Baba Chipo

Baba Chipo

Garis besar: The narrator walks with the funeral procession of Baba Chipo and tells the story of Baba Chipo and the choices he had to make. A conflicting situation between Baba Chipo and his wife, Amai Chipo, shows his bombasm, arrogance and recklessness. The pastor comes to visit Baba Chipo who complains that he is wasting his time. The dramatic end of the story leaves the viewer with a very important choice to make.

Nomor naskah: V001

Bahasa: Shona

Gaya: Multiple voices

Jenis: Messages and Fiction

Kutipan Alkitab: Paraphrase

Status: Publishable

Isi Naskah

BABA CHIPO SCRIPT IN SHONA
Song: Mamutora
Muparidzi: munhu uyu wataviga pano baba Chipo angaari murume akapfuma kwazvo. Anezvinhu zvakawanda mupurazi rake, navanhu vakawanda mukati mepurazi rake. Asi angaari murume anemwoyo wakaoma zvikuru mwoyo wakakasharara kwazvo
Song: Mamutora
Baba Chipo: Amai! amai! amai! Muri kupiko?
Amai Chipo: Ndiripano baba ndanga ndichimbobvisa mbatya pawaya. Ndakugadzirirai chikafu mubhasiki umu torai mudye.
Baba Chipo: vanhu vanenzara kubasa uku!
Amai Chipo: Nemhaka yeyi muchizviunganidzira pfuma yepano panyika. …….. Ah ah ah.
Muparidzi: murume uyu wataviga pano murume angaane zvinhu zvakawanda. Angaanemombe nembudzi namakwai akawanda mukati mepurazi rake. Asi haana kuchengeta zvinhu izvi zvikamuitira zvinhu zvikuru. Tingati here zvinhu izvi zvose zvaakaita zvakamupa mufaro here?
Amai Chipo: Titambirei Mufundisi.
Mufundisi: Hevoyi mhayi
Mai Chipo: Makadii?
Mufundisi: Ndofara mhayi makadii?
Amai Chipo: Tinofara mufundisi asi mapesana nababa Chipo vachangobva pano izvozvi.
Mufundisi: Ndavaonawo vachifambisa chose vachienda nemotikari yavo.
Amai Chipo: Heya
Mufundisi: Uuu?
Amai Chipo: Aaah mufundisi baba vaChipo here ndomaitiro avo. Havana basa nechimwe chinhu kunze kwebasa rega basa nabasa chete. asi mukauya mangwana kuma10 munozomuona achitora zvokudya zvake.
NEXT DAY: Pastor arrives.
Amai Chipo: Dai baba Chipo asingapengi pengi, nhasi vanga dai vagumuchirawo mufundisi.
Baba Chipo: Mungandiregerewo mufundisi. Ndinofanira kudzokera kubasa rangu.
Amai Chipo: Nhayi baba Chipo, mungabva madaro mufundisi vauya kuzokuonayi nhasi?
Baba Chipo: Hiyaa! Ndinoda kutaurira mufundisi kuti azive kuti ndiri munhu webasa.
Mufundisi: Hongu baba Chipo, ndinoziva kuti hamuna nguva basa renyu rakawanda chose muri munhu webasa. Haa asi ndinofarawo kuona kuti purazi renyu rakanaka chose. Haaa zvinofadza…
Baba Chipo: Nekuti ndinosevenza nesimba. Amai chipo magadzira here chikafu changu? Ndirikuda kuenda kubasa.
Baba Chipo leaves.
Mufundisi: Amai ndinoshuwa kuti dai Mwari vandiitira nyasha akaratidza mashoko akakwana ekuti ndigone kupa murume wenyu. Ndinoona nekurwadziwa moyo zvikuru kuti anozvinetsa nguva huru achibata zvikuru achitambura nezvepano pasi chete chete chete. Asi ndichiti dai Mwari vagona kupindira muupenyu hwavo kuti vaponeswe……..
Baba Chipo makambova neurangariro here wekuti kana mukabva panyika ino zvamakaunganidza zvose izvi muchaita zvokudini?
Baba Chipo: ndichiri mudiki inini. Kana ndafa upfumi hwangu uchazotorwa nevana vangu.
Mufundisi: Amai ndineurombo zvikuru kuti baba munhu anoita seanongomhanya asi mashoko andauya nawo mashoko makuru akakosha zvikuru.
Amai Chipo: Ndozvinoita upenyu mufundisi. Ndiwo mararamiro emurume wangu. Ndicharamba ndichingo munyengeterera hangu.
Mufundisi: Regai kutambura neshoko iri mhayi mangwana kana Mwari achida ndichadzokazve ndigotaura nababa pamusoro pezvinhu izvi.
Muparidzi: PaRuka 12 ndima 15 panamashoko anoti: Akati kwavari, chenjerai muzvichengete pakuchiva kose nekuti upenyu hwemunhu hausi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.
Mufundisi: Aah mukuru ndadzokazve nenyaya yangu iya. Handizive kuti mavepapiko zviya neshoko rangu ndine mashoko anokosha zvikuru….
Baba Chipo: Munonyepa mufundisi imi! Izvozvi ndirikusevenza very hard stereki. Asi murikundipedzera nguva yangu mahara imimi. Heee! indava?
Mufundisi: Zvinonzwisa urombo zvikuru. Mwari ndokumbira kuti mubate basa renyu mumwoyo we murume uyu kuti ashanduke. Anzwe izwi renyu.
Baba Chipo: Aah mufundisi uyu arikundinetsa uyu. Arikuti munhu akafa arikuenda kupi? Munhu kafa arikuenda kuguva. Iye ari kuti Mwari! mwari, mwari.
Baba Chipo: Amai munofanira kutaurira mufundisi wenyu nenyaya yake yekunamata….. handisikuda kumuona pano…….! Ini kutendeuka! Ha ha ha.
Amai Chipo: Baba chipo chandiona ini…
Baba Chipo: Mufundisi wenyu handisiri kuda kumuona pano! I am a busy man…!
Amai Chipo: Baba, asi mufundisi munhu kwaye anoita basa reku u u…….
Baba Chipo: Amai regai kuparidza!
Amai Chipo: Akati ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu. Ndichavaka makuru ndichaunganidzirapo zviyo zvangu nazvose zvangu zvakanaka. Ndichagoti kumweya wangu, mweya une zvakawanda zvakanaka zvakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora udye unwe ufare. Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi neusiku uhwo vachakutorera mweya wako. Izvo zvawakaunganidza zvichagova zvaaniko……? Ooh Mwari wangu chiponesaiwo murume wangu, muzarure meso ake awone nguva yake isati yapera. Ameni.
Mufundisi: Hama yangu baba vaChipo. Kwaziwaizve baba makadiiko? Ndinoona mune basa rakawanda.
Baba Chipo: Haa ndiri busy.
Mufundisi: Babaka mashoko andauya nawo nhasi pano kuti nditaure nemi haazi mashoko ekutamba bodo handichina nguva zvino yekudzokazve namashoko iwaya. Asi nguva ndiyo ino nokuti ndinotaura pamusoro peupenyu hwenyu baba. Hakuna unoziva kuti tinobva panyika ino rinhi uye tinofa rinhi. Asi maifanira kurangarira chinhu ichi chikuru chokuti Mwari anoda kuti imi muponeswe. Handizive kuti imi munofungei pamusoro pazvo?
Baba Chipo: Rufu rufu rufu ini handife! Ibva pano papurazi pangu! Work.
Izwi: Baba Chipo rega kuomesa mwoyo wako chitoteurira zvitadzo zvako ukumikidze mowoyo wako kuna Jesu.
Amai Chipo: Baba baba zvaita sei.
Baba Chipo: Ndisiye ndirikurota hope dzisina kunaka. Ndinonzwa izwi …. Imhosva yamufundisi handichada kumuona papurazi pangu pano.
Mufundisi: Hama yangu baba chipo ndinovimba kuti nderwekupedzisira newe wena. Shoko rangu riya rokuti dai wanzwa shoko raMwari.
Baba Chipo: Ndaneta newee…! Unondishatirisa… Ibva pano handidi kukuona pano!
Mufundisi: Haiwa ndazvinzwa hangu baba ndinovimba kuti ndoenda hangu. Zvinooo ndaona kuti maramba muchiramba chose rudo rwaMwari nerugare rwaMwari rwaanoda kuisa kwamuri. Hazvinei ndichapfuurira hangu mberi ndichikunyengetererai ndichikuisai panaMwari.
Izwi: Baba Chipo rega kuomesa mwoyo wako. Chitoteurira zvitadzo zvako ukumikidze mwoyo wako kuna Jesu.
Baba Chipo: Hope dzangu dzakundikanganisa chizvo.
Amai Chipo: Chii baba? Chii chamarota chiri kukukanganisai kudai?
Baba Chipo: Amai Chipo ndirikunzwa izwi kuti nditendeuke.
Amai Chipo: Baba vaChipo munofanira kutendeuka. Hatizive nguva yatinorarama pano panyika. Garai makazvigadzirira.
Baba Chipo: Iwe! Upenyu uhu ndewangu. Handidi marara akadaro, ndingakudzinge pano.
Amai Chipo: Baba kuda dzimwe nhambo manyanyisa kubata zvakanyanya…..
Baba Chipo: Iwee! Rengera kundinetsa ndinoita zvandinoda ini.

Baba Chipo closing his gate, his friends arrive.
Baba Chipo: Halo!
Shamwari 1: Halo. Maswerasei?
Baba Chipo: Ndaswera maswerawo.
Shamwari 1: Zvirikunakidza here? Mhoroika baba chipo. Eeh zvirikuita here?
Shamwari 2: Makadiiko imi?
Shamwari 1: Zvaita seiko baba Chipo, mazuvano hamuchaoneka? Hamuchaziva shamwari dzenyu here? Tanga tavekutofunga kuti makatisiya. Hauzvione here shamwari?
Shamwari 2: Ndirikuzviona shamwari. Vave kungofunga zvepurazi yavo chete. Havasisina mumwe hama yavo yavanofunga kunze kwemari yavo chete.
Baba Chipo: Hiyaa! Vakomana basa rinondiwandira mazuvano.
Shamwari 1: Tanga tiine party musi we Saturday baba Chipo.
Shamwari 2: Party hainakidze baba Chipo musipo. He he hee. Asi kuti zviwedzere munofanira kuuya namai Chipo futi.
Baba Chipo: Aah anamai ndevekuchechi avoo…
Shamwari 1 and 2: Haaa ndevekuchechi ha!ha!ha!

Kuparty: Shamwari dzinonwa dzichifara nababa chipo.
Shamwri: Rova hwahwa mudhara……
Baba Chipo: Bhayi bhayi vakomana……
Shamwari: Haaa baba Chipo! Baba Chipo kani imbogarai tinwe…..!
Shamwari: Bye bye bye
Shamwari: Isu ticharamba tichingo hunwa chete
Amai Chipo: Pafoni. Handisi kunzwisisa. Vamwe vose vanguva vauya hadizive kuti vaendepi? Apa nguva dzapera handichazive kuti zvaita sei.
Mushandi: Amai Chipo! Amai Chipo! Baba Chipo vatsikwa nemotikari!!..... murume wenyu atsikwa ne motikari. Handeyi…
Amai Chipo: Kutsikwa nemota…. kupi? Kutsikwa kwakaita sei….?

At the accident scene:
Amai Chipo: Baba Chipo….! Baba vaChipo! Baba vaChipo.
Baba Chipo: Ndidaidzirewo mufundisi.
Amai Chipo: Wakatambisa nguva yako baba Chipo. Huna kuziva kuti nguva yako ingakasira kupera kudai…. Hii hi hii! Hii….
Muparidzi: Mubhaibheri shoko raMwari munamashoko anonyevera anoti: PaMateo 6:19 panoti, Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza. Pane mbavha dzinoparadza dzichiba. Baba Chipo haana kuchenjerera nguva yake zvakaringana. Haana kuumba ukama akapedza nguva yake achifunga zvepfuma yake. Asingatsvake kuunganidza pfuma yemuushe hwaMwari, ndihwo ukama hwemunhu naMwari nomumwana Jesu Kristo.
Kugadzika maruva paguva. Kutora foshoro nekuenda chinyararire.
Magumo.

Keterangan terkait

Unduhan-Unduhan Gratis - Disini anda dapat menemukan semua pesan naskah GRN yang utama dalam beberapa bahasa, ditambah gambar dan materi terkait lainnya yang dapat diunduh.

Perpustakaan Audio GRN - Bahan pengabaran Injil dan pengajaran dasar Alkitab yang sesuai dengan kebutuhan masyarakat dan budaya dalam berbagai macam bentuk dan format.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?