Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 4: Varanda Vamwari

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 4: Varanda Vamwari

रुपरेखा: Ruth, Samuel, David, Elijah. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

भाषा परिवार: 421

भाषा: Shona

विषय: Sin and Satan (Sin, disobedience); Christ (Birth of Christ); Eternal life (Salvation); Character of God (Nature, character of God, Word of God (the Bible), Power of God / Jesus); Living as a Christian (Obedience, Faith, trust, believe in Jesus, Children of God, Humility); Bible timeline (Prophecy, fulfillment of, Gospel, Good News, People of God)

दर्शक: General

तरीका: Monolog

ढंग: Bible Stories & Teac

लक्ष्य: Teaching

बाइबिल का प्रमाण: Extensive

स्थिति: Publishable

भाषा का पाठ

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Mwari anoda vanhu vose uye ane hanya navo, asi kunyanya avo vanomuteerera uye vachimushandira. Teerera kune zvakaitika makore mazhinji akapfuura, sokunyorwa kwazvakaita muShoko raMwari, Bhaibheri, uye ugotarisa mifananidzo iri mubhuku roruvara rwenhundurwa. Enda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Mhuri Inotiza Nzara

Mufananidzo 1: Mhuri Inotiza Nzara

Rute 1:1-5

Mwari akasika vanhu vose, asi vakamumukira. Mwari akasarudza vanhu veIsraeri kuti vamuzive uye vamunamate. Vaifanira kupa muenzaniso kune dzimwe ndudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza. Asi pane dzimwe nguva, rudzi rweIsraeri rwakamukira Mwari. Ipapo vakanamata zvifananidzo uye navamwe vamwari venhema sedzimwe ndudzi dzakanga dzakavapoteredza. Mwari akauyisa hondo nenzara pamusoro pavanhu veIsraeri, kuti avadzosere kwaari.
Munguva yeimwe nzara yakadai, imwe mhuri yakasarudza kuenda kunyika yeMoabhu kundotsvaga zvokudya. Kwamakore gumi vakagara munyika yavatorwa iyoyo. Baba navanakomana vavo vaviri vakafira ikoko. Amai chete navaroora vavo vaviri ndivo vakasara munyika yavatorwa.

Mufananidzo 2: Naomi Narute Vanodzokera Kuisraeri

Mufananidzo 2: Naomi Narute Vanodzokera Kuisraeri

Rute 1:6-22

Amai vemhuri iyi vainzi Naomi. Varoora vavo vaiva vaMoabhu uye mazita avo aiva Rute naOpa. Naomi akafunga zvokudzokera kunyika yeIsraeri. Rute naOpa vakafamba navo parwendo rwavo rwokuenda kuIsraeri. Ipapo Naomi akati kwavari, "Mungadireiko kuenda neni?
Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here? Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. ... Mwari andipindukira." Saka Opa akatsvoda Naomi ndokudzokera kumusha kwavabereki vake. Asi Rute akanamatirana naNaomi ndokuti, "Musaita kuti ndikusiyei. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu." Saka Rute akaenda naNaomi kuBheterehema munyika yeIsraeri.

Mufananidzo 3: Rute Mumunda Waikohwewa Bhari

Mufananidzo 3: Rute Mumunda Waikohwewa Bhari

Rute 2:1-23

Mushure mokudzokera kuBheterehema, Rute akati kuna Naomi, "Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha."
Naomi naRute vakanga vari varombo kwazvo. Akaenda kumunda kwaiva navashandi vaikohwa bhari. Muridzi womunda iwoyo aiva mumwe murume ainzi Bhoazi. Akabvunza vashandi vake nezvomukadzi wokune imwe nyika aiva mumunda make. Mumwe wavo akati, "Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu." Bhoazi akanzwa kuti akanga aitira vamwene vake zvakanaka sei. Akaona kuti akanga ari mushandi anoshanda nesimba. Saka akati kuna Rute, "Gara pano navashandi vanhgu vechisikana ava. Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana." Akaudza varume vaimushandira kuti vasamukanganisa, asi kuti vamusiyire imwe bhari kuti agonongera. Rute akaudza Naomi nezvetsitsi dzaBhoazi. Naomi akati, "Jehovha ngaamuropafadze!" Akatizve, "Murume iyeye ihama yedu yapedyo; ... "

Mufananidzo 4: Rute Nabhoazi Paburiro

Mufananidzo 4: Rute Nabhoazi Paburiro

Rute 3:1-18

Rimwe zuva Naomi akati kuna Rute, "Mwanasikana, handingaedzi kukuwanira musha here,paungawana zvinokuriritira zvakakwana? Bhoazi ihama yedu. Nhasi mauro achange achipura bhari. Shamba ugozora mafuta anonhuwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, ... Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Iye achakuudza zvaunofanira kuita." Rute akaita chaizvoizvo sezvaakaudzwa naNaomi. Bhoazi paakamuka akaona Rute ari patsoka dzake, akaziva kuti aida kuti amuwane, nokuti ndiyo yakanga iri tsika muIsraeri mumazuva iwayo. Kana murume afa muIsraeri, hama yake yapedyo pedyo yaigona kuwana chirikadzi iyo. Naizvozvo Bhoazi akati kuna Rute, " ... usatya. Ndichakuitira zvose zvawakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga (mukadzi akanaka)."

Mufananidzo 5: Bhoazi Navakuru Vebheterehema

Mufananidzo 5: Bhoazi Navakuru Vebheterehema

Rute 4:1-22

Bhoazi akadana vakuru gumi (varume vapamusoro-soro) pamwe chete pasuo reBheterehema. Kwakanga kune imwe hama yakanga ine kodzero yokutanga kuti iwane Rute, asi vose vakabvumirana kuti Bhoazi amuwane pachinzvimbo chomurume iyeye. Kuti asimbise chibvumirano, hama iya yakapa Bhoazi shangu yayo. Iyi yakanga iri tsika pakati pavaIsraeri. Saka Bhoazi akatora Rute kuti ave mukadzi wake. Vakava nomwanakomana wavakapa zita rokuti Obhedhi. Ipapo vamwe vakadzi vakati kuna Naomi, "Rumbidzai Jehovha uyo asina kukusiya usina muzukuru kuti akuchengete. Ngaave nomukurumbira muIsraeri uye avandudze upenyu hwako, agokuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka."

Mufananidzo 6: Maria Nomutumwa Wamwari

Mufananidzo 6: Maria Nomutumwa Wamwari

Ruka 1:26-38, 2:1-7

Makore mazhinji mushure maRute, Mwari akasarudza mumwe mukadzi kuti amushandire. Zita rake ainzi Maria. Akanga ari chizvarwa chaRute. Maria akanga ari mhandara isina kumboziva murume. Akanga akatsidzirwa kuzowanikwa nomumwe murume ainzi Josefa. Asi vasati vawanana, mutumwa waMwari akazviratidza kuna Maria. Akati kwaari, "Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro. ... umambo hwake hahungatongogumi."
Maria akabvunza mutumwa akati, "Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?" Mutumwa akapindura akati, "Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba roWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari." Maria akati, "Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva."
Maria akava napamuviri ndokubereka mwanakomana. Akamupa zita rokuti Jesu. Izvi ndizvo zvakaitika kuti Maria ave amai vaJesu.

Nokuti Maria akateerera Mwari, Muponesi Jesu akaberekwa naye. Kana tikateerera Mwari, anogonawo kuita zvinhu zvikuru zvesimba kubudikidza nesu.

Mufananidzo 7: Hana Anonyengetera Kuna Mwari

Mufananidzo 7: Hana Anonyengetera Kuna Mwari

1 Samueri 1:1-20

Mushure menguva yaRute, kwakavawo munyika yeIsraeri mumwe mukadzi ainzi Hana. Aishumirawo Mwari uye aida kumuteerera. Murume wake aimuda kwazvo, asi Hana akanga asingafari, nokuti akanga asingagoni kubereka vana. Gore negore vaienda kutemberi yaMwari paShiro. Vaitora zvipiriso uye vagoita zvibayiro kuna Mwari. Hana akapinda mutemberi ndokuti, "Nhai Mwari, kana mukandirangarira uye mukandipa mwanakomana, ipapo ndichamupa kwamuri kwamazuva ose oupenyu hwake." Miromo yainge ichifamba-famba paaitaura kuna Mwari, asi haana kududza nezwi rake. Eri, muprista mukuru, akamuona. Akafunga kuti akanga akadhakwa.
Asi Mwari akanzwa munyengetero waHana, uye mushure menguva akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Samueri.

Mufananidzo 8: Mwana Samueri Mutemberi Yamwari

Mufananidzo 8: Mwana Samueri Mutemberi Yamwari

1 Samueri 1:24-28, 2:12-21, 3:1-21

Samueri achiri mukomana mudiki diki, Hana akamukumikidza kuna Mwari. Hana akamutora akaenda naye kuti andogara naEri mutemberi yepaShiro. Eri akadzidzisa Samueri kushumira Mwari. Eri akanga ane vanakomana vaviri. Vakanga vari vaprista asi vakanga vakaipa. Saka Mwari akarega kutaura kuvanhu kubudikidza navaprista ava. Humwe husiku Samueri akanga akavata mutemberi yaMwari. Pakarepo Mwari akadana zita rake. Samueri akamhanyira kuna Eri ndokuti, "Ndiri pano; nokuti mandidana." Asi Eri akati, "Handina kukudana; dzokera unorara." Izvi zvakaitika kanokwana katatu. Ipapo Eri akaziva kuti Mwari ndiye akanga achidana Samueri. Saka akaudza Samueri kuti apindure Mwari achiti, "Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera." Mwari akataura kuna Samueri kakawanda uye akava muprista mukuru, muprofita nomutungamiri muIsraeri.

Mufananidzo 9: Samueri Anonyengeterera Israeri

Mufananidzo 9: Samueri Anonyengeterera Israeri

1 Samueri 7:2-14; Ekisodho 20:2,5

Mwari akaranga vanakomana vaEri avo vakanga vakaipa. Vakaurayiwa muhondo uye vaIsraeri vakakundwa navaFiristia. Kwamakore anopfuura 20 vaFiristia vakatonga Israeri.
Ipapo Samueri akati kuvanhu, "Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa ... mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia." VaIsraeri vakateerera Samueri. Vakaungana pamwe chete. Samueri akapa chibayiro kuna Mwari uye akanyengeterera Israeri. VaFiristia vakaungana pamwe chete kuti varwise Israeri. Asi Mwari akatuma kutinhira kukuru pamusoro pavo. VaFiristia vakatiza vachitya zvikuru, uye vaIsraeri vakagona kuvakunda vose.

Mufananidzo 10: Samueri Anozodza Sauro Mafuta

Mufananidzo 10: Samueri Anozodza Sauro Mafuta

1 Samueri 8:1 - 10:1

Mwari akanga ari mambo chaiye weIsraeri uye Samueri, ari pasi paMwari, akatungamirira vanhu. Nokuti mamwe marudzi akanga ane madzimambo awo, vaIsraeri vakadawo munhu kuti ave mambo wavo. Samueri haana kufara paakanzwa izvi. Asi Mwari akati kwaari, "Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo." Kwakanga kune rimwe jaya rainzi Sauro. Rakanga rakareba uye rakarurama. Rimwe zuva Sauro akaenda kundoshanyira Samueri. Samueri paakamuona achiuya, Mwari akati kuna Samueri, "Ndiye murume wacho uyu. Achatonga pamusoro pavanhu vangu." Saka Samueri akatora chinu chamafuta. Akadururira mafuta pamusoro waSauro. Ichi chaiva chiratidzo chokuti akanga asarudzwa kuti ave mambo. Kwamakore makumi mana Sauro akatonga samambo pamusoro peIsraeri.

Mufananidzo 11: Sauro Anobvarura Nguo Yasamueri

Mufananidzo 11: Sauro Anobvarura Nguo Yasamueri

1 Samueri 15:1-29

Munguva youmambo hwaSauro, vaAmareki vakatambudza vaIsraeri nenzira dzakawanda. Saka Samueri akati kuna Sauro, "Tereera zvino kushoko raMwari. ... chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo. Usavarega vari vapenyu; ..." Mwari akabatsira Sauro nehondo yake kukunda vaAmareki. Asi vaIsraeri havana kuteerera Mwari. Vakaponesa zvakanakisisa pazvipfuwo zvavaAmareki sechibayiro kuna Mwari uye havana kuuraya mambo wavaAmareki sokurayira kwakanga kwaita Mwari. Ipapo Samueri akati kuna Sauro, "Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti urambe uri mambo." Samueri akatendeuka kuti aende. Sauro akabata nguo yaSamueri. Yakabvarukira mumaoko ake. Saka Samueri akati, "Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe."

Sauro akapa zvibayiro kuna Mwari, asi haana kumuteerera. Samueri akateerera Mwari uye akamushandira mazuva ose oupenyu hwake.

Mufananidzo 12: Jesu Mumba Mamwari

Mufananidzo 12: Jesu Mumba Mamwari

Ruka 2:41-50, 1:35

Makore akawanda mushure maSamueri, kwakava nomwana muIsraeri ainzi Jesu. Maria ndivo vaiva amai vake, asi Mwari ndiye aiva Baba vake. Jesu aigara achiteerera Mwari. Paakanga ane makore 12 okuberekwa, Maria nomurume wake Josefa vakaenda kuJerusarema. Jesu akaenda navo. Vava kudzoka, havana kuona Jesu, saka vakamutsvaga. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi maMwari. Akanga achitaura navadzidzisi vechiJudha nezvaMwari. Maria akati kwaari, "Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo." Asi Jesu akati, "Manga muchinditsvagireiko? Manga musingazivi here kuti ndinofanira kunge ndiri mumba mababa vangu?" Jesu achiri mukomana saSamueri, akaziva kuti akanga auya kuzoshandira Mwari. Jesu akauya kuzotungamirira vanhu vose kuti vadzokere kuna Mwari. Nokuti Mwari ndiye mambo wechokwadi wavanhu vose uye nomutungamiri.

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Varanda vaMwari ndivo vamwe vavanhu vakuru kwazvo vakararama panyika pano. Kaseti ino ichakuudza kuti Mwari akaitei kuti vave vatungamiri vakuru vavanhu. Enda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Dhavhidhi, Mufudzi Akashinga

Mufananidzo 13: Dhavhidhi, Mufudzi Akashinga

1 Samueri 16:1-13, 17:34-35

Sauro ndiye akava mambo weIsraeri wokutanga, asi akaramba kuteerera Mwari. Mwari akasiya Sauro uye haana kuzomubatsira zvakare. Kwakanga kuno mumwe mukomana mudiki ainzi Dhavhidhi. Aifudza makwai ababa vake. Mwari akanga asarudza Dhavhidhi kare kuti ave mambo pachinzvimbo chaSauro. Dhavhidhi aivimba naMwari uye akanga asingatyi njodzi. Rimwe zuva shumba yakabata rimwe gwai rake. Dhavhidhi akauraya shumba ndokuponesa gwai. Akanyorawo nziyo dzakanakisisa uye aigaroimba achirumbidza Mwari. Nziyo dzake dzinonzi Mapisarema uye dzinowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Dhavhidhi akava mhando yomunhu anodiwa naMwari kuti vanhu vose vafanane naye.

Mufananidzo 14: Dhavhidhi Nehofori Yerume

Mufananidzo 14: Dhavhidhi Nehofori Yerume

1 Samueri 17:1-54, 2:30

Kwakanga kune hondo pakati pavaIsraeri navaFiristia. Pakati pavaFiristia pakanga pane hofori yerume yainzi Goriati. Akadanidzira kuvaIsraeri akati, "Sarudzai murume ... Kana akagona kurwa neni uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu, asi kana ndikamuuraya, muchava varanda vedu."
Varume veIsraeri vakatya Goriati. Hapana akabvuma kurwa naye. Ipapo jaya Dhavhidhi akati, " MuFiristia uyu ndiani wokuti angavhundutsira hondo yaMwari Mupenyu?" Dhavhidhi akanga asingatyi Goriati. Aiziva kuti Mwari aigona kumubatsira kuti auraye hofori yerume iyi nokuti hondo yaiva yaMwari. Saka Dhavhidhi akaenda kundosangana naGoriati, ndokutora chimviriri chake ndokupotsera dombo rakananga musoro wehofori. Goriati akawira pasi, Dhavhidhi ndokumhanyira kwaari. Akatora munondo waGoriati chaiwo ndokugura musoro wake. VaFiristia pavakaona kuti shasha yavo yakanga yafa, vakatiza. Hondo yavaIsraeri yakavatevera uye ikavakunda.

Mufananidzo 15: Sauro Anoedza Kuuraya Dhavhidhi

Mufananidzo 15: Sauro Anoedza Kuuraya Dhavhidhi

1 Samueri 18:1 - 19:10

Pakutanga Sauro akafarira Dhavhidhi nokuti akanga aponesa Israeri. Dhavhidhi akava murwi mukuru nomutungamiri muIsraeri. VaIsraeri vakafara kumutevera. Asi nokufamba kwenguva Sauro akaitira Dhavhidhi godo. Rimwe zuva Dhavhidhi akanga achiridzira Sauro gandira. Mweya wakaipa wakauya pana Sauro ndokubva atora pfumo ndokurikanda kuna Dhavhidhi, asi akamupotsa richibva rabaya pamadziro. Mushure maizvozvo Sauro akaedza kuuraya Dhavhidhi kakawanda. Asi Mwari akadzivirira Dhavhidhi nokutumira mwanakomana waSauro, Jonatani uye navamwe vaIsraeri kuti vandobatsira Dhavhidhi kukunda vavengi vake. Asi kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akatozotizira kunzvimbo dzaiva kure kuti asaurayiwa naSauro.

Mufananidzo 16: Dhavhidhi Anoponesa Upenyu Hwasauro

Mufananidzo 16: Dhavhidhi Anoponesa Upenyu Hwasauro

1 Samueri 26:1-25; VaRoma 12:19

Sauro nehondo yake akaenda kuti andobata Dhavhidhi murenje. Humwe husiku, Sauro navanhu vake pavakanga vavete, Dhavhidhi neshamwari yake Abhishai vakapinda mumusasa waSauro. Abhishai akada kuuraya mambo paakanga avete, asi Dhavhidhi akamudzivisa. Akati, "Mwari acharanga munhu upi zvake anokuvadza mambo waakasarudza." Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura zvakanga zviri padivi pomusoro waSauro. Vakati vabuda mumusasa, Dhavhidhi akadanidzira kuti varwi vaSauro vamuke. Akati kuna Abhuneri, murume aifanira kuchengetedza mambo, "Hauna kurinda tenzi wako. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?" Mushure mokunge adaro Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Zvirokwazvo, sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose." Saka Dhavhidhi akaramba achienda kwaaienda Sauro ndokudzokera kumusha.

Mufananidzo 17: Dhavhidhi Anova Mambo

Mufananidzo 17: Dhavhidhi Anova Mambo

1 Samueri 31:1-6; 2 Samueri 5:1 - 7:16

VaFiristia vakauya zvakare kuzorwisa Israeri. Mambo Sauro, mwanakomana wake Jonatani navamwe vanun'una vake vakaurayiwa muhondo. Ipapo vanhu vakaita Dhavhidhi mambo weIsraeri. Akavaka muzinda wake muguta reJerusarema. Mwari akati kuna Dhavhidhi, "Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu Israeri. ... Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika." VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga ava mambo, vose vakauya kuzomurwisa. Asi Dhavhidhi akavimba naMwari uye akaita sokurayira kwakaita Jehovha, saka akakunda VaFiristia. Nokufamba kwenguva akakunda VaFiristia vose.

Mufananidzo 18: Dhavhidhi Nabhatishebha

Mufananidzo 18: Dhavhidhi Nabhatishebha

2 Samueri 11:1 - 12:20; Ekisodho 20:14

Rimwe zuva Dhavhidhi akanga achifamba pamusoro pedenga romuzinda wake. Akaona mumwe mukadzi akanga akarurama kwazvo achishamba. Dhavhidhi akamuda. Zita romukadzi uyu rainzi Bhatishebha. Akanga ari mukadzi waUria uyo aiva murwi muhondo yaDhavhidhi. Uria akanga aenda kundorwa navavengi veIsraeri. Dhavhidhi akanzwa nhau idzi ndokubva atuma shoko kumutungamiri wavarwi. Akaudza mutungamiri kuti aone kuti Uria aurayiwa muhondo. Ipapo Dhavhidhi akatora Bhatishebha kuti ave mukadzi wake. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Mwari. Mwanakomana wokutanga waDhavhidhi naBhatishebha akafa, uye Dhavhidhi akakumbira Mwari kuti amuregerere nokuda kwechinhu chakaipa kwazvo chaakanga aita. Shoko raMwari rinoti, "Usaita upombwe." Uyewo "Usauraya."

Mufananidzo 19: Temberi Yamwari

Mufananidzo 19: Temberi Yamwari

1 Makoronike 22:1-19

Dhavhidhi akatadzira Mwari, asi aida Mwari uye aida kumushandira. Aidawo kumuvakira temberi huru, yokuti vanhu vaizosangana kuti vanamate Mwari. Asi Mwari akati, "Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda pamberi pouso hwangu. Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni, ... Iye ndiye achavakira Zita rangu imba. ... Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake muIsraeri nokusingaperi." Dhavhidhi akagadzirira zvinhu zvizhinji zvokuvakisa temberi yaMwari muJerusarema asati afa, asi Soromoni ndiye akaivaka. Yakatora makore manomwe kuti ipere kuvakwa. Yakanga iri nzvimbo yakanaka kwazvo. Vanhu veIsraeri vakanamata Mwari mutemberi iyi muJerusarema, kwamazana namazana amakore, uye havana kutombokanganwa kuti Dhavhidhi akanga ari mambo mukuru kwazvo.

Mufananidzo 20: Jesu Anopinda Mujerusarema

Mufananidzo 20: Jesu Anopinda Mujerusarema

Mateo 21:1-11

Makore angada kusvika chiuru mushure maDhavhidhi, Jesu akaberekwa. Jesu akanga ari chizvarwa chamambo Dhavhidhi. Amai vake vakanga vari mhandara yainzi Maria. Baba vake vakanga vari Mwari Wamasimba Ose. Panyika, Jesu akava muranda waMwari mukuru kuna vose. Akadzidzisa vanhu chokwadi nezvaMwari. Akaita zvishamiso nesimba raMwari. Sauro naDhavhidhi nesu tose vanhu takatadzira Mwari. Asi Jesu haana kutombotadza. Rimwe zuva akapinda muJerusarema akatasva mbongoro. Vanhu vakaenda kundosangana naJesu uye vakadanidzira vachiti, "Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!" Hosana zvinoreva kuti 'ponesai'. Uyewo vakadanidzira vachiti, "Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!" Vanhu vakaona kuti Jesu akanga ari mukuru kunyange kuna Dhavhidhi. Ndiye Mambo wamadzimambo ose.

Mufananidzo 21: Makunguwo Anopa Eria Zvokudya

Mufananidzo 21: Makunguwo Anopa Eria Zvokudya

1 Madzimambo 17:1-6

Mushure maDhavhidhi naSoromoni, mamwe madzimambo akatonga pamusoro peIsraeri. Mumwe wavo aiva murume ainzi Ahabhu. Akanga ane mukadzi akanga akaipa ainzi Jezebheri. Jezebheri akauraya vateveri vaMwari vakawanda, uye akamanikidzira vanhu kunamata zvifananidzo zvaBhaari, mwari wenhema. Eria akanga ari muprofita mukuru waMwari munguva iyoyo. Akaenda kuna Ahabhu ndokuti, "NaJehovha, Mwari waIsraeri, mupenyu, wandinoshumira, hakuchazovi nedova kana mvura inonaya mumakore ano kunze kwokutenge ndareva ini." Saka Mwari akatuma nzara panyika yeIsraeri. Kunyange zvakadaro, Mwari akaramba achichengeta muranda wake Eria. Akarayira Eria kuti aende kunzvimbo yainzi Keriti, kwaakawana mvura yokunwa kubva mukakova, uye mangwanani oga oga uye namanheru, makunguwo akavigira Eria chingwa nenyama kuti adye.

Mufananidzo 22: Eria Nomoto Wamwari

Mufananidzo 22: Eria Nomoto Wamwari

1 Madzimambo 18:16-46

Mugore rechitatu renzara Eria akaudza Ahabhu kuti adane vanhu vose veIsraeri uye navaprofita vaishumira mwari wenhema Bhaari, kugomo rainzi Karimeri. Akati kwavari, "Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei." Hapana akapindura. Ipapo Eria akati, "Titorerei hando mbiri. Vaprofita vaBhaari ngavasarudze hando yavo yechibayiro. Asi havafaniri kuisa moto pairi. Ini ndichagadzira imwe hando, uye handisi kuzoisa moto pairi. Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha." Eria akati, "Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari." Vanhu vakabvumirana naEria. Zuva rose vaprista vaBhaari vakadana kuna mwari wavo. Vakatamba vachipoterera chibayiro chavo uye vakazvicheka namapanga. Asi hapana moto wakaonekwa. Panguva yamanheru, Eria akagadzirira chibayiro chake. Akakumbira vanhu kuti vadire mvura yakawanda pachibayiro chake uye napahuni. Ipapo akanyengetera kuna Mwari. Pakarepo moto wakaburuka kubva kudenga ukawira pachibayiro chaEria. Wakapisa chibayiro pamwe chete nemvura. Vanhu vose vakadanidzira vachiti, "Jehovha ndiye Mwari!"

Mufananidzo 23: Eria Anoenda Kudenga

Mufananidzo 23: Eria Anoenda Kudenga

1 Madzimambo 19:1-21; 2 Madzimambo 2:1-14

Eria akauraya vaprista vaBhaari nokuti vakanga vakaipa kwazvo. Ipapo Jezebheri mukadzi wamambo Ahabhu akada kuuraya Eria. Eria akatya, naizvozvo akatizira kunzvimbo yakanga iri kure, kurenje. Ikoko Mwari akasangana naEria. Mushure mokunge Mwari ataura naye, kutya kwakapera. Akaramba achidzidzisa vanhu nezvokunamata Mwari mumwe chete wechokwadi. Mwari akarayira kuti Erisha ave mubatsiri waEria. Rimwe zuva pavakanga vachifamba pamwe chete, ngoro yemoto yakafamba napakati pavo Mwari akatora Eria ndokuenda naye kudenga muchamupupuri. Uye Erisha haana kuzoona Eria zvakare.

Mufananidzo 24: Eria Namozisi Vaina Jesu

Mufananidzo 24: Eria Namozisi Vaina Jesu

Ruka 9:28-36

Makore 700 mushure maEria, Jesu akararama panyika pano. Rimwe zuva akatora vadzidzi vake vatatu ndokuenda navo kugomo kundonyengetera. Jesu paakanga achinyengetera, Mozisi naEria vakazviratidza. Vadzidzi vatatu vakavaona vachipenya mukubwinya. Ipapo Mwari akataura kubva kudenga. Akati, "Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei."
Jesu akauya panyika pano uye akafa sechibayiro chezvivi zvedu nezvivi zvavanhu vose venguva dzose, nokuti Mwari anoda kuponesa vanhu vose kubudikidza noMwanakomana wake Jesu. Jesu ndiye Muponesi wedu akamutswa naMwari kubva kuvakafa. Asi Mwari anopa upenyu husingaperi kuna avo chete vanoteerera Shoko rake, vanovimba naye uye vanomuteerera.

संबंधित जानकारी

मुफ्त डाउनलोड - यहाँ आपको अनेक भाषाओं में जीआरएन के सभी मुख्य संदेशों के लेख,एवं उनसे संबंधित चित्र तथा अन्य सामग्री भी डाउनलोड के लिए मिल जाएंगे.

"देखें, सुनें और जीएं" ऑडियो-विज़ुअल - सुसमाचार प्रचार और मसीही शिक्षा देने के लिए यह 8 कार्यक्रमों का सेट है और प्रत्येक प्रोग्राम में 24 चित्र हैं. इस श्रंखला में पुराने नियम के पात्रों, यीशु के जीवन, और आरंभिक चर्च संबंधित अध्ययन हैं. यह सैंकडों भाषाओं में उपलब्ध है.

जीआरएन के ऑडियो विज़ुअल संसाधान कैसे प्रयोग करें - 1: सरलता से सुसमाचार प्रचार करना - यह लेख एक परिचय देता है कि जीआरएन के ऑडियो विज़ुअल संसाधानों को मसीही सेवकाई में विभिन्न रीति से कैसे उपयोग किया जा सकता है.

जीआरएन के ऑडियो विज़ुअल संसाधन कैसे उपयोग करें - भाग 2: गहरे जाना - यह लेख और जानकारी देता है कि कैसे लोग कहानियों द्वारा सीखते हैं और क्यों कहानियों के साथ अधिक व्याख्या नहीं होती.

जीआरएन ऑडियो संग्रह - मसीही प्रचार और बुनियादी बाइबल शिक्षा संबंधित सामग्री लोगों की आवश्यकता तथा संसकृति के अनुरूप विभिन्न शैलियों तथा प्रारूपों में.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?