi iyi." Saka vakakanda mijenya uye vakaona kuti Jona ndiye akanga ane mhosva.

Mufananidzo 8: Jona Nehove Huru

Mufananidzo 8: Jona Nehove Huru

Jona 1:8 - 2:10

Vafambisi vechikepe vakati kuna Jona, "Watadzeiko?" Avaudza kuti akanga achitiza kubva kuna Jehovha. Saka vakati kwaari, "Ko, tinofanira kuitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?" Akapindura achiti, "Ndisimudzei mundikande mugungwa, ipapo richanyarara. Ndinoziva kuti mhosva yangu ndiyo yaita kuti dutu iri rikuwirei." Varume vaya vakanga vasingadi kuuraya Jona, asi dutu rakatonyanya kukura, saka vakamukanda mugungwa. Asi Jona haana kunyura (haana kufa) mumvura. Tarira! Hove huru yakamedza Jona. Kwamazuva matatu akagara ari mupenyu mudumbu rehove. Mushure maizvozvo hove yakarutsira Jona panyika yakaoma.

Mufananidzo 9: Jona Muguta Reninevhe

Mufananidzo 9: Jona Muguta Reninevhe

Jona 3:1-10

Mwari akataura kuna Jona kechipiri achiti, "Enda kuguta guru reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa." Saka Jona akateerera Mwari ndokuenda kuNinevhe. Akayambira vanhu achiti, "Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa." Mambo navanhu vose vakachema kuna Mwari kuti avaponese. Vakatendeuka kubva kunzira dzavo dzakanga dzakaipa, saka Mwari akasarudza kusavaparadza.

Tose takafanana naJona uye navanhu veNinevhe. Tose hatina kuteerera Mwari uye takaita zvakaipa. Tinokodzera kurangwa. Asi Mwari anotida. Haadi kuti tiende kugehena, nzvimbo yokutambudzika nokusingaperi. Naizvozvo akatuma Jesu kuti azotiyambira, uye atiponese kuitira kuti tibve kuzvakaipa. Jesu akafira zvivi zvedu. Akanga ari muguva kwamazuva matatu, saJona akanga ari mudumbu wehove kwamazuva matatu. Mushure maizvozvo Jesu akamuka kubva kuvakafa. Zvino ava kupa upenyu husingaperi kuna vose vanotendeuka kubva kuchivi nezvakaipa zvose kuti vamutevere. Idzi inhau dzakanaka uye tinofanira kudzigovera vanhu vose.

Mufananidzo 10: Esteri Namambo

Mufananidzo 10: Esteri Namambo

Esteri 1:1 - 2:18

Esteri akanga ari musikana wechidiki wechiJudha aibva kunyika yeIsraeri. Vabereki vake vakanga vafa, saka sekuru vake, Modhekai vakamuchengeta.
Mushure mehondo, Esteri naModhekai vakatapwa pamwe chete navamwe vanhu vose veIsraeri, ndokuendwa navo kunyika yePezhia. Mambo wePezhia akanga ari murume ane simba kwazvo. Vanhu vose vaimutya. Pane imwe nguva VaHosi vake havana kumufadza, ndokubva afunga zvokutsvaga vamwe. Saka akadana vasikana vose vakanga vakanakisisa muumambo hwake ndokuita kuti vauyiswe kumuzinda wake (imba yake youmambo). Uye kubva pakati pavo vose, akasarudza Esteri kuti ave vaHosi vake vatsva. Asi Esteri haana waakaudza kuti akanga ari muJudha.

Mufananidzo 11: Modhekai Anoramba Kukotamira Pasi

Mufananidzo 11: Modhekai Anoramba Kukotamira Pasi

Esteri 3:1 - 4:17, 5:14; Johani 3:16

Mumufananidzo uyu tinoona murume anonzi Hamani, murume aikosha kwazvo muPezhia. Vanhu vose vaifanira kukotamira pasi Hamani vachimukudza nguva dzose paaipfuura nepavari. Asi Modhekai, sekuru vaEsteri vakaramba kukotamira Hamani. Modhekai aizokotama pamberi paMwari iye mumwe chete wechokwadi waainamata. Hamani akatsamwa kwazvo. Akafunga zvokutsiva pamusoro paModhekai. Rimwe zuva Hamani akaudza mambo kuti, "Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; ..." Akanga achitaura nezvavaJudha. Hamani akatiwo, " ... ngapaiswe chirevo (mutemo) chokuti vaparadzwe, ..." Hamani akati aizopa mambo mari kuti izvi zviitwe, mambo ndokuti zviitwe, asi akaramba mari. Mutemo wakadzikwa muumambo hwose hwePezhia wokuti vaJudha vaurayiwe uye vatorerwe pfuma yavo. Hamani akaitawo kuti pamiswe matanda makuru okuti Modhekai agosungirirwapo. Modhekai akakumbira Esteri kuti aende kuna mambo kuti andokumbirira vanhu vake. Asi Esteri akati, " ... murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo ... asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa." Esteri akakumbira vaJudha vose vaiva muguta kuti vasadya kana kunwa chinhu kwamazuva matatu uye vagomunyengeterera kuna Mwari. Iye navaranda vake vaizoita zvimwe chetezvo. Akatiwo, "Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichifa, ndichafa hangu."

Mufananidzo 12: Mabiko Aesteri

Mufananidzo 12: Mabiko Aesteri

Esteri 5:1 - 7:10

Mwari akapindura minyengetero yavaJudha. Mambo akapa Esteri mvumo yokuti ataure naye. Esteri akakoka mambo kumutambo mukuru uye akakokawo Hamani. Pamutambo mambo akabvunza Esteri akati, " VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei ? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa." Esteri akapindura achiti, "... kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu. Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose... " Mambo akati, "Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?" Saka Esteri akati, "Mudzivisi nomuvengi ndiyeyu Hamani ane utsinye." Mambo paakanzwa nezvourongwa hwakaipa hwaHamani akatsamwa zvokuti akaita kuti Hamani asungirirwe afe pamatanda aakanga agadzirira Modhekai. VaJudha vose vakaponeswa.

Esteri akanga akazvipira kufa, kuti aponese vanhu vokwake kuti vasaurayiwa. Asi funga nezvaJesu. Akatida zvokuti akatifira kuti atiponese kuitira kuti tisaendeswa kunzvimbo yokurangwa nokusingaperi kwataifanira kuenda nokuda kwezvivi zvedu. Kana tichitenda kuna Jesu, tinofanira kuvawo vanhu vakagadzirira kuudza vamwe nezvake, kuitira kuti vagoponeswawo.

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Varume vaviri vechiIsraeri vainzi Dhanieri naNehemia, vakamanikidzwawo, saModhekai naEsteri, kuti vandogara kunyika yavavengi vavo. Dhanieri naNehemia vainamatawo Mwari mumwe chete wechokwadi uye vakava vanhu vakuru vaMwari. Ugoenda kumufananidzo unotevera mubhuku, paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Dhanieri Neshamwari Dzake

Mufananidzo 13: Dhanieri Neshamwari Dzake

Dhanieri 1:1-21

Mufananidzo uyu unoratidza Dhanieri neshamwari dzake nhatu. Vakanga vari vaJudhawo, ivo vaIsraeri. Vakatorwa navavengi vavo vakaendwa navo kunyika yeBhabhironi. Mambo weBhabhironi aida kuti vamushandire. Saka vaifanira kudzidza mutauro wokuBhabhironi uye netsika dzaikoko. Asi Dhanieri neshamwari dzake akaramba kudya zvokudya zvaikosha zvamambo. Zvakanga zvichipikisana netsika dzavaJudha. Vaida kuchengeta mirayiro yaMwari uye vagomukudza, saka vakakumbira kuti vapiwe miriwo vagodya uye nemvura yokunwa. Murume aivachengeta akatya kwazvo kuti vaizoondoroka vagorwara. Asi Mwari akavachengeta uye vakava noutano nouchenjeri huri nani kupfuura hwavamwe varume vose, vakanga vachishandira mambo muBhabhironi.

Mufananidzo 14: Dhanieri Namambo Webhabhironi

Mufananidzo 14: Dhanieri Namambo Webhabhironi

Dhanieri 2:1-49

Mambo weBhabhironi, ainzi Nebhukadhinezari, akarota hope. Akarayira vachenjeri vake nen'anga kuti vamuudze kuti akanga arotei, uye kuti zvairevei. Asi hapana kana mumwe wavo akagona kumuudza, saka akaronga kuvauraya vose. Ipapo Dhanieri and neshamwari dzake vakanyengetera kuna Mwari, uye Mwari akaratidza Dhanieri hope dzamambo. Dhanieri akaenda kuna mambo ndokuti, " ... asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya." Dhanieri akaudza mambo kuti muhope dzake akanga aona umambo hwose hwenyika, uye akaonawo humwe umambo hukuru, hwakauya hukaparadza umambo hwakanga hwavapo. Umambo ihwohwo hwaMwari, huchavapo nokusingaperi. Mambo akafadzwa namashoko aDhanieri. Vachenjeri nen'anga vakasiyiwa vari vapenyu, Dhanieri ndokuitwa mubati weBhabhironi yose ari pasi pamambo.

Zvose zvinoitika munyika zviri pasi pokutonga kwaMwari mukuru aitaurwa nezvake naDhanieri. Naizvozvo hatifaniri kuenda kun'anga, asi kuna Mwari. Tinofanira kuvimba naye kuti tiite zvinhu zvakanaka.

Mufananidzo 15: Chifananidzo Chegoridhe

Mufananidzo 15: Chifananidzo Chegoridhe

Dhanieri 3:1-12; Ekisodho 20:4-5

Mambo weBhabhironi akaita chifananidzo chikuru chegoridhe. Akadana vabati vake vose kuti vauye vazochiona. Mumwe muranda wamambo akarayira vanhu vaivapo akati, "Pamunonzwa kurira kwezviridzwa zvakawanda, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari. Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandwa muvira romoto pakarepo." Shadhireki, Meshaki naand Abhedhinego, shamwari dzaDhanieri vakaramba kunamata chifananidzo. Vainamata Mwari chete. Vaiziva mirayiro yaMwari inoti, "Usava navamwe vamwari. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata;" Vamwe varume vakaenda kuna mambo ndokuti, " Asi pana vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa."

Mufananidzo 16: Vira Romoto

Mufananidzo 16: Vira Romoto

Dhanieri 3:13-28; Ekisodho 20:3-5

Mambo akatuma nhume kuti dzindodana shamwari nhatu dzaDhanieri. Akati kwavari, "Kana mukasanamata chifananidzo chegoridhe, muchakandwa muvira romoto. Ipapo ndimwari upi achagona kukununurai kubva muruoko rwangu?" Varume vaya vakapindura vachiti, " ... Mwari watinoshumira anogona kutinunura kubva mariri, uye achatinunura kubva muruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange akasadaro, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatisi kuzoshumira vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa."
Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakakandwa muvira romoto. Ipapo mambo akadanidzira achiti, "Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana waMwari." Varume vatatu vaya pavakabuda mumoto vakanga vasina kutombotsva. Mambo akati, "Mwari waShadhireki, Meshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! ... nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi."

Mufananidzo 17: Dhanieri Anonyengetera Kuna Mwari

Mufananidzo 17: Dhanieri Anonyengetera Kuna Mwari

Dhanieri 6:1-13

Dhanieri akanga ane simba guru munyika yeBhabhironi. Vamwe pakati pamachinda vakamuitira godo. Asi vakamushayira mhosva, nokuti Dhanieri aiteerera mambo. Saka vavengi vaDhanieri vakaenda kuna mambo ndokuti, " ... mambo ngaateme chirevo ... chokuti ani naani anonyengetera kuna mwari upi zvake kana munhu pakati pamazuva makumi matatu, kunze kwokwamuri, imi mambo, achakandwa mugomba reshumba." Mambo akabvumirana navarume ava uye akadzika mutemo mutsva. Dhanieri akanzwa nezvomutemo mutsva wamambo, asi akaramba achinyengetera kuna Mwari katatu pazuva sekare. Vavengi vake pavakamuona achinyengetera, vakaenda kuna mambo ndokuti, "Dhanieri haana kuteerera mutemo wamakadzika."

Mufananidzo 18: Dhanieri Mugomba Reshumba

Mufananidzo 18: Dhanieri Mugomba Reshumba

Dhanieri 6:14-24

Mambo akanga asingadi kuti Dhanieri afire mugomba reshumba, asi akanga asingagoni kupindura mutemo. Saka Dhanieri akakandwa kushumba. Mangwanani-ngwanani ezuva rakatevera, mambo akamhanyira kugomba reshumba ndokudanidzira achiti, "Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?" Uye Dhanieri akapindura achiti, "Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba." Mambo akafara kwazvo. Dhanieri
Akabudiswa mugomba reshumba. Mambo akarayira, vavengi vaDhanieri ndokukandwa kushumba uye pakarepo shumba dzakavabvambura-bvambura.

Hatifaniri kutombotya zvatingaitwa navanhu. Tinofanira kuvimba naMwari mupenyu akabatsira Dhanieri neshamwari dzake. Kunyange vanhu vakatiuraya, tinoramba tine tariro, nokuti Jesu akauya achibva kuna Mwari kuti azopa upenyu husingaperi kuna vose vanomuda uye vanomushumira.

Mufananidzo 19: Nehemia Pamberi Pamambo Mukuru

Mufananidzo 19: Nehemia Pamberi Pamambo Mukuru

Nehemia 1:1 - 2:7

Nehemia akagara muBhabhironi mushure menguva yaDhanieri. Nehemia akanga ariwo muJudha aivimba naMwari. Nehemia akanga ari muranda wamambo mukuru. Rimwe zuva paakanga achipa mambo waini, mambo akati kwaari, "Ko, chiso chako chinoratidza kusuwa seiko ..." Nehemia akanga akasuwa nokuti Jerusarema, guta ramadzitateguru ake, rakanga rava dongo uye vaJudha vaigara ikoko vakanga vava munjodzi huru. Saka Nehemia akaudza mambo nezveJerusarema uye nezvavanhu varo, vaJudha. Ipapo mambo akati, "Chii chauri kuda?" Nehemia akanyengetera chinyararire kuna Mwari, ndokuti kuna mambo, "Kana zvichifadza mambo ... ngaanditumire kuguta riri kuJudha kwakavigwa madzibaba angu kuitira kuti ndinorivakazve."

Mwari akapindura munyengetero waNehemia mambo ndokubvuma chikumbiro chake, uye akamupawo zvokuvakisa, pamwe chete navashandi vaizomubatsira.

Mufananidzo 20: Nehemia Anoongorora Guta Rakanga Rava Dongo

Mufananidzo 20: Nehemia Anoongorora Guta Rakanga Rava Dongo

Nehemia 2:8-20

Nehemia, navabatsiri vake, akafamba rwendo rwose rwokuenda kuJerusarema. Chokutanga, Nehemia aida kutanga kuongorora masvingo kuti aone kuti akanga akakuvara zvakadii. Saka akatasva bhiza rake ndokufamba achipoterera guta. Akaita izvi panguva yousiku kuitira kuti pasava neanoziva zvaakanga achiita, nokuti vavengi vavaJudha vakanga vanzwa nezva Nehemia, uye nourongwa hwake. Vakanga vatsamwa kwazvo. Vakanga vasingadi kuti munhu upi zvake abatsire vaJudha. Mangwanani akatevera, Nehemia akadana vaJudha vose pamwe chete ndokuti, "Uyai, ngativakeizve rusvingo rweJerusarema, kuti tisazoinyadziswazve." Akavaudza kuti Mwari akanga anaye, uye kuti akanga ane mvumo yamambo weBhabhironi. Saka vaJudha vakapindura vachiti, "Ngatitangei kuvaka."

Mufananidzo 21: Kuvaka Masvingo

Mufananidzo 21: Kuvaka Masvingo

Nehemia 3:1 - 6:19

VaJudha vakatanga basa. Vakabvisa zvose zvakanga zvakakoromoka, vamwe vachivaka masvingo, uye vakavaka masuo. Vavengi vavaJudha vakatsamwa kwazvo. Vakaedza kuuraya vashandi. Saka Nehemia akanyengetera kuna Mwari zvakare, nokuti aiziva kuti uchenjeri hwose nesimba rose ndezvaMwari. Aida kuti Mwari amuratidze zvokuita. Ipapo akaisa varume vaiva nezvombo pamasvingo kuti vachengetedze vashandi. Vanhu vakatakura zvombo ndokugadzirira hondo. Vavengi havana kugona kuuraya Nehemia kana vamwe vaJudha. Saka basa rakaenderera mberi uye (mumazuva 52 chete) rusvingo rwakapera kuvakwa patsva.

Mufananidzo 22: Ezra Anoverenga Murayiro

Mufananidzo 22: Ezra Anoverenga Murayiro

Nehemia 8:1 - 13:31

Mushure mokupera kuvakwa kwamasvingo, vaJudha vakaungana muJerusarema. Ezra, muprista waMwari, akavaverengera kubva mumurayiro waMwari. Wakanyorwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Vamwe pakati pavanhu vakatanga kuchema pavakanzwa Shoko raMwari. Vaiziva kuti vakanga vasina kuteerera Mwari. Ndicho chikonzero chakaita kuti Mwari abvumire vavengi kuti vaparadze guta ravo. VaJudha vakanga vachida kutendeuka kubva kunzira dzavo dzezvivi uye vagorarama maererano nokuda kwaMwari zvakare. Nehemia akati kuvanhu, "Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiwo simba renyu."

Une mufaro here? Mwari anopa mufaro nesimba rapamweya kana tikaziva Mwari uye tikateerera Shoko rake Dzvene, Bhaibheri. Rega ndikutaurire kuti ungazivawo sei Mwari waNehemia. Ndiye Mwari mumwe chete, wechokwadi.

Mufananidzo 23: Jesu Pamuchinjikwa

Mufananidzo 23: Jesu Pamuchinjikwa

Johani 19:17-30

Kune nzira imwe chete yokuziva nayo Mwari. Mwari akatuma Mwanakomana wake, Jesu, kuti azotiratidza nzira. Jesu akararama panyika pano makore mazhinji kwazvo akapfuura. Akaita zvinhu zvakanaka zvakawanda kuti abatsire vanhu uye akatiratidza, nemuenzaniso wake, kuti tinofanira kurarama nenzira ipi kuti tifadze Mwari. Asi hatina kutevera muenzaniso wake, nokuti hatina kumuziva asati auya. Tose takatadzira Mwari. Mwari anoranga mutadzi anoramba Shoko rake kana kuda kwake. Mushure mokufa kwomunhu iyeye, Mwari anomuendesa kugehena, nzvimbo yokutambudzika nokusingaperi, kure naMwari.

Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti akaita munhu wokutanga kubva muvhu, saka patinofa, miviri yedu inodzokera kuvhu. Asi mweya womunhu, unova chikamu chedu, unodzokera kuna Mwari akaupa. Ipapo ndipo patinogamuchira kuranga kwaMwari kana mubayiro.

Kunyange zvazvo Jesu asina chakaipa chaakaita panyika, Mwari akabvumira vanhu vakaipa kuti vamuuraye. Vakamuroverera pamuchinjikwa womuti. Nokuti Jesu anoda vanhu vose, akatakura kurangwa kwezvivi zvavanhu vose. Zvino kana tikatendeuka, Mwari acharegerera zvivi zvedu kuitira kuti tigogona kumuziva uye nokumuteerera. Vateveri vechokwadi vaJesu havasi kuzorwangwa mushure mokufa. Vachamuda uye vagomushumira nokusingaperi.

Mufananidzo 24: Jesu Anoratidza Nzira Inoenda Kuupenyu Husingaperi

Mufananidzo 24: Jesu Anoratidza Nzira Inoenda Kuupenyu Husingaperi

Mateo 7:13-14; Johani 14:6; VaRoma 3:10-23

Mumufananidzo uyu unoona nzira mbiri.
Kana vanhu vakaramba vasingadi kuteerera Mwari, vanenge vachifamba mumugwagwa wakapamhamha unotongwa zvose zvakaipa naSatani. Nzira iyi inotungamirira kunzvimbo yokurangwa nokusingaperi. Munhu wose anoberekwa panyika pano anopinda mumugwagwa wakapamhamha uyu. Izvi ndezvechokwadiwo kwauri nokwandiri. Nokuti Shoko raMwari rinoti, "Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari. ...Vose vakatsauka, hakuna kana mumwe anoita zvakanaka." Kwakanyorwawo kuchinzi, " ... nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari, ..."

Nokuti vanhu vose vatadzi, vose vanokodzera kurangwa naMwari. Asi Mwari akatuma Mwanakomana wake Jesu kuti azotora kurangwa kwedu. Asi mushure maizvozvo, Mwari akamutsa Jesu kubva kuvakafa uye iye zvino mupenyu kuti atiratidze nzira yokudzokera nayo kuna Mwari.
Jesu akati, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri." Avo vanotevera nzira yaJesu havaendi kunzvimbo yokutambudzika nokusingaperi. Tinofanira kutevera nzira yaJesu. Iyi inzira yakaomarara uye yakamanikana. Uye nokuda kwezvakaipa zvenyika ino, vanhu vachatambudzika munyika. Asi Jesu anoramba ane avo vanomutevera, kuti avape simba. Kuvateveri vaJesu kune tariro nokuti nzira yaJesu inotungamirira kudenga. Kudenga hakuna kutambudzika asi kune mufaro nokusingaperi uye norugare, nokuti vose vanoenda kudenga, vachashumira Mwari uye vachamuda, uyewo vachagara naye nokusingaperi. Asi Satani neavo vose vanotevera nzira yake vachaenda kugehena, nzvimbo yokutambudzika nokusingaperi.

Kana uchida kusiya nzira yaSatani ugofamba munzira yaJesu inotungamirira kuna Mwari, unogona kunyengetera sezvinotevera:
Mwari Baba vari kudenga, ndiri mutadzi. Kusvikira zvino ndanga ndichitevera Satani uye ndaisundwa nezvido zvangu, pfungwa dzakaipa uye netsika dzakaipa. Ndapota ndiregerereiwo. Ndinokutendai, Ishe Jesu nokuti makandifira pamuchinjikwa, mukatakura kurangwa kwezvivi zvangu. Ndinokutendai nokuti ropa renyu rinondichenesa kubva kuchivi chose. Ishe Jesu, ndinokugamuchirai iye zvino saIshe noMuponesi wangu. Ndinokutendai nokuti kubudikidza noMweya Mutsvene wenyu muchandipa simba rokuti ndive mwana waMwari uye kuti nditeerere Shoko renyu. Muzita raJesu ndinokumbira izvi. Ameni.

Related information

Free downloads - Here you can find all the main GRN message scripts in several languages, plus pictures and other related materials, available for download.

"Look, Listen and Live" audio-visual - A set of 8 programs of 24 pictures each for evangelism and Christian teaching. The series presents Old Testament characters, the life of Jesus, and the young church.

How to use GRN Audio visual resources - 1: Sharing the Gospel made easy - This article gives an introduction to some of the many different ways the GRN audio visual resources can be used in ministry.

How to use GRN Audio visual resources - 2: Going Deeper - This article gives further explanation of how people learn from the stories, and why the stories do not have a lot of commentary.

The GRN Audio Library - Evangelistic and basic Bible teaching material appropriate to the people's need and culture in a variety of styles and formats.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?