Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 3: Kukunda Namwari

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 3: Kukunda Namwari

إستعراض: Joshua, Deborah, Gideon, Samson. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

رقم النص: 420

لغة: Shona

الفكرة: Eternal life (Salvation); Character of God (Nature, character of God, Word of God (the Bible), Power of God / Jesus); Living as a Christian (Obedience, No other gods, idols, Victory, Faith, trust, believe in Jesus); Bible timeline (Gospel, Good News); Sin and Satan (Spiritual Warfare, Deliverance, Judgement)

الجماهير: General

نمط: Monolog

فصيل: Bible Stories & Teac

الغرض: Teaching

نص من الإنجيل: Extensive

حالة: Publishable

النص

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Mukaseti ino uchanzwa kuti ndiani akatevera Mozisi pautungamiri hweIsraeri. Uyewo kuti Mwari akavatungamirira sei kubuda murenje vachienda kunyika yeKenani, uye kuti akavabatsira sei mukukunda vavengi vavo munzira. Tarisa mifananidzo iri mubhuku roruvara rwevhu uye ugoenda pamufananidzo unotevera kana wanzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Joshua Anorwa Navaamareki

Mufananidzo 1: Joshua Anorwa Navaamareki

Ekisodho 17:8-13; Mateo 18:19

Vanhu veIsraeri vakanga vasati vava nenyika yavowo. Vaidzungaira murenje. Asi Mwari akanga avavimbisa nyika yeKenani kuti yaizova nzvimbo yavo yokugara. Mwari akasarudza jaya rainzi Joshua kuti ave mutungamiri wehondo yavaIsraeri. Izvi zvakaitika Mozisi, mutungamiri wavaIsraeri, asati afa.
Vamwe vanhu, vainzi vaAmareki vakauya kuzorwisa vaIsraeri, saka Mozisi akati kuna Joshua, "Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu." Mozisi paainge akasimudza tsvimbo yaMwari mudenga, Joshua navaIsraeri vaikunda vaAmareki. Asi maoko aMozisi akatanga kuneta zvokuti akatadza kuasimudza mudenga. Ipapo vaAmareki vakatanga kukunda muhondo. Saka varume vaviri vakasimudza maoko aMozisi kusvikira ava manheru, uye Mwari akabatsira Joshua kukunda vaAmareki.

Mufananidzo 2: Vasori Vanodzoka Nemichero Yokukenani

Mufananidzo 2: Vasori Vanodzoka Nemichero Yokukenani

Numeri 13:1 - 14:38

VaIsraeri vakati vaswedera pedyo nemiganhu yeKenani, Jehovha akarayira Mozisi kuti atume varume kundoongorora (kundosora) nyika. Mozisi akatuma vatungamiri gumi navaviri; pakati pavo paivawo naJoshua naand Karebhu. Mushure mamazuva mana varume ava vakadzoka uye vakapa Mozisi nhoroondo iyi inoti: "Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi (ine upfumi neivhu rakanaka)! Hezvi zvibereko zvayo. Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta avo akasimba kwazvo, uye makuru." Ipapo Karebhu akanyaradza vamwe vasori vaakanga aenda navo ndokuti, "Tinofanira kukwira tindotora nyika, nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora." Asi varume vaya vakati, "Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu." Uye vakaparadzira guhu rakaipa nezvenyika iyo. Usiku ihwohwo vanhu vakachema uye vakapopotera vatungamiri vaMwari, Mozisi naAroni, uyewo naMwari.
Mwari akatsamwa kwazvo nokuti havana kuvimba naye uye akadzokera navo kurenje kwamakore makumi mana. VaIsraeri vose vasina kuvimba naMwari, vakafira murenje.

Mufananidzo 3: Vanhu Veisraeri Vanoyambuka Rwizi

Mufananidzo 3: Vanhu Veisraeri Vanoyambuka Rwizi

Joshua 1:1-2, 3:1-17

Mushure mokufa kwaMozisi, Mwari akasarudza Joshua kuti ave mutungamiri wavaIsraeri. Ipapo Mwari akati kuna Joshua: "Mozisi muranda wangu afa. Zvino, iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka Rwizi Jorodhani mupinde munyika yandava kupa kuvana vaIsraeri. ... Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo." Mwari akavimbisa kuti aizova naJoshua uye akamurayira kuti ateerere Shoko rake iye Mwari. Ipapo Mwari akaudza Joshua chaizvoizvo zvokuita. Vaprista veIsraeri vaiva nebhokisi raikosha rainzi areka. Mukati maro maiva nemirayiro yaMwari yakanga yakanyorwa pamahwendefa amatombo. Mwari akavarayira kuti vatakure areka vachipinda nayo muRwizi Jorodhani. Rwizi rwakanga ruzere, asi tsoka dzavaprista padzakangoguma mvura, rwizi rwakamira kuerera kubva kumusoro ndokubva kune rimwe divi kwaoma. Vaprista vakamira pakati porwizi vanhu vose ndokuyambuka vachipinda muKenani panyika yakaoma.

Mwari anoda kutidzidzisa, iwe neni kuti kana akatirayira kuti tiite chinhu chipi zvacho, tinofanira kumuteerera uye tichivimba naye kuti achatibatsira mukuita kuda kwake.

Mufananidzo 4: Masvingo Ejeriko

Mufananidzo 4: Masvingo Ejeriko

Joshua 5:13 - 7:1

Vanhu veIsraeri vakadzika misasa muKenani pedyo neguta rainzi Jeriko. Ipapo Mwari akati kuna Joshua, "Tarira, ndaisa Jeriko mumaoko ako, pamwe chete namambo waro navarume varo vehondo. Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu. Ngapave navaprista vanomwe vanotakura hwamanda dzenyanga dzemakondohwe pamberi peareka. Pazuva rechinomwe, fambai muchitenderera guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda. Kana mukazovanzwa varidza hwamanda kwenguva refu, vanhu vose vanofanira kudanidzira zvikuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka, vanhu vagopinda, mumwe nomumwe pakanangana naye."

Saka Joshua navanhu vakaita chaizvoizvo zvakarayirwa naMwari. Masvingo eJeriko akakoromoka uye vaIsraeri vakakunda (vakatora) guta. Mwari akaudza vaIsraeri kuti vasatora kana chinhu chipi zvacho chokupamba. Asi mumwe murume ainzi Akani, haana kuteerera Mwari. Tichakuudza nezvake muzvikamu zvinotevera.

Mufananidzo 5: Vaisraeri Vanodzinganiswa Kubva Kuai

Mufananidzo 5: Vaisraeri Vanodzinganiswa Kubva Kuai

Joshua 7:1-12, 6:18-19, 24

Pedyo neJeriko pakanga pane rimwe guta ravavengi rainzi Ai. Joshua aifanira kukunda Aiwo, saka akatuma vasori kuti vandoona guta. Vasori vakadzoka vakati, "Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. ..., nokuti ikoko kuna vanhu vashoma (kune hondo diki diki)." Saka Joshua akatuma varwi vashoma shoma kuti vandotora Ai. Asi varume veAi vakavakurira ndokubva vakunda varume veIsraeri. Vamwe vaIsraeri vakaurayiwa ndokubva vamwe vose vaita zvokutiza. Ipapo Joshua navakuru (vatungamiri) veIsraeri vakawira pasi nezviso zvazvo pamberi peAreka yaJehovha varwadziwa zvikuru. Asi Mwari akati kuna Joshua, "Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako? VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu (chibvumirano changu), yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsraeri vasingagoni kumisidzana navavengi vavo; ..."
Jehovha akanga audza vaIsraeri kuti vakumikidze sirivha negoridhe yose (zvavainge vapamba) kwaari (mumba yake).

Kubva pane izvozvi tinodzidza kuti Mwari anoranga avo vanorega kumuteerera. Kana tikarega kuteerera Mwari, tinozvikuvadza isu uye tinogona kukuvadzisa vamwe zvikuru kwazvo.

Mufananidzo 6: Kutongwa Kwaakani

Mufananidzo 6: Kutongwa Kwaakani

Joshua 7:14-26

Joshua akaunganidza vanhu vose pamberi paMwari. Mwari akaratidza Joshua kuti Akani ndiye akanga amutadzira (iye Mwari). Joshua akati kuna Akani, "Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira." Uye Akani akati, "Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha Mwari waIsraeri. Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka, sirivha negoridhe, ndakazvitora ndokuzviviga pasi mutende rangu." Varume vashoma vakaenda ndokuwana zvinhu izvi ndokuuya nazvo kuna Joshua. Ipapo Akani akaurayiwa pamwe chete nemhuri yake, pfuma yavo yose ikaparadzwa, sokurayira kwakanga kwaita Mwari. Mwari akadzora kutsamwa kwake ndokuti kuna Joshua, "Usatya kana kuvhundutswa. Tora varwi vose uende unorwisa Ai. Nokuti ndaisa mambo weAi navanhu vake, neguta rake nenyika yake mumaoko ako." Saka vaIsraeri vakateerera Mwari ndokubva vakwanisa kukunda Ai.

Mwari anoona zvose zvatinoita. Hatigoni kuvanza mabasa edu akaipa kubva kwaari. Asi kana tiine urombo zvechokwadi nokuda kwezvivi zvedu uye tikazvireurura kuna Mwari, anotiregerera uye anotichenesa kubva kuzvizvi zvedu (anotishambidza).

Mufananidzo 7: Zuva Nomwedzi Zvinomira Panzvimbo Imwe Chete

Mufananidzo 7: Zuva Nomwedzi Zvinomira Panzvimbo Imwe Chete

Joshua 10:1-14

VaAmori, vanhu vomunyika yeKenani vakanga vakaipa kwazvo asi vakatanga kutya vaIsraeri. Ipapo madzimambo mashanu avaAmori vakabatana pamwe chete kuti vazorwisa vaIsraeri. Mwari akati kuna Joshua, "Usavatya; ndavaisa muruoko rwako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako (kuti vapikisane newe)." Saka Joshua nehondo yake akaenda kundorwa namarudzi aya, uye vose vakatiza pamberi pavaIsraeri. Mwari akakanda pamusoro pavavengi matombo makuru kubva kudenga uye vazhinji vakaurayiwa. Hondo yakarwiwa zuva rose. Joshua akanyengetera uye Mwari akaita kuti zuva nomwedzi zvimire panzvimbo imwe chete kusvikira vaIsraeri vakunda vavengi vavo. Hakuna kuzombova nerimwe zuva rakadaro.

Mufananidzo 8: Joshua Anorayira Vanhu

Mufananidzo 8: Joshua Anorayira Vanhu

Joshua 23:1 - 24:31

Joshua akati akwegura, akadana vanhu veIsraeri vose pamwe chete. Akavayeuchidza pamusoro pezvinhu zvikuru zvavakanga vaitirwa naMwari: kuti akanga atungamirira madzitateguru avo kubva kuIjipiti uye kuti akanga avachengetedza sei, uyewo kuti akanga avarwira sei. Joshua akati kuvaIsraeri, "Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro waMozisi (zvaakanga agamuchira kubva kuna Mwari), musingatsaukiuri kurudyi kana kuruboshwe. Kana mukashumira Mwari uye mukamuteerera iye oga, achadzinga ndudzi dzasara pamberi penyu uye muchapiwa senhaka yenyu nyika yose yeKenani. Asi kana mukashumira vamwe vamwari, muchaparara munyika yakanaka yamakavimbiswa naMwari. Sarudzai zuva ranhasi, kuti muchashumira ani." Mushure maizvozvo, Joshua akafa.

Mufananidzo 9: Dhibhora Anotaura Akamiririra Mwari

Mufananidzo 9: Dhibhora Anotaura Akamiririra Mwari

Vatongi 4:1-9

Asi mushure mokufa kwaJoshua, vanhu veIsraeri vakabva kuna Mwari. Vakanamata zvifananidzo zvavaKenani. Saka vaKenani vakava nesimba pamusoro pavaIsraeri ndokubva vavabata zvakaipa, kusvikira vadana kuna Jehovha Mwari kuti avabatsire. Dhibhora ndiye akanga achitungamirira vaIsraeri. Vanhu vaiuya kwaari kuti azovarayira, uye akavabatsira kupedza makakava avo. Akaedza kuvadzosa kuna Mwari.
Rimwe zuva akadana Bharaki. Akanga ari mutungamiri wehondo yavaIsraeri. Akati kwaari, "Tora varume 10 000 uende navo kuGomo reTabhori. Sisera nehondo yavaKenani achauya kuzorwa nemi. Asi Mwari achaita kuti mumukunde." Bharaki akatya. Akati kuna Dhibhora, "Kana imi mukaenda neni, ndichaenda; asi kana musingaendi neni, neni handingaendi." Saka Dhibhora akati, "Ndichaenda newe. Asi nokuda kwenzira yauri kuda kuita nayo izvi, kukudzwa hakungavi kwako, nokuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwomukadzi."

Mufananidzo 10: Mwari Anobatsira Kuti Sisera Akundwe

Mufananidzo 10: Mwari Anobatsira Kuti Sisera Akundwe

Vatongi 4:10-16

Dhibhora naBharaki vakatungamirira Hondo yavaIsraeri ndokuenda kuGomo reTabhori. Sisera navaKenani vakaenda kundorwa navaIsraeri. Sisera akanga ane ngoro dzesimbi 900. Dzakanga dzakagadzirirwa kurwa hondo. Asi ngoro idzi dzakanga dzichinyanya kurema kuti dzifambiswe muvhu rakasekesa romumupata werwizi makanga mune hondo yavaIsraeri. Bharaki nehondo yavaIsraeri paakaenda mberi kundorwisa Sisera, Mwari akaita kuti pakati pavarwi vavaKenani pave nebongozozo. Sisera akasiya ngoro yake ndokutiza netsoka. Asi Bharaki akatevera ngoro dzavaKenani ndokuuraya varwi vose nomunondo; hakuna kana murume mumwe chete akasara. Saka, vachibatsirwa naJehovha, varwi vavaIsraeri vakakwanisa kukunda hondo yeKenani. Sisera chete ndiye akapunyuka.

Mufananidzo 11: Jaeri Anouraya Sisera

Mufananidzo 11: Jaeri Anouraya Sisera

Vatongi 4:17-23

Sisera akatizira kutende romukadzi ainzi Jaeri. Jaeri akanga asiri muIsraeri. (Vanhu vokwake vaiva noushamwari navaKenani, asi iye nomurume wake vakanga vasiya vanhu vokwavo zvokuti havana kuzogara pakati pavo.) Jaeri akati kuna Sisera, "... pindai mukati chaimo. Musatya." Saka akapinda mukati ndokuvanda mutende rake. Akamupa mukaka kuti anwe ndokumufukidza negumbeze. Ipapo Sisera akavata ndokubatwa nehope. Jaeri akatora mbambo yetende nenyundo. Akaenda chinyararire kuna Sisera paakanga akakotsira, ndokuroverera mbambo mumusoro ikanyura muvhu.
Mushure maizvozvo Bharaki akauya naipapo, achitsvaga Sisera, Jaeri ndokudana kwaari ndokuti, "Uyai ndizokuratidzai munhu wamuri kutsvaga." Akaona, hoyo Sisera, avete, musoro wake wakarovererwa muvhu.

Mufananidzo 12: Vaisraeri Vanopembera

Mufananidzo 12: Vaisraeri Vanopembera

Vatongi 5:1-31

Mwari ndiye akapa vaIsraeri simba rokukunda vaKenani ivavo. Dhibhora naBharaki vakaimba rwiyo rwokutenda Mwari; vanhu vakafarisisa pamwe chete navo. Vakafara kwazvo kuti vaiva nomutungamiri akanga akaita saDhibhora. Akanga akaita saamai kwavari. Vakarumbidza Jaeriwo, nokuti haana kutya Sisera. Mwari akashandisa vakadzi vaviri ava kuti aponese Israeri.

Mwari anoshandisa avo vanoita sevasina simba, kuti akunde vane simba. Tose tine muvengi ane simba anonzi Satani. Kuti tikunde Satani, Mwari akatuma Ishe Jesu Kristu kuti azofa pamuchinjikwa. Ipapo akatakura kurangwa kwechivi chedu, chako nechangu. Vanhu vakaipa vakaita kuti Jesu aurayiwe. Vakafunga kuti akanga asina simba. Unoyeuka kuti vaIsraeri vakakunda sei vavengi vavo kubudikidza nesimba raMwari. Jesu akakundawo Satani, muvengi wavanhu vose, paakafa pamuchinjikwa uye akamuka kubva kuvakafa. Kubudikidza naizvozvo akaratidza kuti akanga akunda simba rechivi, rufu uye naSatani. Akatisunungurawo kubva kusimba rechivi muupenyu hwedu. Saka nhasi tinogona kuva nesimba pamusoro pechivi uye napamusoro pesimba raSatani kubudikidza naJesu. Jesu anopa upenyu husingaperi kuvanhu vose vanovimba naye uye vanomuteerera. Naizvozvo, ngatiimbei uye tifare, tinamate Mwari wechokwadi mumwe chete.

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Tarisa, teerera uye ugodzidza zvidzidzo izvi zvinobva muBhaibheri. Uye ugoyeuka kuenda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Gidheoni Nomutumwa Wamwari

Mufananidzo 13: Gidheoni Nomutumwa Wamwari

Vatongi 6:1-24

Vanhu veIsraeri vakarega zvakare kuteerera Mwari uye vakaita zvinhu zvakaipa. Saka Mwari akabvumira vamwe vanhu vainzi vaMidhiani kuti vavatonge kwamakore manomwe. VaMidhiani vakaparadza zvirimwa zvavaIsraeri. Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Mwari kuti avaponese.

Rimwe zuva mumwe murume ainzi Gidheoni akanga achipura gorosi muchisviniro chake chewaini. Akanga achivanza gorosi kubva kuvaMidhiani. Mutumwa waMwari akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, "Jehovha anewe,iwe murume wesimba noumhare." Gidheoni akapindura achiti, "Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko zvinhu zvose izvi zvakaitika kwatiri?" Asi Jehovha akakurudzira Gidheoni achiti, "Enda nesimba raunaro uponese Israeri kubva muruoko rwavaMidhiani. Handisini ndakutuma here?" Gidheoni aiziva kuti imba yake ndiyo yakanga iri dukusa murudzi rwake uye iye ndiye akanga asingakoshi kupfuura vose mumhuri yake. Asi mutumwa waMwari akatiwo kwaari, "Ndichava newe uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete." Gidheoni akapa mutumwa chipiriso. Mutumwa akagunzvwa zvokudya zvechipiriso netsvimbo yake. Pakarepo moto wakabvira uye mutumwa akanyangarika. Ipapo Gidheoni akaziva kuti Mwari akanga ataura kwaari.

Mufananidzo 14: Gidheoni Anoparadza Zvifananidzo

Mufananidzo 14: Gidheoni Anoparadza Zvifananidzo

Vatongi 6:25-32

Usiku ihwohwo Mwari akataura kuna Gidheoni zvakare, akati, "Putsira pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi. Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi." Mhuri yaGidheoni yainamata zvifananidzo izvi, zvaBhaari naAshera, zvavaKenani. Gidheoni aitya vanhu asi akateerera Mwari. Usiku ihwohwo akatora varume gumi ndokuparadza zvifananidzo. Vanhu vakatsamwa kwazvo zvokuti vakada kuuraya Gidheoni, asi baba vake chaivo vakamudzivirira ndokuti, "Kana chifananidzo ichi chiri mwari zvechokwadi, ngachizvidzivirire." Asi hapana chakaitika.

Mwari mukuru kune zvifananidzo zvipi zvazvo zvamatanda, matombo, kana chinhu chipi zvacho.

Mufananidzo 15: Varwi Vagidheoni Vanonwa Mvura

Mufananidzo 15: Varwi Vagidheoni Vanonwa Mvura

Vatongi 7:1-7

Ipapo Gidheoni akaunganidza varwi kubva pakati pavaIsraeri, nokuti vaMidhiani vakabatana kuti varwise vaIsraeri.
Asi Mwari akati kuna Gidheoni, "Varume vaunavo vakawandisa. ... 'Ani naani ari kudedera nokutya ngaadzokere hake abve pano (adzokere kumba) ....' " Vazhinji pakati pavarwi vaGidheoni vakadzokera kumba. Mwari akataurazve kuna Gidheoni akati, "Vanhu vachakangowandisa. Enda navo kumvura, uye ndichavasanangurira ikoko." Saka Gidheoni akatora varwi vake ndokuenda navo kumvura kuti vandonwa. Vazhinji pakati pavarume ava vakapfugama ndokunwa mvura. Varume 300 chete ndivo vakanwa mvura vachikapa vachiisa kumiromo. Ipapo Mwari akati, "Namazana matatu avarume vanwa mvura vachikapa ava, ndichaisa vaMidhiani mumaoko ako."

Mufananidzo 16: Varwi Vagidheoni Vanokomberedza Musasa Wavamidhiani

Mufananidzo 16: Varwi Vagidheoni Vanokomberedza Musasa Wavamidhiani

Vatongi 7:16-25

Hondo yavaMidhiani yakanga yakakura zvokuti yaiita semhashu munyika. Vakadzika musasa mumupata vaine ngamera dzakawanda. Gidheoni akanga ane varume 300 chete, asi Mwari akamuudza chaizvoizvo zvokuita. Gidheoni akapa murume mumwe nomumwe hwamanda uye nechirongo chakanga chisina chinhu uye nomwenje (wokuona nawo) mukati. Vakakomberedza musasa wavaMidhiani pakati pousiku. Ipapo vakaita ruzha rukuru. Vakaridza hwamanda, ndokuputsa zvirongo uye ndokudanidzira vachiti, "Munondo waJehovha nowaGidheoni." VaMidhiani vakatya kufa ndokutanga kuurayana. Vakatiza varwi vaGidheoni. Gidheoni akatuma nhume kuti dzindodana vamwe varwi vose veIsraeri. Vakadzinganisa vaMidhiani uye vakauraya vazhinji vavo.

Mufananidzo 17: Samusoni Anouraya Shumba

Mufananidzo 17: Samusoni Anouraya Shumba

Vatongi 13:1 - 14:19

Mushure mokufa kwaGidheoni, vaIsraeri vakabvazve kuna Mwari. Saka Mwari akabvumira vaFiristia, rudzi rwakanga rune utsinye kwazvo kuti ruvatonge kwamakore 40. Ipapo Mwari akatumazve mutungamiri uye akamupa simba rokuti aponese Israeri. Zita rake ainzi Samusoni. Mweya waJehovha pawakauya pamusoro paSamusoni, akava nesimba kwazvo. Samusoni haana kumboveura bvudzi rake. Bvudzi rake refu ndiro raiva chiratidzo chokuti aiva munhu waMwari. Chakavanzika ichocho ndicho chaiva seri kwesimba rake. Samusoni akadanana nomumwe mukadzi wechiFiristia, ndokubva ati kuna baba vake, "Nditorerei iyeye ave mukadzi wangu. Ndiye akanaka kwandiri."
Samusoni paakanga ari munzira achienda kumusha kwomukadzi iyeye, akarwiswa neshumba. Samusoni akanga ane simba zvokuti akauraya shumba namaoko ake. Akawana mukadzi muFiristia uya, asi iye akamuderedza pamberi pavaFiristia. Samusoni akauraya vaFiristia 30 mukutsamwa kwake. Ipapo akadzokera kumusha kwababa vake.

Mufananidzo 18: Samusoni Namakava Muminda Yegorosi

Mufananidzo 18: Samusoni Namakava Muminda Yegorosi

Vatongi 15:1-7

Mushure menguva yakati kuti, Samusoni akadzokera kuvaFiristia kuti andoshanyira mukadzi wake, asi baba vake vakanga vamupa kuno mumwe murume. Samusoni akati, "Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa kwazvo." Akabuda akandobata makava 300 ndokusunganidza miswe yawo ari maviri maviri. Mushure maizvozvo akaisa mazhenje omoto apakati pemiswe yamakava ndokuregedza makava achipinda muminda yegorosi yavaFiristia. Zvirimwa zvavo zvose zvakatsva. VaFiristia vakavenga Samusoni ndokubva vaenda kuJudha kuti vandomutora senhapwa.
VaIsraeri muJudha vakanga vachitya vaFiristia, saka vakasunga Samusoni; vakamuendesa kuvaFiristia. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pana Samusoni nesimba. Zvisungo zvakanga zvakamusunga zvakadonha kubva pamaoko ake. Akatora rushaya rwembongoro ndokuuraya varume 1 000 men.

Mufananidzo 19: Vafiristia Vanoveura Bvudzi Rasamusoni

Mufananidzo 19: Vafiristia Vanoveura Bvudzi Rasamusoni

Vatongi 16:4-22

Samusoni akadanana nomumwe mukadzi muFiristia. Zita rake ainzi Dherira. Mukadzi uyu akaedza nguva dzakawanda kuti azive chakavanzika chesimba guru raSamusoni. Uye pakupedzisira Samusoni akamuudza. Akati kwaari, "Mwari akaudza amai vangu nababa vangu kuti vanditsaure kuti ndishandire Mwari. Kana bvudzi rangu rikaveurwa, simba rangu richapera."

Humwe husiku, Samusoni paakanga akarara, Dherira akadana vaFiristia. Vakaveura bvudzi rake. Ipapo Mwari akabva pana Samusoni, uye simba rake rikapera. VaFiristia vakasunga Samusoni; vakamutushura maziso ndokumuita kuti ashande basa mutorongo. Asi nokufamba kwenguva, bvudzi rake rakatanga kukura zvakare.

Mufananidzo 20: Samusoni Anouraya Vafiristia

Mufananidzo 20: Samusoni Anouraya Vafiristia

Vatongi 16:23-31

Samusoni ava mutorongo, vaFiristia vakafara kwazvo uye vatungamiri vavo vakaitira chifananidzo chavo chibayiro. Vakaita kuti Samusoni uyo akanga ava bofu auyiswe kubva kutorongo, kuti azofadza vanhu. Vakamuseka. Mutemberi makanga mune vanhu vazhinji kwazvo uye padenga pakanga pane vanhu 3 000. Samusoni akakumbira muranda wechiFiristia akanga achimutungamirira kuti amubvumire kuti azembere pambiru dzaitsigira temberi yechifananidzo iyi. Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Mwari achiti, "Haiwa, Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu ndisimbisei hangu nguva ino bedzi, ..." Samusoni akasunda mbiru nesimba rake rose temberi ndokuwira pamusoro pavo vose. Samusoni navaFiristia vaiva mutemberi vakafa pamwe chete. Mwari akaita kuti Samusoni akunde vaFiristia. Pazuva rokufa kwake, Mwari akaita kuti Samusoni akunde vaFiristia. Pazuva iroro, akauraya vaFiristia vakawanda kupfuura vose vaakambenge auraya.

Mufananidzo 21: Jesu Anodzinga Mweya Yakaipa

Mufananidzo 21: Jesu Anodzinga Mweya Yakaipa

Ruka 8:26-39

Makore akawanda kwazvo mushure maGidheoni naSamusoni, Jesu akagara munyika yeIsraeri. Rimwe zuva akasangana nomumwe murume akanga akabatwa nemweya yakaipa mizhinji. Murume uyu akawira pasi pamberi paJesu ndokuti, "Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!" Mweya iyi yaiziva kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari. Jesu akarayira mweya iyi kuti ibude mumurume uya. Mweya iya yakapinda muboka renguruve rakanga riri pedyo pedyo. Nguruve dzakamhanyira kumawere dzose ndokuwira mugungwa ndokunyura. Vanhu vakatanga kuona kuti Jesu akanga ane simba pamusoro paSatani nemweya yakaipa. Hongu, kunyange mweya yaitofanira kumuteerera. Shoka raMwari rinotidzidzisa kuti Jesu akagamuchira simba rose kudenga napanyika. Ane simba rokudzinga mweya yakaipa.

Mweya yakaipa ine masimba makuru, asi inogona kudzingwa muZita raJesu kubudikidza nesimba roMweya Mutsvene wake.

Mufananidzo 22: Jesu Anodzinga Vanhu Vakaipa

Mufananidzo 22: Jesu Anodzinga Vanhu Vakaipa

Ruka 19:45-48, 20:1-2

Rimwe zuva Jesu akaenda kutemberi yaMwari muJerusarema. Vanhu vakanga vapindura temberi vakaiita musika wavaitengesera mhuka dzezvibayiro uye vakanga vachizviitira mari nokunyengera vamwe. Jesu akadzinga vaitengesa pamwe chete nemhuka dzavo. Akati kwavari, "Kwakanyorwa kuchinzi, 'Imba yangu ichava yokunyengetera, asi mava kuiita 'bako ramakororo.' " Zuva nezuva Jesu akadzidzisa mutemberi. Asi vamwe vatungamiri vechiJudha vakanga vachitsvaga mukana wokuti vauraye Jesu, nokuti vakanga vasingatendi kwaari.
Rimwe zuva vakabvunza Jesu vakati: "Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?"

Mufananidzo 23: Jesu Mupenyu Mushure Mokunge Ambofa

Mufananidzo 23: Jesu Mupenyu Mushure Mokunge Ambofa

Mateo 28:16-20

Vamwe pakati pavatungamiri vechiJudha, vaiva vavengi vaJesu, vakashandisa vamwe vanhu kuti vamuuraye. Varwi vakaroverera Jesu pamuchinjikwa womuti. Ipapo akafa. Asi pazuva rechitatu Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Mwari akapa Jesu simba pamusoro porufu. Haachafa zvakare. Kumuka kwake kubva kuvakafa kwakaratidza kuti ndiye Mwanakomana waMwari. Jesu akati kuvateveri vake, "Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika."

Jesu akakunda chivi norufu. Kuvanhu vose vanotevera Jesu, Mwari anopa Mweya Mutsvene wake. Mweya Mutsvene anobatsira mutendi kuti ade Mwari uye ateerere Shoko rake.

Mufananidzo 24: Murwi Wamwari

Mufananidzo 24: Murwi Wamwari

VaEfeso 6:10-18

Jesu akakunda Satani, uye anotipa simba rokuti tirwe naSatani uye timukunde. Asi tinogona kuita izvi chete kana takagadzirira kurwa hondo, somurwi ari mumufananidzo. Akagadzirira kurwa hondo.

Chokutanga, tinofanira kutaura chokwadi nguva dzose uye tigorarama upenyu hwedu maererano neShoko raMwari rinova rechokwadi. Tinofanira kuripfeka sebhanhire rinotisunga kwose kwatinoenda. Izvi zvichireva kuti mirai makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama.

Tinofanira kuda vamwe uye tigoita zvakanaka pamberi paMwari. Zvinhu zvakanaka, zvatinofunga, zvatinotaura uye nezvatinoita, zvinotidzivirira sechidzitiro kumabasa namashoko akaipa.

Tinofanira kugadzirira kuudza vamwe nezvenhau dzakanaka dzorugare muna Jesu. Zvakafanana nokupfeka shangu dzomurwi. Zvinotibatsira kuti timire takasimba tichirwa naSatani uye zvinotidzivirira tsoka dzedu kuti dzisatsvedza munzira dzakaipa.

Tinofanira kutenda kuti Jesu akafa kuti atisunungure tose kubva kusimba raSatani nerechivi. Iyi ndiyo nhoo inotidzivirira kubva kuna Satani. Satani anoda kutiedza kuti tiite chivi. Anoda kutiparadza.

Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti Jesu akaponesa mutendi wose kubva mkukurangwa kwechivi. Uye vatendi vakabva kurufu vakaenda kuupenyu husingaperi. Ruzivo urwu runodzivirira pfungwa dzomutendi wose kuti asakahadzika, sezvinoita ngowani inodzivirira musoro womurwi. Shoko raMwari ndiro munondo woMweya Mutsvene waMwari. Shoko raMwari nderechokwadi. Mutendi wose anofanira kushandisa Shoko raMwari kuti aparadze nhema dzaSatani. Muzvinhu zvose izvi tinofanira kunyengetera kuna Mwari, tigoteerera kumhinduro dzake uye nokurayira kwake. Ipapo tichavawo nechikamu mukukunda kwaMwari kwaanoita Satani, chivi uye norufu nokusingaperi. Ipapo tichararama naMwari nokusingaperi, kunyange patinofa. Idzi inhau dzakanaka dzokuti munhu wose anofanira kudzinzwa.

معلومات ذات صلة

تحميلات مجانية - هنا يمكنك أن تجد نصوص رسائل GRN الرئيسية فى عدة لغات، بالإضافة إلى صور ومواد أخرى مرتبطة، متوفرة للتحميل.

"أنظر، إسمع وأحيا" صوتمرئي - مجموعة ذات ثمانية أنظمة، لكل نظام ٢٤ صورة ممتازة للبشارة والتعاليم المسيحية. تقدم هذه السلسلة دراسات فى شخصيات العهد القديم، حياة يسوع المسيح والكنيسة الشابة.

كيف تستخدم المواد الصوتمرئية فى GRN - الجزء١: مشاركة الإنجيل اصبحت سهلة - الموضوع يعطى مقدمة عن كم الطرق المختلفة لاستخدام موارد GRN السمعية والبصرية فى الخدمة.

كيف تستخدم موارد GRN الصوتمرئية - الجزء٢: الدخول الى العمق - يقدم هذا الموضوع المزيد من الشرح عن كيفية تعلم الناس من القصص، ولماذا لا تحتوى القصص على تعليقات كثيرة.

مكتبة GRN الصوتية - المواد التبشيرية و التعليمية للكتاب المقدس الملائمة لإحتياجات الناس و ثقافاتهم متاحة فى أشكال و أنماط عديدة.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?