Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 1: Kutanga Namwari

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 1: Kutanga Namwari

План-конспект: Adam, Noah, Job, Abraham. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

Номер текста: 418

Язык: Shona

Тема: Sin and Satan (Judgement, Sin, disobedience, Satan (the devil)); Christ (Sacrifice / Atonement); Eternal life (Salvation); Character of God (Grace and Mercy, Nature, character of God, Word of God (the Bible)); Living as a Christian (Worship, Obedience, Faith, trust, believe in Jesus); Bible timeline (Creation, Prophecy, fulfillment of, Gospel, Good News); Problems (Problems, troubles, worries)

Aудитория: General

Стиль: Monolog

Жанр: Bible Stories & Teac

Цель: Teaching

Библейская цитата: Extensive

статус: Publishable

Текст программы

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Uya udzidze pamusoro pavanhu vokutanga kurarama panyika pano. Zvinhu zvakaitirwa vanhu ava naMwari zvinotidzidzisa zvakawanda nezvake. Tarisa mifananidzo iri mubhuku dzvuku paunenge uchiteerera kukaseti. Kaseti ine zvidzidzo zvinobva muBhuku raMwari, Bhaibheri. Enda pamufananidzo unotevera, paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Adhamu Nemhuka

Mufananidzo 1: Adhamu Nemhuka

Genesisi 1:1 - 2:14

Kuna Mwari mumwe chete. Iye Mweya. Anoziva zvinhu zvose uye ari kwose kwose. Pakutanga kwaiva naMwari chete; kunze kwaMwari kwakanga kusina chimwe chinhu chipenyu. Nyika sokuziva kwatinoiiita nhasi uno, yakanga isiko. Mwari akasika zvinhu zvose. Chokutanga, akasika chiedza. Mushure akaita denga, makore uye nenyika. Akakamuranisa gungwa nenyika yakaoma, miti yemhando dzose ndokutanga kukura. Akazoita zuva, mwedzi nenyeredzi. Akaita zvisikwa zvose zvipenyu, zviri panyika nezviri mugungwa. Munhu ari mumufananidzo uyu ndiAdhamu. Ndiye munhu wokutanga kurarama panyika pano. Mwari akamuita kubva muguruva renyika. Akaita munhu nomufananidzo wake. Mwari akaita kuti munhu amuzive iye Mwari (kuitira kuti mweya womunhu uve mumwe chete nomweya waMwari). Mifungo yose yomunhu nezvido zvake zvakapindirana nezvaMwari, uye akafamba naMwari.

Mufananidzo 2: Mukadzi Waadhamu

Mufananidzo 2: Mukadzi Waadhamu

Genesisi 1:27-28, 2:15-25

Mwari akaisa Adhamu mubindu rakanga rakanaka kwazvo rainzi Edheni uye akamurayira kuti arichengete. Mubindu umu makanga mune miti yemhando dzose, yaisanganisira Muti woKuziva Zvakanaka neZvakaipa uye noMuti woUpenyu. Mwari akabvumira Adhamu kuti ape mhuka dzose neshiri dzose mazita. Kwakanga kune zvikono nezvikadzi pazvisikwa zvose. Zvakanga zvisingatyi munhu uye zvakanga zvisingamukuvadzi. Asi hapana kuwanikwa mubatsiri akanga akakwanira Adhamu. Saka Mwari akasika mukadzi somubatsiri waAdhamu. Mwari akaita kuti Adhamu avate hope huru kwazvo. Ipapo akatora rumbabvu kubva padivi raAdhamu. Kubva pambabvu iyi Mwari akaita mukadzi. Mwari akamuendesa kumurume. Murume nomukadzi vakanga vasina kusimira, asi vakanga vasinganyadziswi nazvo. Vaitaura naMwari sezvinoita shamwari. Kwakanga kusina kusuwa, rufu kana zvakaipa munzvimbo yaishamisa iyi.

Mufananidzo 3: Nyoka Mubindu

Mufananidzo 3: Nyoka Mubindu

Genesisi 2:16-17, 3; Isaya 14:12

Mwari akarayira murume Adhamu akati, "Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu; asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo." Asi Satani akanyengera mukadzi waAdhamu. Satani akanga ari mutumwa waMwari, asi akamukira Mwari akanga amusika. Aida kuti ave mukuru kuna Mwari. Saka Mwari akamudzinga kubva kudenga, uye Satani akava muvengi waMwari. Satani, iye akaipa, akauya kumukadzi ari nyoka. Nyoka yakamunyengera ndokuti akanga asingazofi mushure mokudya muchero wakanga wadziviswa. Mukadzi akadya ndokupawo mumwe muchero kuna Adhamu. Pavakangodya chete vakabva vaziva kuti vakanga vasina kusimira. Vakaziva kuti vakanga vasina kuteerera Mwari uye kuti ukama hwavo naMwari hwakanga hwapinduka. Vakabatanidza mashizha okuti vapfeke ndokubva vaedza kuvanda Mwari.

Mufananidzo 4: Adhamu Nomukadzi Wake Kunze Kwebindu

Mufananidzo 4: Adhamu Nomukadzi Wake Kunze Kwebindu

Genesisi 3:14-24

Pano mumufananidzo tinoona zvakaitika mushure mokunge Adhamu nomukadzi wake varega kuteerera Mwari. Mwari akavaranga nokuti vakanga varega kuteerera kurayira kwake, asi, chokutanga, Mwari akati kunyoka, "Nokuti waita izvi, watukwa kupfuura zvipfuwo zvose uye nokupfuura mhuka dzose dzesango!" Kubvira panguva iyoyo Satani akaramba ari muvengi waMwari nomunhu. Mwari akafanotaurawo kuti zvizvarwa zvaAdhamu nomukadzi wake zvaizokunda Satani. Jesu akaita izvi paakafira zvivi zvenyika uye akamuka kubva kuvakafa.
Mwari akati kumukadzi, "Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa..." Mwari akaudza Adhamu kuti nokuti akanga ateerera kumukadzi wake uye akadya kubva pamuti, ivhu raizotukwa. Naizvozvo aizofanira kushanda zvakasimba kuti ivhu rimupe zvokudya zvinomukwanira iye nemhuri yake kusvikira afa. Mwari akavadzinga kubva mubindu.
Adhamu akatumidza mukadzi zita rokuti Evha, zvichireva kuti 'mupenyu'. Evha akamuberekera vana. Vanhu vose vakabva pana Adhamu naEvha. Adhamu naEvha, navanhu vose mushure mavo vane zvakaipa mavari uye zvakaipa izvi zvinovaparadzanisa naMwari uye navamwe vavo.

Mufananidzo 5: Noa Neareka

Mufananidzo 5: Noa Neareka

Genesisi 6:1 - 7:5

Vana vaAdhamu naEvha uye nezvizvarwa zvakatevera vakawanda kwazvo. Vakatevera nzira dzaSatani uye vakaita zvakaipa pamberi paMwari. Mwari akazvidemba kuti akanga aita munhu. Munhu mumwe chete ndiye akateerera Mwari. Zita rake ainzi Noa. Rimwe zuva Mwari akataura kuna Noa akati, "Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo... Saka iwe zviitire (zvivakire) areka." Areka ingarava huru kwazvo. "Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvine upenyu mazviri. Asi ndichaita sungano yangu newe. Pinda muareka, iwe nomukadzi wako, navanakomana vako uye navakadzi vavo. Unofanira kuisa muareka pamwe chete newe chikono nechikadzi pamhando dzose dzemhuka nedzeshiri, kuitira kuti zvirarame. Uye unofanira kuisa zvokudya zvemhando dzose zvokuti iwe nemhuri yako nemhuka mudye." Mwari akaudza Noa chaizvoizvo kuti aizovaka sei areka. Noa akaita zvose zvaakarayirwa naMwari.
Noa, paakanga achivaka areka, akaramba achiyambira vanhu kuti Mwari akanga achizovaparadza, asi vakaramba kutendeuka kubva kunzira dzavo dzakanga dzakaipa.

Mufananidzo 6: Mafashamu Makuru

Mufananidzo 6: Mafashamu Makuru

Genesisi 7:6-23

Areka payakapera, Noa nemhuri yake, nemhuka dzose akapinda muareka. Mwari akapfiga musuo. Mushure mamazuva manomwe mvura yakatanga kunaya. Yakanaya kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana. Zvitubu zvose zvepakadzika zvakatubuka uye mafashamu akazadza nyika yose. Vanhu vose vaiva kunze kweareka vakafa pamwe chete nemhuka dzose dzaiva kunze kweareka.

Mufananidzo 7: Muraravungu Nechivimbiso Chamwari

Mufananidzo 7: Muraravungu Nechivimbiso Chamwari

Genesisi 7:24 - 9:17

Noa nemhuri yake yose vakagara pamwe chete nemhuka muareka kwenguva inopfuura gore. Mvura payakazomira kunaya uye ikaoma panyika, vose vakabuda muareka. Ipapo Noa akavakira Mwari aritari, sezvaunoona pano. Akauraya dzimwe mhuka ndokudziita chibayiro kuna Mwari nokudzipisa paaritari. Mwari akafadzwa nazvo uye ndokubva aisa muraravungu mudenga. Akavimbisa kuti akanga asingazoparadzi zvinhu zvipenyu zvose namafashamu.

Mufananidzo 8: Shongwe Yebhabheri

Mufananidzo 8: Shongwe Yebhabheri

Genesisi 11:1-9

Mwari akaudza Noa navanakomana vake vatatu kuti vabereke vana vakawanda vazadze nyika. Asi zvizvarwa zvavo hazvina kuteerera. Vakarega kuteerera Mwari ndokubva vafunga zvokuvaka guta guru (musha mukuru) waiva neshongwe yaiva yakareba kusvika mudenga denga. Mwari akaona guta neshongwe. Akaonawo kusateerera kwavo nokuzvikudza kwavo. Saka Mwari akati, "Kana vanhu ava vava somunhu mumwe vachitaura rurimi rumwe chete, vatanga kuita izvi, ... Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana." Mumufananidzo uyu vanhu havachanzwisisana. Saka vakamira kuvaka guta ndokubva vaenda kundogara kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

Mufananidzo 9: Jobho Anonamata Mwari

Mufananidzo 9: Jobho Anonamata Mwari

Jobho 1:1-12

Pano tinoona murume ainzi Jobho. Ari kupa chipiriso chinopiswa kuna Mwari. Jobho ainamata Mwari mumwe chete wechokwadi uye akanga asingateveri nzira dzaSatani. Jobho akanga ane vanakomana vanomwe navanasikana vatatu uye aipa zvipiriso achiitira vana vake. Aikumbira Mwari kuti avaregerere, kunyange vainge vatadzira Mwari nenzira ipi zvayo. Mwari akafadzwa naJobho. Akamuropafadza uye akaita kuti abudirire. Jobho akanga ane mapoka makuru ezvipfuwo uye navaranda vakawanda. Rimwe zuva Mwari akati kuna Satani akanga achifadzwa naJobho. Asi Satani akatanga kupomera Jobho mhosva pamberi paMwari. Akati Jobho akanga achingonamata chete Mwari kuitira kuti ave mupfumi. Satani akati kuna Mwari, "Kana mukabvisa zvose zvaanazvo Jobho, ipapo achakutukai." Mwari aiziva kuti Satani murevi wenhema uye aiziva kuti Jobho akanga ari murume akanaka aingoda kufadza Mwari chete. Saka Mwari akabvumira Satani kuti atorere Jobho zvinhu zvose kuti amuedze iye Jobho.

Mufananidzo 10: Jobho Munguva Yokuchema

Mufananidzo 10: Jobho Munguva Yokuchema

Jobho 1:13-22

Mufananidzo uyu unoratidza zuva rokusuwa kukuru kuna Jobho. Varanda vake vakauya kwaari nenhau dzakaipa kwazvo. Muranda wokutanga akauya achimhanya ndokusvikoudza Jobho kuti vavengi vakanga vauraya vamwe varanda vake uye vakanga vapamba mombe dzake dzose uye nembongoro. Asati apedza kutaura mumwe muranda akasvika. Akati mheni yakanga yarova makwai navafudzi vamakwai. Vose vakanga vafa. Muranda wechitatu akauya ndokuudza Jobho kuti makororo akanga avarwisa ndokuvatorera ngamera dzake dzose.
Mumwe muranda akauya nenhau dzakanga dzakaipisisa ndokuti, "Vana venyu vanga vari pamabiko pamwe chete, pakarepo mhepo huru yakavhuvhuta ikaparadza imba ndokubva vafira imomo vose."

Anzwa izvi, Jobho akaveura musoro wake ndokuwira pasi nokusuwa. Akati, "Jehovha akapa uye Jehovha atora; zita raJehovha ngarirumbidzwe."

Kunyange zvazvo zvinhu zvakaipa zvose izvi zvakaitika, Jobho haana kutadza nokupa Mwari mhosva.

Mufananidzo 11: Jobho Anotambudzika

Mufananidzo 11: Jobho Anotambudzika

Jobho 2:1 - 41:34

Satani akaona kuti Jobho akanga achiri kukudza Mwari, saka akati kuna Mwari, "Kana mukakuvadza muviri waJobho, achakutukai." Mwari akabvumira Satani kuti aedze Jobho zvakare. Satani akaita kuti Jobho arware nechirwere chakaipisisa cheganda. Jobho akaenda kunze akatora chaenga akakwesha maronda ake nacho. Mukadzi wake akati kwaari, "Tuka Mwari ufe!" Asi Jobho akapindura achiti, "Tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari,tikashayiwa zvakaipa here?" Shamwari nhatu dzaJobho dzakauya dzikataura naye kwamazuva. Dzakatsvaga chikonzero chokutambudzika kwose kwaJobho. Dzakati aifanira kunge akanga aita chimwe chinhu chakaipa uye Mwari akanga achimuranga. Jobho haana kubvumiranana navo. Jobho akapa mibvunzo pamusoro penzira dzaMwari, asi haana kana kutombopindukira Mwari. Naizvozvo Mwari akaratidza ukuru hwake noruzivo rwake pamusoro pezvose kuna Jobho.

Mufananidzo 12: Jobho Anoporeswa, Anowana Zvose Zvakare

Mufananidzo 12: Jobho Anoporeswa, Anowana Zvose Zvakare

Jobho 42:1-17

Mumufananidzo uyu Jobho ava mutano nomupfumi zvakare. Ndichakuudza kuti izvi zvakaitika sei. Jobho paakasangana naMwari, akaziva ukuru hwaMwari ndokubva atendeuka (akati aiva nourombo chaizvo) nokuti akanga apa mibvunzo pamusoro penzira dzaMwari. Ipapo Mwari akataura nomumwe weavo vaipa Jobho mhosva ainzi Erifasi, akati, "Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho." Mwari akavaudzawo kuti vaende kuna Jobho vandozvibayira sechipiriso chavo chinopiswa uye kuti muranda wake Jobho avanyengeterere. Mwari akatiwo iye (Mwari) aizovaregerera. Jobho akanyengeterera shamwari dzake uye Mwari akagamuchira munyengetero wake. Mushure maizvozvi, Mwari akaita kuti ave noutano hwakanaka uye nomupfumi zvakare. Shamwari dzaJobho nehama dzake dzakauya kumabiko naye uye dzikamuvigira zvipo. Mwari akamupa vanakomana vanomwe navanasikana vakarurama vatatu. Jobho akararama kwenguva yakareba zvokuti akaona zvizvarwa zvake zvakawanda, uye akazofa akwegura kwazvo.

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Rega ndikutaurire nezvomurume ainzi Abhurama. Abhurama akateera Mwari uye kubudikidza naye vanhu vazhinji vakaropafadzwa. Gadzirira kuenda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Abhurama Anosiya Musha Wake

Mufananidzo 13: Abhurama Anosiya Musha Wake

Genesisi 12:1 - 13:4

Mumufananidzo uyu unoona Abhurama, mukadzi wake Sarai, naRoti, mwanakomana womunun'una wake, navaranda vavo. Vari kuenda parwendo rurefu nokuti Mwari akati kuna Abhurama, "Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza. Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ... uye vanhu vose vapanyika vacharopafadzwa kubudikidza newe." Abhurama akatenda chivimbiso chaMwari. Iye nevamwe vake vakatora pfuma yavo yose ndokufamba kwamazuva mazhinji kusvikira vasvika kunyika yeKenani. Ikoko Mwari akazviratidza kuna Abhurama ndokuti, "Ndichapa nyika iyi kuvana vako."

Abhurama akanga afamba nomunyika, asi paakasvika kuNegevhi nzvimbo iri zasi kweKenani, nzara yakavamo munyika, uye vakashayiwa zvokudya. Abhurama navanhu vake vakabva vatoona kuti vaifanira kuenda kune imwe nyika yainzi Ijipiti, kuti vawane zvokudya. Asi mushure maizvozvo akadzokera kuKenani, nokuti akanga achiri kutenda chivimbiso chaMwari kwaari.

Mufananidzo 14: Abhurama Naand Roti

Mufananidzo 14: Abhurama Naand Roti

Genesisi 13:5-18

Abhurama naRoti vakagara pamwe chete muKenani. Vakanga vane zvipfuwo zvakawanda zvokuti mafuro haana kuvakwanira munzvimbo imwe chete. Saka gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama nevaRoti. Ipapo Abhurama akati kuna Roti, "Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama." Abhurama akaudza Roti kuti asarudze chikamu chipi zvacho chenyika chaaida. Roti aida kuzviwanira zvakanyanyisa kunaka, saka akasarudza mupata wakaorera weRwizi Jorodhani, uye nzvimbo iyi yaiva namaguta okugara. Roti akaenda kundogara mumupata uyu pedyo neguta rainzi Sodhomu. Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa kwazvo. Vakanga vasingafadzi Mwari. Abhurama akagara munyika yeKenani uye imomo Mwari akataura kwaari zvakare. Mwari akati, "Nyika yose yauri kuona, ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi."

Mufananidzo 15: Abhurama Anosangana Namambo Worugare

Mufananidzo 15: Abhurama Anosangana Namambo Worugare

Genesisi 14:1-24

Roti paakanga achigara mumupata, hondo yakatanga. Roti nemhuri yake vakatorwa savatapwa pamwe chete navanhu vose veSodhomu. Saka Abhurama navanhu vake vakanga vane zvombo akaenda kundosunungura Roti. Vakakunda muvengi ndokuponesa vose vakanga vatapwa pamwe chete nepfuma yavo. Pavakanga vava kudzoka kubva kuhondo vakasangana nomumwe mambo, sezvauri kuona mumufananidzo uyu. Zita ramambo uyu rainzi Merikizedheki. Akanga ari mambo weguta rainzi Saremu, zvichireva kuti 'rugare'. Merikizedheki ainamata Mwari uye achimufadza. Merikizedheki akauya kuna Abhurama nechingwa newaini. Abhurama akakotama pamberi paMerikizedheki ndokumupawo zvipo.
Mambo weSodhomu aidawo kupa Abhurama zvipo nokuti akanga aponesa vanhu vake, asi Abhurama akaramba kugamuchira chinhu kubva kuna mambo akanga akaipa uyu.

Mufananidzo 16: Abhurama Nenyeredzi

Mufananidzo 16: Abhurama Nenyeredzi

Genesisi 15:1-21, 17:1-19

Mushure mokunge Abhurama anunura Roti navanhu vose veSodhomu, Roti akadzokera kuguta rakanga rakaipa iri. Ipapo Mwari akataura kuna Abhurama, akati, "Usatya, Abhurama. Ndini nhoo yako, mubayiro wako mukuru kwazvo." Asi Abhurama akasuwa nokuti Mwari akanga asina kumupa mwanakomana kuti ave mudyi wenhaka yake. Nokuda kwaizvozvo Mwari akabudisa Abhurama panze ndokuti, "Tarisa, uedze kuverenga nyeredzi. Uchava nezvizvarwa zvakawanda saizvozvo." Abhurama akatenda chivimbiso chaMwari, kunyange zvazvo akanga asati ava navana.

Mufananidzo 17: Mucheche Ishumaeri

Mufananidzo 17: Mucheche Ishumaeri

Genesisi 16 - 17

Tarisa! Abhurama ava nomwana mukomana. Izvi zvakaitika sokudai: Abhurama akanga agara muKenani kwamakore gumi, achakamirira kuti agamuchire zvakanga zvavimbiswa naMwari, nokuti Sarai, mukadzi wake, akanga asati ava nomwana. Sarai akanga ane muranda ainzi Hagari. Aida kuti Hagari aite mwana naAbhurama uye ipapo Sarai aizotora mwana omuita wake. Ndiyo yaiva tsika mumazuva iwayo. Saka Hagari akava napamuviri paAbhurama. Sarai akamuitira godo. Akatanga kumubata zvisina kunaka, zvokuti Hagari akatiza.
Asi mutumwa waMwari akasangana naHagari ndokutaura naye. Akati kwaari, "... uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako. Ishumaeri zvinoreva kuti 'Mwari anonzwa'. Achava mbizi yomunhu; ruoko rwake rucharwa navanhu vose uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, uye achararama mukupesana nehama dzake dzose." Ishumaeri akaberekwa uye akazova baba vavanhu vechiArabhu.

Makore gumi namatatu mushure mokuberekwa kwaIshumaeri, Mwari akauya kuna Abhurama akati kwaari, "Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. Ndichasimbisa sungano yangu pakati pako neni uye ndichakukurisa kwazvo." "Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji.Hauchazonzi Abhurama; zita rako richava Abhurahama, nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji."

Nokuda kwezita idzva raakanga apiwa naMwari, Abhurahama akaziva kuti Mwari aizomupa zvizvarwa zvakawanda.
Mwari akatiwo kuna Abhurahama, "Nyika yose yeKenani, ... ndichaipa kwauri nokuzvizvarwa zvako zvinokutevera, uye ndichava Mwari wavo."
Mwari akapindurawo zita raSarai rikava Sara. Mwari akavimbisa kuti aizomuropafadza uye achizoberekera Abhurahama mwanakomana.

Mufananidzo 18: Sara Anoseka

Mufananidzo 18: Sara Anoseka

Genesisi 18:1-15

Rimwe zuva vatumwa vatatu vaMwari vakauya kutende raAbhurahama. Abhurahama akadana Sara kuti azogadzira zvokudya, uye iye Abhurahama ndiye akavapa zvokudya. Ipapo varume vaya vakabvunza Abhurahama vakati, "Mukadzi wako Sara aripiko?" Abhurahama akapindura akati, "Ari mutende umo." Mumwe wavarume vatatu vaya akanga ari Jehovha Mwari pachake uye akati kuna Abhurahama, "Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge ino uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana." Sara akamunzwa ndokubva aseka ari oga nokuti akanga apfuura makore ake okubereka vana. Akanga asingatendi zvakanga zvataurwa. Ipapo Mwari akataura kuna Abhurahama akati, "Seiko Sara aseka achiti, 'Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?' Pane chinhu chakanyanya kuoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya panguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana."

Mufananidzo 19: Abhurahama Anonyengeterera Sodhomu

Mufananidzo 19: Abhurahama Anonyengeterera Sodhomu

Genesisi 18:16 - 19:29

Vashanyi pavakasimuka kuti vachienda, Abhurahama akafamba navo kuti vaende zvavo. Vakatarisa zasi kuSodhomu, Mwari ndokuudza Abhurahama kuti akanga achizoshanyira Sodhomu. Akanga achironga kuparadza maguta eSodhomu neGomora nokuti vanhu vaiva imomo vakanga vachiita zvinhu zvakanga zvakaipa pamberi paMwari. Vakanga vasiya urongwa hwaMwari pamusoro poukama hutsvene pakati pomurume nomukadzi. Abhurahama akarangarira Roti ndokuti kuna Jehovha Mwari, "Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? ... Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?" Abhurahama akatanga kukumbirisa Mwari. Pakupedzisira Mwari akati akanga asingazoparadzi Sodhomu kana aizowana vanhu gumi chete vaishumira Mwari. Jehovha paakapedza kutaura naAbhurahama, akaenda, Abhurahama ndokudzokera kumba.
Asi muSodhomu makanga musina kunyange varanda vaMwari gumi. Vatumwa vaviri vaMwari pavakauya kuSodhomu, vakaona kuipa kwavanhu. Vatumwa vakarayira Roti nemhuri yake kuti vatize kubva muSodhomu uye akavaudzawo kuti vasatarisa shure, nokuti Mwari akanga anzwira Roti tsitsi. Mwari akatuma moto kubva kudenga ukaparadza Sodhomu neGomora pamwe chete navanhu vakaipa vose vaigaramo. Roti nemhuri yake vakatiza kwasara nguva shoma shoma, asi vari munzira, mukadzi wake akatarisa shure pakarepo ndokubva apinduka akava churu chomunyu.

Abhurahama akanga akumbirisa Mwari kuti aponese vanhu vose vakanga vakarurama. Roti navanasikana vake vaviri chete ndivo vakararama, nokuti Mwari akayeuka Abhurahama kuti akakumbirira sei Roti.

Mufananidzo 20: Chibayiro Chaabhurahama

Mufananidzo 20: Chibayiro Chaabhurahama

Genesisi 21:1 - 22:19

Sara paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe okuberekwa akabereka mwana mukomana, sokuvimbiswa kwazvakanga zvaitwa Abhurahama naMwari. Abhurahama akanga atova namakore 100 kare. Vakapa mukomana zita rokuti Isaka, zvinoreva kuti 'anoseka'.
Isaka paakanga achiri mukomana mudiki, Mwari akaedza Abhurahama. Mwari aida kuona kuti Abhurahama aizomuteerera here. Mwari akati kwaari, "Tora mwanakomana wako mumwe oga Isaka, waunoda, umupe sechibayiro kwandiri." Abhurahama akateerera Mwari. Abhurahama akaisa huni pana Isaka iye ndokutakura moto nebanga. Vaviri ava pavakanga vachifamba pamwe chete, Isaka akati, "... ko, gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?" Abhurahama akapindura akati, "Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu." Abhurahama akavaka aritari, akaisa huni pairi, ipapo akasunga mwanakomana wake ndokumuisa paaritari. Abhurahama paakanga ava kusimudza banga kuti auraye Isaka, mutumwa waMwari akataura kwaari akati, "Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usatomboita chinhu kwaari. Zvino ndaziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete." Ipapo Abhurahama akaona gondohwe rakabatwa nenyanga dzaro pagwenzi. Akapa gondohwe sechibayiro kuna Mwari pachinzvimbo chomwanakomana wake. Saka Mwari akati kwaari, "Zvirokwazvo ndichakuropafadza (ndichakuitira zvakanaka)... uye kubudikidza nezvizvarwa zvako (vana vako) ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa, nokuti wanditeerera."

Mufananidzo 21: Abhurahama Nomuranda Wake

Mufananidzo 21: Abhurahama Nomuranda Wake

Genesisi 24:1 - 25:11

Abhurahama paakanga akwegura kwazvo, akadana muranda wake ndokuti, "Ndivimbise kuti uchaenda kunyika yangu nokuhama dzangu, ugondoteorera Isaka mwanakomana wangu mukadzi." Abhurahama akanga asingadi kuti Isaka abude munyika yakanga yavimbiswa naMwari, kana kuti azvitorere mukadzi kubva pakati pavakadzi vechiKenani. Muranda akateerera Abhurahama ndokufamba rwendo achienda kuguta raNahori. Ikoko akakumbira Mwari kuti amutungamirire mukutsvaga mukadzi akanga akakodzera Isaka. Imwe mhandara yakanga yakanaka kwazvo yainzi Rabheka yakauya kubva muguta kuti izochera mvura patsime. Akada kucherera muranda waAbhurahama nengamera dzake gumi mvura. Muranda aiziva kuti Mwari akanga amutungamirira kumhandara iyi uye kuti ndiyo mhandara yaaitsvaga. Akazoziva kuti akanga ari muzukuru womunun'una waAbhurahama. Muranda akanamata Mwari uyo akanga apindura munyengetero wake uye akamutungamirira kuhama dzatenzi wake. Saka Rabheka akava mukadzi waIsaka. Abhurahama akafa ava namakore 175 okuberekwa. Upenyu hwake hwose akanga avimba naMwari kuti aizochengeta zvivimbiso zvake, saka Mwari akanga amugamuchira uye akamuropafadza.

Mwari achiri kuropafadza avo vose vanovimba naye sezvakaitwa naAbhurahama.

Mufananidzo 22: Jesu Anoberekwa

Mufananidzo 22: Jesu Anoberekwa

Mateo 1:18-25; VaGaratia 4:4-5

Shoko raMwari nderechokwadi. Mwari haatomborevi nhema. Mwari akaudza Adhamu kuti aizotuma Musanangurwa wake kuti azokunda Satani. Akayambira Noa kuti aizoparadza vose vakanga vakaipa. Mwari akaratidza Jobho kuti anoda kuti tive tiite zvakanyanyisa kutinakira. Akaratidza Abhurahama kuti anochengeta zvivimbiso zvake nguva dzose.

Mumufananidzo uyu unoona mucheche anonzi Jesu. Panguva yakakodzera akaberekwa kunyika yeKenani, iyo yainzi Israeri. Zita ramai vake rainzi Maria uye aiva chizvarwa chaAbhurahama naIsaka. Maria akanga ari mhandara paakabereka Jesu. Jesu akanga asina baba vapanyika. Mwari ndiye Baba vake. Jesu ndiye anouyisa maropafadzo kunyika yose. Akauya kuzozadzisa chivimbiso chaMwari chokuti Satani aizokundwa uye tigodzokera kuna Mwari.

Mufananidzo 23: Kufa Kwajesu

Mufananidzo 23: Kufa Kwajesu

VaGaratia 3:13-14

Jesu akati akura akava murume mukuru, akadzidzisa vanhu nzira dzaMwari. Jesu akaita zvishamiso zvakawanda kuti aratidze kuti akanga abva kuna Mwari. Asi vanhu havana kutenda kwaari. Vakauraya Jesu nokumuroverera pamuchinjikwa wamatanda. Murwi akamubaya padivi nepfumo kuti ave nechokwadi kuti akanga afa.

Mwari akaudza Adhamu kuti aizofa kana akadya kubva pamuti. Tose hatina kuteerera Mwari uye tinofanira kufa nokusingaperi. Unoyeuka kuti Mwari akapa gondohwe kuna Abhurahama kuti ariuraye sechibayiro pachinzvimbo chaIsaka. Nenzira imwe cheteyo Mwari, kunze kwokutongera vanhu vose rufu rwokusingaperi, akapa Mwanakomana wake mumwe woga, Jesu, kuti afe sechibayiro chezvivi zvavanhu vose. Hongu, chivi chedu chakatiparadzanisa naMwari. Jesu ndiye nzira yokudzokera nayo kuna Mwari.

Mufananidzo 24: Jesu Mupenyu

Mufananidzo 24: Jesu Mupenyu

Johani 20:19-29

Shamwari dzaJesu dzakaisa mutumbi wake muguva. Akava muguva kwamazuva matatu. Ipapo akamuka kubva kuvakafa. Rufu haruna kugona kusunga Jesu, Mwanakomana waMwari. Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake uye akamira pakati pavo. Vose vakashamiswa. Mumwe mudzidzi ainzi Tomasi, akanga asipo pamwe chete navamwe, Jesu paakauya kwavari. Tomasi akati kwavari, "Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi."
Mushure mevhiki, Jesu akazviratidza zvakare kwavari. Tarisa mufananidzo. Jesu akaratidza Tomasi mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye akaudza Tomasi kuti aise maoko ake padivi rake. Ipapo kuna Tomasi akati, "Rega kukahadzika uye utende." Jesu akatiwo, "... vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda."

Hatifaniri kuva saTomasi akakahadzika pamusoro pezvakaitwa naMwari. Yeuka kuti Mwari akati kuna Adhamu aizotuma mumwe aizokunda Satani. Jesu paakafa pamuchinjikwa uye akamuka kubva kuvakafa, akakunda Satani. Satani haana simba pamusoro pavanhu vanotenda kuna Jesu, vanovimba naye uye vanomuteerera. Izvi ndizvo chaizvo zvakavimbiswawo Abhurahama naMwari. Mwari akamuvimbisa kuti ndudzi dzose panyika pano dzaizoropafadzwa kubudikidza naye. Maropafadzo aya ndeokuti: tinogona kuponeswa kubva kuchivi chedu uye tigogara naMwari nokusingaperi. Maropafadzo aya akauya kubudikidza naJesu. Tinogona kugamuchira maropafadzo aya kana tikatenda kuna Jesu uye tikateerera Shoko rake.

Схожая информация

Free downloads - Here you can find all the main GRN message scripts in several languages, plus pictures and other related materials, available for download.

"Look, Listen and Live" audio-visual - A set of 8 programs of 24 pictures each for evangelism and Christian teaching. The series presents Old Testament characters, the life of Jesus, and the young church.

How to use GRN Audio visual resources - 2: Going Deeper - This article gives further explanation of how people learn from the stories, and why the stories do not have a lot of commentary.

Аудиотека GRN - Евангелистские и базовые Библейские учебные материалы , присущие людским нуждам и культуре в различных стилях и форматах

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?