Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 7: Jesu - Ishe Nomuponesi

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 7: Jesu - Ishe Nomuponesi

रुपरेषा: From Luke and John. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

स्क्रिप्ट क्रमांक: 424

इंग्रजी: Shona

थीम: Sin and Satan (Judgement, Sin, disobedience); Christ (Resurrection of Jesus, Son of God, Saviour of Sinful Men, Birth of Christ, Death of Christ, Life of Christ, Authority); Eternal life (Salvation, Eternal / everlasting life); Character of God (Grace and Mercy, Nature, character of God, Word of God (the Bible), Power of God / Jesus); Living as a Christian (Worship, Second Birth, Peace with God, Forgiveness, Faith, trust, believe in Jesus, Spiritual Life, Christian values); Life event (Death); Bible timeline (Gospel, Good News); Problems (Sickness, Problems, troubles, worries)

प्रेक्षक: General

शैली: Monolog

शैली: Bible Stories & Teac

उद्देश: Teaching

स्थिती: Publishable

स्क्रिप्ट मजकूर

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Iye anonzi Jesu ndiye Mwanakomana waMwari zvechokwadi here (Iye akatumwa kubva kuna Mwari) uye anogona here kupa vanhu upenyu husingaperi? Kuberekwa kwaJesu, zvishamiso zvaakaita, upenyu hwake, kumuka kwake kubva kuvakafa namashoko ake zvinoratidza kuti ndiye Mwanakomana waMwari zvechokwadi (akatumwa kubva kuna Mwari). Paunenge uchiteerera kukaseti iyi, tarisa mifananidzo iri mubhuku roruvara rwakatsvukuruka. Paunonzwa rwiyo urwu (RWIYO), uende pamufananidzo unotevera.

Mufananidzo 1: Kuberekwa Kwajesu

Mufananidzo 1: Kuberekwa Kwajesu

Johani 1:1-14; Ruka 2:1-11

Tarisa mufananidzo uyu. Unotiratidza mwana achangoberekwa, naamai vake nomurume wavo. Varume vatatu ava vafudzi. Vari kuona mucheche. Zita rake anonzi Jesu. Mumwe wavarume ava anopfugama pamberi paJesu. Sei achidaro?
Chikonzero ndechokuti Jesu ndiye mucheche anokosha kupfuura vakomana vacheche vose vakaberekwa. Jesu asati aberekwa, akanga ari kunzvimbo inonzi denga kare naMwari. Zvinhu zvose zvakasikwa naJesu. Mwari Mweya, asi akazviratidza muna Jesu, uyo akaberekwa amai vake pavakanga vachiri mhandara. Mweya waMwari ndiwo wakaita izvi zviitike. Mweya mumwe chetewo wakararama muna Jesu Kristu. Izvi zvose zvinoreva kuti Jesu ndiMwari. Jesu akauya achibva kudenga kuti azotisunungura kubva kuchivi uye agotiratidza kuti tingava vana vaMwari sei.

Mufananidzo 2: Jesu Anopindura Mvura Ichiva Waini

Mufananidzo 2: Jesu Anopindura Mvura Ichiva Waini

Johani 2:1-11

Jesu paakanga akura, rimwe zuva akaenda kumutambo womuchato. Vadzidzi vake (vateveri vake vapedyo) naamai vake vainzi Maria vakaenda naye. Maria aiziva kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, saka waini payakapera, amai vake vakandoudza Jesu nezvazvo. Ipapo akati kuvaranda, "Itai zvose zvaanokuudzai." Pakanga pane makate makuru emvura pedyo. Jesu akati kuvaranda, "Zadzai makate nemvura." Vakaita saizvozvo. Ipapo akati, "Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo (mabiko)." Mvura yakanga yapinduka ikava waini yakanakisisa! Vadzidzi vaJesu vakatanga kuona kuti akanga ane simba guru raibva kuna Mwari, uye vakatenda kwaari.

Mufananidzo 3: Jesu Anotaura Nanikodhimo

Mufananidzo 3: Jesu Anotaura Nanikodhimo

Johani 3:1-36

Humwe usiku mumwe murume ainzi Nikodhimo akauya kuzotaura naJesu pamusoro pezvishamiso zvaaiita uye nezvaMwari. Nikodhimo akanga ari mutongi anokosha uye nomudzidzisi muIsraeri. Akanzwa kuti Jesu akanga achiita zvishamiso. Aiziva kuti Jesu akanga abva kuna Mwari. Jesu akati kwaari, "Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva." Nikodhimo akabvunza akati, "Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru?" Jesu akamupindura achiti, "mwana paanoberekwa naamai vake, anenge ane upenyu hunoonekwa, hunobatika. Nenzira imwe cheteyo munhu anofanira kuberekwa noMweya waMwari kuti ave noupenyu hwapamweya."

Jesu aireva kuti hazvina kukwana kuberekwa nenzira inozivikanwa navanhu vose.
Munhu anofanirawo kuberekwa patsva kubudikidza nebasa roMweya Mutsvene waMwari.
Mweya Mutsvene anopratidza vanhu chivi chavo uye anovabatsira kutendeuka kubva kuupenyu hwavo hwakare uye namanyepo aSatani. Vachatanga kurarama (maererano nokuda kwaMwari) (kana kuti vafadze Mwari). Ipapo vachaziva kuti Jesu anoponesa vose vanotenda kwaari.
Saka, vanhu vose vanotenda zvechokwadi kuna Ishe Jesu uye vachimuteerera, vakaberekwa patsva. Vatendi vanorarama nokusingaperi, nokuti Mweya waMwari unogara mavari. Asi vanhu vose vasingatendi kuna Jesu, vachava kure naMwari nokusingaperi uye havatozombopindi denga.

Mufananidzo 4: Mumwe Mutongi Anopfugama Pamberi Pajesu

Mufananidzo 4: Mumwe Mutongi Anopfugama Pamberi Pajesu

Johani 4:46-54

Murume ari mumufananidzo uyue akafamba rwendo rurefu kuti andowana Jesu. Akanga ari mutongi anokosha kwazvo. Mwanakomana wake akanga ava pedyo nokufa, saka akakumbira kwazvo Jesu achiti, "Ishe, burukai muone mwana wangu asati afa." Jesu akapindura achiti, "Enda hako. Mwanakomana wako achararama." Murume uyu akagamuchira shoko raJesu (akatenda kuna Jesu) ndokuenda kumba. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mwanakomana akanga apora. Kudziya muviri kwFivha yakabva pamwana panguva iyoyo chaiyo yakanzi naJesu, "Mwanakomana achararama." Saka, murume uyu neimba yake yose akatenda kuna Jesu.

Mufananidzo 5: Murume Airwara Padziva

Mufananidzo 5: Murume Airwara Padziva

Johani 5:1-47

Muguta reJerusarema makanga mune dziva. Vanhu vaitenda kuti pane dzimwe nguva, munhu aitanga kupinda mudziva iri mushure mokunge mvura yabvongodzwa, aizoporeswa. Mumwe murume akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. Jesu akaona murume uyu padivi pedziva ndokuti, "Unoda kuporeswa here?" Murume akapindura achiti, "Ishe,handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa." Ipapo Jesu akati, "Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe." Pakarepo murume uyu akaporeswa. Vamwe vakagumbukira Jesu kwazvo nokuti akanga aporesa murume airwara nomusi weSabata, zuva rinokosha raMwari, zuva dzvene. Iro ndiro zuva raizororwa navaJudha kubva kumabasa avo amazuva ose, kuti vanamate Mwari. Murume uyu akaenda akandoudza vaJudha kuti Jesu ndiye akanga amuporesa, asi vakaramba kutenda kwaari.

Chiito ichi chokuporesa chakaratidza kuti Jesu ane simba rakakodzera uye simba raMwari rinoita kuti aporese pazuva ripi zvaro, uyewo nomusi weSabata.

Mufananidzo 6: Jesu Anopa Vanhu 5 000 Zvokudya

Mufananidzo 6: Jesu Anopa Vanhu 5 000 Zvokudya

Johani 6:1-15, 25-28,35; Mateo 14:19; Mako 6:41

Vanhu vazhinji vakanzwa kuti Jesu aigona kuporesa vanorwara, uye rimwe zuva vanhu vazhinji zhinji vakamutevera kunzvimbo yakanga iri kure. Zuva iroro Jesu akabvunza vadzidzi vake akati, "Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?" Mumwe mudzidzi akapindura achiti, "Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?"
Jesu akaita kuti vanhu vagare pasi. Akatora zvingwa nehove ndokutenda Mwari. Ipapo akamedura chingwa nehove ndokupa kuvanhu, mumwe nomumwe sezvaaida. Zuva rakatevera vanhu vazhinji vakaramba vachitevera Jesu. Ipapo akati kwavari, "Ndinokuudzai chokwadi kuti muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta. Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu." Jesu akanga achitaura nezvake. Akatiwo, "Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye anotenda kwandiri haatongovi nenyota."

Mufananidzo 7: Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura

Mufananidzo 7: Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura

Johani 6:16-21; Mateo 14:22-32

Mushure mokupa vanhu zvokudya, Jesu akati vanhu vaende. Akaenda kugomo ari oga, kuti andonyengetera kuna Mwari. Vadzidzi vakapinda mugwa kuti vayambuke gungwa. Kwakanga kwasviba uye dutu guru rakatanga pagungwa. Ipapo Jesu akauya kwavari achifamba pamusoro pemvura. Vakafunga kuti wakanga uri mweya uye vakatya kwazvo. Jesu akati kwavari, "Ndini; musatya." Akapinda mugwa mavaiva pakarepo dutu ndokupera.

Izvi zvakaratidza zvakare kuvadzidzi uye nokwatiri kuti simba raMwari raishanda muna Jesu.

Mufananidzo 8: Jesu Anoporesa Murume Akanga Ari Bofu

Mufananidzo 8: Jesu Anoporesa Murume Akanga Ari Bofu

Johani 9:1-41, 8:12; 1 Johani 1:7

Kwakanga kune mumwe murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vaJesu vakafunga kuti murume uyu akanga aberekwa ari bofu nokuti vabereki vake vakanga vatadza. Asi Jesu akavaudza kuti murume uyu akanga aberekwa ari bofu, kuitira kuti vagogona kuona simba raMwari muupenyu hwake. Akapfira mate pasi ndokukanya dope. Akaisa dope riya pameso omurume bofu. Ipapo Jesu akati kwaari, "Enda undoshamba mudziva reSiroami." Siroami zvinoreva kuti "kutumwa". Murume uya akateerera Jesu. Akaenda, akashamba ndokudzokera kumba ava kuona.

Vazhinji vedu tiri mapofu mukunzwisisa kwedu nzira dzaMwari. Asi Jesu akati, "Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu." Uye kwakanyorwawo kuti, " ... kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose."

Mufananidzo 9: Jesu Anodana Razaro Kubva Kurufu

Mufananidzo 9: Jesu Anodana Razaro Kubva Kurufu

Johani 11:1-46

Kwakanga kuno mumwe murume ainzi Razaro. Akanga achirwara kwazvo. Hanzvadzi dzake mbiri, Maria naMarita, dzakatuma shoko kuna Jesu dzichiti, "Ishe, uya wamunoda ari kurwara." Jesu paakanzwa shoko iri akati, "Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nembiri yaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo." Jesu aida Razaro nehanzvadzi dzake mbiri. Asi Jesu haana kuenda kwaaiva pakarepo. Mushure mamazuva maviri akazoti kuvadzidzi vake, "Razaro afa, uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari." Jesu paakasvika, Razaro akanga agara muguva kwamazuva mana. Hanzvadzi dzake dzakasuwa kwazvo nokuti Jesu akanga asina kuuya kuzomuporesa, asdi Jesu akati kuna Marita, "Hanzvadzi yako ichamukazve." Akatiwo, "Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye aninaani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda izvi here?" Ipapo akaudza vanhu vakanga varipo kuti vazarure guva. Akadanidzira achiti, "Razaro, buda!" Uye Razaro akabuda, achakamonererwa nguo dzomufi.

Mufananidzo 10: Jesu Anofa Pamuchinjikwa

Mufananidzo 10: Jesu Anofa Pamuchinjikwa

Johani 18:1 - 19:42

Jesu akaratidza pachena nezvishamiso zvaakaita, kuti ndiye Mwanakomana waMwari. Vatungamiri vechiJudha vakamuitira godo ndokutsvaga kumuuraya. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti aifanira kufira zvivi zvavanhu vose. Iyo ndiyo nzira yakanga iripo chete, yokuti varume, vakadzi uye navana vadzoswe kuna Mwari. Judhasi, mumwe wavadzidzi vaJesu, akamutengesa kuvaJudha nemari inokwana makumi matatu esirivha. Vakauya ndokusunga Jesu. Petro navamwe vadzidzi vakatya ndokutiza. Vatungamiri vechiJudha vakatora Jesu ndokuenda naye kudare redzimhosva, asi havana kugona kuratidza pachena kuti ane chaakanga akanganisa. Kunyange zvakadaro vakadanidzira vachiti, "Murovererei! Murovererei!" Mushure maizvozvo Jesu akauyiswa pamberi pavanhu. Vakadanidzorawo vachiti, "Endai naye! Endai naye! Murovererei!" Saizvozvo Mwanakomana akakwana waMwari akaurayiwa. Makororo maviri akafa pamwe chete naye. Vakarangirwa zvivi zvavo, asi Jesu haana kumbokanganisa chinhu; akafa sechibayiro chezvivi zvavanhu vose, kusanganisira zvako nezvangu.

Jesu ndiye chibayiro choga chaigona kugamuchirwa naMwari pamusoro pezvivi zvedu.

Mufananidzo 11: Maria Najesu Paguva

Mufananidzo 11: Maria Najesu Paguva

Johani 19:38 - 20:18

Mumwe wavateveri vaJesu ainziJosefa akakumbira mutumbi waJesu. Wakapiwa kwaari uye Josefa akandouradzika muguva idzva raakanga azvivakira iye Josefa. Josefa akakungurutsira ibwe guru pamukova. Pazuva rechitatu, Maria Magadharena akaenda kuguva. Ibwe rakanga rabviswa. Maria akatanga kuchema. Akakotama ndokutarisa muguva. Akaona musina mutumbi. Vatumwa vaviri vakanga vakagara pakanga pamboradzikwa mutumbi waJesu. Maria paakatendeuka, akaona mumwe murume akamira, asi haana ikuziva kuti akanga ari Jesu. Jesu akabvunza Maria achiti, "Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?" Maria akafunga kuti akanga ari mutariri webindu, ndokumubvunza kuti mutumbi waJesu wakanga uri kupiko. Ipapo Jesu akati kwaari, "Maria." Akabva aziva kuti akanga ari Jesu. Aakanga ari mupenyu! Akati kwaari, "Enda ... kuhama dzangu undovaudza kuti, 'Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.'" Jesu paakati 'hama' aireva vadzidzi vake.

Mufananidzo 12: Jesu Anozviratidza Kuvadzidzi Vake

Mufananidzo 12: Jesu Anozviratidza Kuvadzidzi Vake

Johani 21:1-19

Jesu asati adzokera kudenga, akaita chimwe chishamiso. Humwe usiku vamwe vadzidzi vake vakaenda kundobata hove, asi hapana chavakabata. Mangwanani-ngwanani, mumwe murume akaonekwa pamahombekombe egungwa. Akavaudza kuti vakande usvasvi hwavo kurutivi rwokurudyi kweigwa uye vaizobata hove. Vakateerera ndokubata hove dzakawanda. Ipapo vadzidzi vakaziva kuti murume akanga ataura navo akanga ari Jesu. Vakauya nehove dzose pamahombekombe. Jesu akanga atovagadzirira kare zvokudya. Mushure mokunge vadya, akataura navo. Petro akanga aripowo. Petro akanga ambotiza munguva yakanga yapfuura, pamwe chete navamwe vadzidzi, Jesu paakasungwa uye akaramba Jesu. Jesu akati kuna Petro, "Nditevere!" Akaudza Petro uti adzidzise vanhu vaMwari, avachengete uye avadzidzise kugoverana nhau dzakanaka dzaJesu, uye kuti akauya sei kuzofira zvivi zvavanhu vose, uye kuti akakunda Satani paakamuka kubva kuvakafa.

Mwari anoda kuti vanhu vose vanzwe nezvaJesu uye nezvezvishamiso zvaka zvake kuitira kuti vagotenda kuti ndiye Mwanakomana waMwari. Mutevere uye ipapo uchaponeswawo uye ugogamuchira upenyu husingaperi.

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Jesu ndiye Muponesi mukuru. Anotiponesa kubva kuchivi nezvakaipa, uye anotipa upenyu husingaperi. Teerera kune zvimwe zvinodzidziswa nezvaJesu. Tarisa mufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vaviri

Mufananidzo 13: Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vaviri

Ruka 24:13-35

VaJudha vazhinji vakanga vatarisira kuti Jesu aizovaponesa kubva pavatongi vavao vavaRoma vavaivenga. Asi hazvisi izvo zvakanga zvauyirwa naJesu panyika. Saka mushure maizvozvo vaJudha ava vakazokumbira vatongi vavaRoma kuti vauraye Jesu.

Unoyeuka here kuti varwi vavaRoma vakauraya sei Jesu nokumuroverera pamuchinjikwa.

Asi mushure mokungea amuka kubva kuvakafa, vamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vachifamba vachienda kumusha kwavo. Pakarepo Jesu akazviratidza kwavari. Vakafunga kuti aiva mueni, saka vakamuudza zvakanga zvaitika mumazuva mashoma akanga apfuura. Ipapo Jesu akavatsanangurira zvakanga zvataurwa naMozisi navaprofita vose vaMwari nezvake (iye Jesu) muMagwaro makore mazhinji akanga apfuura. Vaprofita vakati aizotambudzika uye agofa. Vakataurawo kuti aizomuka kubva kuvakafa agogara kurudyi rwaBaba vake achizotonga muumambo hwaMwari nokusingaperi. Manheru iwayo Jesu akagara pasi kuti adye navadzidzi vaviri ava. Paakamedura chingwa ndokuvapa, meso avo akazarurwa ndokubva vamuziva (vakaona kuti aiva Jesu).
Pakarepo akabva anyangarika. Vakaenda kuJerusarema ndokundoudza vamwe vadzidzi kuti vakanga vaona Jesu nokuti akanga ari mupenyu.

Ngatinzwei kuti Jesu anodzidzisei muMagwaro.

Mufananidzo 14: Mwanakomana Pakati Penguruve

Mufananidzo 14: Mwanakomana Pakati Penguruve

Ruka 15:11-20

Rimwe zuva Jesu asati afa, akataura mumwe mufananidzo womumwe murume akanga ane vanakomana vaviri. Mwanakomana mudiki akati kuna Baba vake, "Ndipei mugove wangu papfuma yedu." Saka Baba vakagovanisa pfuma yavo pakati pevanakomana vavo. Mudiki akaenda kune nyika yakanga iri kure. Akapedza mari yake muupenyu hwakanga husina tsarukano. Mushure maizvozvo munyika umo makava nenzara huru. Mukomana akanga asisina kana chii zvacho. Saka akaenda kundoshandira mumwe murume pabasa rokupa nguruve dzake zvokudya. Mukomana akanzwa nzara zvokuti akada kudya zvokudya zvenguruve. Ipapo akatanga kufunga zvakanaka ndokuti, "Varanda vaBaba vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: 'Baba, ndakatadzira denga (Mwari) napamberi penyuwo. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu. ' " Saka akasimuka ndokuenda kuna baba vake.

Mufananidzo 15: Mwanakomana Akarasika Anodzokera Kumusha

Mufananidzo 15: Mwanakomana Akarasika Anodzokera Kumusha

Ruka 15:21-32

Mwanakomana achiri kure, baba vake vakamuona. Vakamhanyira kumwanakomana wavo, ndokumbundikira ndokumutsvoda. Vakarayira varanda vavo kuti vauye nenguo dzakanakisisa uye kuti vamubikire zvokudya zvakanaka kwazvo. Uyewo vakati, "Ngatidyei tipembere. Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa." Kwakava nomufaro mukuru.

Jesu akatiudza kuti Mwari akafanana nababa. Vanhu vose vakafanana nomwanakomana uyo akatadza. Asi Mwari anoramba achitida. Anoda kwazvo kuti tidzokere kwaari. Anoda kutiregerera. Saka akatuma Jesu kuti andotsvaka uye agoponesa avo vakabviswa kuna Mwari. Vanhu avo vane upenyu hwakabviswa kuna Mwari, vakarasika uye Jesu ndiye chete nzira yokuti vanhu vakarasika vadzokere kuna Mwari, ivo Baba.

Mufananidzo 16: Pfuma Yomumwe Murume

Mufananidzo 16: Pfuma Yomumwe Murume

Ruka 12:13-21

Jesu akataurira vanhu vazhinji mumwe mufananidzo (imwe nyaya) womurume mupfumi akakohwa zvirimwa zvakanaka kwazvo. Akaronga kuvaka matura makuru kuti azvichengetere zvirimwa izvzi uye agoti: "Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakagadzirirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare." Asi Mwari akati, "Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndiani achatora zvawanga wazvigadzirira?"

Jesu akati, "Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari (muukama hwake naMwari uye nokuvimba kwake kwaari)."

Mufananidzo 17: Mupemhi Nomupfumi

Mufananidzo 17: Mupemhi Nomupfumi

Ruka 16:19-31

Jesu akataurawo nezvomumwe mupfumi akanga ane zvose zvaaida. Asi akanga asina hanya nomupemhi akanga ari pasuo rake. Mupemhi akafa ndokuenda kudenga. Ikoko akagara padivi paAbhurahama, tateguru wavaJudha vose zvizvarwa zvake. Mupfumi paakafa, akaenda kugehena, nzvimbo inotyisa yomoto nokutambudzika. Ari ikoko akatarisa mudenga ndokuona Abhurahama nomupemhi vari kure. Akadanidzira kuna Abhurahama, achiti atume mupemhi nemvura, asi Abhurahama akati, "Pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri."

Kugehena hakuna zvinofadza uye hakuna angatizako. Avo vanoendako vachatambudzika nokusingaperi. Hazvinei kuti munhu mupfumi, kana murombo, tinofanira kuda Mwari uye tigomuteerera. Tenda kuna Ishe Jesu Kristu uye uchaponeswa kuti usaenda kugehena, uye ugogamuchira upenyu husinmgaperi kubva kuna Mwari.

Mufananidzo 18: Shamwari Pamusuo

Mufananidzo 18: Shamwari Pamusuo

Ruka 11:5-13

Rimwe zuva mumwe murume akaenda kushamwari yake ndokuti, "Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, nokuti shamwari yasngu iri parwendo yasvika, uye ini handina chandingamupa (Handina zvokudya zvokumupa)." Shamwari iyi nemhuri yake vakanga vatorara. Akanga asingadi kumuka. Asi murume aiva pamusuo haana kunyadzwa nokuramba achikumbira, saka shamwari iya yakazomuka ndokumupa zvaaida. Jesu akati, "Kumbirai uye muchapiwa; tsvakai uye muchawana; gogodzai uye muchazarurirwa mukova. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza achazarurirwa mukova."

Mwari anoda kuva Baba vedu vakanaka. Anoda kutipa Mweya Mutsvene wake uye anoda kutipa zvose zvatinoshayiwa. Zvatinofanira kuita chete ndezvokuramba tichimukumbira muminyengetero kuti atibatsire kuteerera Shoko rake uye kuti tivimbe naye.

Mufananidzo 19: Varume Vaviri Mutemberi Yamwari

Mufananidzo 19: Varume Vaviri Mutemberi Yamwari

Ruka 18:9-14

Mumufananidzo uyu tinoona varume vaviri vachinyengetera mutemberi yaMwari. Mumwe wavo ndewechinamato kwazvo. Anozvikudza kwazvo. Anongozvinyengeterera iye uye anoti, "Mwari, Ndinokuvongani nokuti handina kufanana navamwe vanhu - makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi. Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana." Mwari haafadzwi nomurume uyu nomunyengetero wake. Mumwe murume muteresi anoita zvinhu nounyengeri. Akabira vanhu mari. Anoziva kuti haafadzi Mwari. Anorova dundundu uye anokotamisa musoro wake achinzwakunyara. Anonyengetera kuna Mwari achiti, "Mwari, ndinzwireiwo tsitsi, ini mutadzi." Jesu akati Mwari akanzwa munyengetero wake. Akaregerera chivi chake.

Mwari anoramba avo vanozvikudza, asi anogamuchira avo vakaperera uye vane mwoyo inozvininipisa, uye anopindura minyengetero yavo.

Mufananidzo 20: Murume Anodyara Mbeu Dzake

Mufananidzo 20: Murume Anodyara Mbeu Dzake

Ruka 8:4-9

Rimwe zuva Jesu akadzidzisa vanhu vazhinji uye akati, "Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro. Imwe mbeu yakawira pakatipeminzwapakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikaivhunga. Asi imwe yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko. Zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa." Jesu akati kuvanhu, "Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe."

Mufananidzo 21: Mbeu Dzinokura

Mufananidzo 21: Mbeu Dzinokura

Ruka 8:9-15

Jesu akatsanangura mufananidzo uyu nenzira iyi, "Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa shoko, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya avane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko."

Iwe uchagamuchira Shoko raMwari nenzira ipi? Ucharamba kuteerera uye ugorasika here? Kana kuti uchatenda kuShoko raMwari ugoriteerera uti ufadze Mwari? Ipapo uchafanana nembeu iri muvhu rakanaka.

Mufananidzo 22: Murume Akanga Akuvadzwa Anobatsirwa

Mufananidzo 22: Murume Akanga Akuvadzwa Anobatsirwa

Ruka 10:25-37

Tingava nechokwadi sei kuti tiri kufadza Mwari mukurarama kwedu kwamazuva ose?
Shoko raMwari, Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tinofanira kuda Mwari uye tigodawo vanhu. Asi vanhu ava vatinofanira kuda ndevapi?
Jesu akataura mufananidzo womurume akafamba mune imwe nzira ari oga. Mamwe makororo akamurwisa. Akamutorera zvose zvaakanga anazvo ndokumusiya atova pedyo nokufa.

Mushure maizvozvo varume vaida zvechinamato chaizvo vakapfuura nepo. Vakaona murume akanga akuvara, asi havana kuda kumubatsira. Kwakazouya mumwe murume aibva kune imwe nyika. Murume uyu akanzwira tsitsi murume akanga akuvara. Akasunga mavanga ake, ndokumuisa pambongoro yake, ndokuenda naye kune imwe nzvimbo kuti andobatsirwa.

Jesu akati kana tichida Mwari, tinofanira kuratidzawo rudo rwake nokubatsira ani naani zvake anoda rubatsiro.

Mufananidzo 23: Muridzi Wemba Anodzoka Kumba

Mufananidzo 23: Muridzi Wemba Anodzoka Kumba

Ruka 12:35-48

Unoyeuka here kuti mushure mokufa kwaJesu, akamuka kubva kuvakafa? Vadzidzi vake vakamuona asati adzokera kudenga. Jesu akavaudza kuti aizodzoka zvakare. Akati avo vose vanotenda kwaari, vachafanana navaranda vakamirira tenzi wavo kudzoka kumutambo womuchato. Jesu akati, "Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, ..."

Hatizivi kuti Jesu achadzoka rini. Tinofanira kumushandira uye tigare takagadzirira kumugamuchira achingosvika. Ipapo ichange iri nguva yomufaro mukuru. Kuna vasingaatendi (avo vasingatendi kuna Jesu) ichava nguva yokusuwa kukuru. Jesu akatiwo avo vane basa routariri pamusoro pavaranda vake vanofanira kugara vakagadzirira kudzoka kwake. Kana vakafambisa basa romumba make zvakanaka uye vakachengeta varanda vake zvakanaka vachawana mubayiro mukuru kwazvo. Asi kana vakabata varanda zvisina kunaka, vakaita zvisina maturo (vachidhakwa), kurangwa kwavo kuchava kukuru.

Mufananidzo 24: Murume Mumuti

Mufananidzo 24: Murume Mumuti

Ruka 19:1-10

Jesu anogona kuponesa munhu upi zvake kubva kuchivi. Teerera unzwe: Zakeo akanga ari muteresi akanga ari mupfumi kwazvo. Akanga ari munyengeri uye aibiridzira vanhu mari. Akanzwa kuti Jesu akanga achiuya nomunzira uye aida kumuona, asi akanga ari mupfupi kwazvo. Saka Zakeo akakwira mumuti. Jesu paakanga ava kupfuura nepo, akatarisa kumusoro ndokuti, "Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi." Vanhu vakashamiswa kwazvo. Zakeo akanga asiri munhu akanaka. Asi Zakeo akaburuka ndokugamuchirwa naJesu nomufaro. Akaudza Jesu kuti aizosiya zvakaipa agoshapindura nzira dzake. Aizodzosa zvose zvaakanga abira vanhu.

Jesu akati, "Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, ..."

Jesu akauya kuzotsvaka nokuponesa munhu upi zvake akarasika kubva kuna Mwari. SaZakeo, gadzirisa upenyu hwako naMwari nokutenda uye nokuteerera Jesu Kristu. Achakupa simba rokuti ubve pazvinhu zvakaipa muupenyu hwako.

संबंधित माहिती

Free downloads - Here you can find all the main GRN message scripts in several languages, plus pictures and other related materials, available for download.

"Look, Listen and Live" audio-visual - A set of 8 programs of 24 pictures each for evangelism and Christian teaching. The series presents Old Testament characters, the life of Jesus, and the young church.

How to use GRN Audio visual resources - 1: Sharing the Gospel made easy - This article gives an introduction to some of the many different ways the GRN audio visual resources can be used in ministry.

How to use GRN Audio visual resources - 2: Going Deeper - This article gives further explanation of how people learn from the stories, and why the stories do not have a lot of commentary.

The GRN Audio Library - Evangelistic and basic Bible teaching material appropriate to the people's need and culture in a variety of styles and formats.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?