Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 8: Mabasa Omweya Mutsvene

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 8: Mabasa Omweya Mutsvene

രൂപരേഖ: The Young Church and Paul. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

മൂലരേഖ (സ്ക്രിപ്റ്റ്) നമ്പർ: 425

ഭാഷ: Shona

പ്രമേയം: Sin and Satan (Spiritual Warfare, Deliverance); Christ (Ascension); Eternal life (Salvation); Character of God (Holy Spirit, Word of God (the Bible), Power of God / Jesus); Living as a Christian (Worship, Church, Christianity, No other gods, idols, Repentance, Faith, trust, believe in Jesus, Children of God, Spiritual Life, Christian values); Bible timeline (Gospel, Good News); Problems (Problems, troubles, worries)

പ്രേക്ഷകർ: General

ശൈലി: Monolog

തരം: Bible Stories & Teac

ഉദ്ദേശം: Teaching

അവസ്ഥ: Publishable

മൂലരേഖ (സ്ക്രിപ്റ്റ്) ടെക്സ്റ്റ്

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Mubhuku rino ndinoda kukudzidzisa nezvoMweya Mutsvene waMwari mupenyu. Tarisa mifananidzo iri bhuku roruvara rwepepuru paunenge uchiteerera kukaseti. Enda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Jesu Anodzokera Kudenga

Mufananidzo 1: Jesu Anodzokera Kudenga

Mabasa 1:1-11

Tarisa mufananidzo. Ishe Jesu ari kukwira kudenga ari mugore, achibva panyika. Vadzidzi vake (vateveri vake vapedyo) vakatarisisa. Jesu ndiye Mwari, uye akauya kubva kudenga. Akauya panyika makore 2 000 akapfuura. Akaberekwa nemhandara yainzi Maria muguta reBheterehema. Jesu akava munhu kuitira kuti aratidze kuti Mwari akaita sei. Nokuda kwenzira dzavo dzakaipa, vanhu vose havana kufadza Mwari. Vakatadza. Murango wechivi ndirwo rufu nokuparadzaniswa naMwari. Asi Mwari anoda vanhu vose. Haadi kuti vaende kugehena, nzvimbo yokurangwa. Saka Jesu akauya kuti azotora kurangwa kwezvivi zvedu. Kurangwa ikoko rufu. Varume vakaipa vakauraya Jesu nokumuroverera pamuchinjikwa womuti. Vanhu vazhinji vakaona kufa kwaakaita pamuchinjikwa, asi vadzidzi vake (vateveri vake) vazhinji vakamuonawo achimuka kubva kuvakafa. Ipapo akati kwavari, "Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, uye nokumigumo yenyika." Mushure mokunge avarayira saizvozvi, Jesu akakwira kudenga mugore sezvaunooona mumufananidzo uyu. Rimwe zuva achadzoka panyika nenzira imwe cheteyo kuti azotonga vanhu vose venyika. Vanhu vose vanonzwa nhau dzakanaka dzaJesu, vanotenda kwaari uye vanomuteerera, vane chipo chaMwari choupenyu husingaperi.

Mufananidzo 2: Mweya Mutsvene Anouya Nomoto

Mufananidzo 2: Mweya Mutsvene Anouya Nomoto

Mabasa 2:1-12

Mushure mokunge Jesu aenda kudenga, vadzidzi vake vakaungana mune imwe imba kuti vanyengetere. Ipapo Mweya Mutsvene waMwari wakauya pamusoro pavo sokuvimbisa kwakanga kwaita Jesu. Pakarepo kwakava nokutinhira kwakabva kudenga, kwakanga kwakaita sokwemhepo huru. Vanhu vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto. Ndimi dzomoto idzi dzakaparadzana ndokumhara pamusoro pomutendi mumwe nomumwe. Vakazadzwa noMweya Mutsvene waMwari ndokubva vatanga kutaura nezvamabasa anoshamisa aMwari nemimwe mitauro. Jesu anoita sokuvimbisa kwake; akatuma Mweya Mutsvene wake kuvanhu vose
vanomuteerera uye vanotenda kwaari.

Mufananidzo 3: Petro Anoparidza Kuvanhu

Mufananidzo 3: Petro Anoparidza Kuvanhu

Mabasa 2:13-41

Mweya Mutsvene waMwari wakauya pamusoro pavadzidzi muguta reJerusarema munyika yavaJudha.
Panguva iyoyo muJerusarema makanga mune vaJudha vazhinji, vaibva kunyika dzakasiyana-siyana. Vakataura mitauro yakasiyana-siyana. Mweya Mutsvene wakabatsira vadzidzi vaJesu kutaura mitauro yose iyi kuitira kuti vanhu vagonzwa uye vagonzwisisa shoko rezvaIshe Jesu mumutauro wavo.
Asi vamwe vakafunga kuti vateveri vaJesu vakanga vadhakwa newaini. Saka mumwe wavapostori ainzi Petro, akasimuka pamwe chete navamwe vapostori gumi nomumwe. Akataura kuvanhu achiti, "Vanhu ava havana kudhakwa, sezvamunofungidzira." Petro akagoverana navo nhau dzakanaka dzaJesu. Vanhu vazhinji vakatenda mashoko aPetro. Vakabhabhatidzwa sechiratidzo chokucheneswa kubva kuchivi. Vakagamuchirawo Mweya Mutsvene ndokubva vatanga kutevera nzira yaJesu.

Mufananidzo 4: Kereke Yakristu Yokutanga

Mufananidzo 4: Kereke Yakristu Yokutanga

Mabasa 2:42-47; 1 VaKorinde 11

Zuva iroro, vanhu vazhinji muJerusarema vakavimba naJesu ndokubva vava vateveri vake. Vanhu ava vakagamuchira Mweya Mutsvene waMwari, kazhinji vaisangana semhuri huru imwe chete uye ndiwo akava mavambo ekereke yaKristu. Munguva yakatevera vanhu ava vakanzi vaKristu. Vakagoverana pfuma yavo, uye vakachengetana. Zuva rimwe nerimwe vakaenda kutemberi huru yaMwari muJerusarema. Imomo vakanyengetera vakarumbidza Mwari pamwe chete. Vadzidzi, avo vakanga vava vapostori, vakavadzidzisa kubva muShoko raMwari. VaKristu vakasanganawo mudzimba dzavo, vakadya pamwe chete. Nguva nenguva vakamedura chingwa uye vakanwa waini panguva yokudya Chirariro chaIshe chinokosha. Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vaite saizvozvi. Usiku hwakateverwa nezuva rokurovererwa kwake, akadya navadzidzi vake uye akatenda Mwari, akatora chingwa, ndokuchimedura ndokupa zvimedu kuvadzidzi vake. Chingwa chakanga chiri mucherechedzo womuviri waJesu waizomedurwa nokuda kwavo pamuchinjikwa. Saizvozvo, Jesu akatorawo mukombe wewaini ndokuupa kuvadzidzi vake kuti vanwe. Waini iyi yaizovayeuchidza ropa rake raizodeurwa pamuchinjikwa nokuda kwavo. Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vaite izvi vachimuyeuka.

Naizvozvo munhu wose anovimba naIshe Jesu uye achimuteerera achachengetawo chirariro chaIshe nokuti Shoko raMwari rinoti, "... nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka." (1 VaKorinde 11:26)

Mufananidzo 5: Mupemhi Chirema Anoporeswa

Mufananidzo 5: Mupemhi Chirema Anoporeswa

Mabasa 3:1 - 4:4

Rimwe zuva Petro naJohani vakaenda kutemberi kundonyengetera kuna Mwari. Paiva nomupemhi aigara pamukova wetemberi. Akanga ari chirema kubvira pakuberekwa kwake uye akanga aingagoni kufamba.
Akakumbira mari kubva kuna Petro naJohani. Petro akati kwaari, "Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe!" Petro akabata ruoko rworudyi rwomurume ndokumubatsira kuti asimuke. Pakarepo tsoka dzomurume namakumbo ake zvakasimba. Akapinda mutemberi yaMwari pamwe chete naPetro naJohani. Akanga achisvetuka-svetuka achirumbidza Mwari. Haasi Petro akaporesa murume uyu. Kutenda kuna Jesu uye nesimba roMweya Mutsvene waMwari ndizvo zvakamuporesa. Akanga agamuchira chipo chinopfuura mari.

Mufananidzo 6: Murume Nomukadzi Vakareva Nhema

Mufananidzo 6: Murume Nomukadzi Vakareva Nhema

Mabasa 4:32-36, 5:1-11

Mumwe murume ainzi Bhanabhasi akatengesa munda wake ndokupa mari yacho kukereke kuti ibatsire varombo. Mumwewo murume ainzi Ananiasi nomukadzi wake ainzi Safira, vakafunga kuita zvimwe chetezvo. Asi Ananiasi akazvichengetera iye nomukadzi wake chimwe chikamu chemari. Akauya kuna Petro nechimwe chikamu chete chemari. Ipapo akareva nhema kuna Petro, akamuudza kuti mari yaaiva nayo ndiyo yose yavakanga vawana. Petro akaziva kuti Ananiasi akanga areva nhema ndokuti kwaari, "Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? ... Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari."
Pakarepo Ananiasi akawira pasi afa. Mamwe majaya akamutakura ndokuenda kundomuviga. Mushure menguva Safira akasvikopinda. Haana kuziva zvakanga zvaitika kuna Ananiasi. Safira akarevawo nhema kuna Petro nezvemari. Saka Petro akati kwaari, "Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo." Pakarepo akawira pasi patsoka dzaPetro ndokufa.

Tinofanira kupa avo vanoshayiwa, asi hatifaniri kureva nhema kuna Mwari kana kuna ani zvake. Mwari anoziva pfungwa dzakanaka uye nedzakaipa mukati medu tose.

Mufananidzo 7: Sitefani Anourayiwa

Mufananidzo 7: Sitefani Anourayiwa

Mabasa 6:1-8:3

Tarira! Vanhu vari kutaka mumwe murume ainzi Sitefani namabwe. Aishanda somutungamiri mukereke, achibatsira varombo muJerusarema. Akadzidzisa Shoko raMwari asingatyi uye akaita zvishamiso nesimba roMweya Mutsvene. Asi vamwe vaJudha vakamupikisa. Vakaendesa Sitefani kudare ndokumupomera mhosva dzenhema dzokuti ainge atuka Mwari uye kuti akataura zvaipikisa Shoko raMwari. Asi Sitefani haana kutya, nokuti Mwari akapa Sitefani simba kubudikidza noMweya Mutsvene wake. Sitefani akaudza vaJudha kuti vakanga vauraya Jesu iye akanga auya kuzopa vanhu upenyu husingaperi. VaJudha vakatsamwa zvokuti vakakwevera Sitefani kunze kweguta ndokutanga kumutaka namabwe. Vachimutaka namabwe kudaro Sitefani akanyengetera achiti, "Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu." Ava kufa akadanidzira achiti, "Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi." Varume vakataka Sitefani namabwe vakaisa nguo dzavo patsoka dzejaya rechiJudha rainzi Sauro. Sauro akanga achibvumirana nokuurayiwa kwaSitefani. Kunyange nanhasi, vanhu vanoda kukudza uye nokushandira Jesu, vanotambudzwa navanhu vakaipa. Asi Mwari noMweya Mutsvene wake haasi kuzovasiya vari voga, kunyange vanhu vakavauraya.

Mufananidzo 8: Murume Aibva Kuetiopia

Mufananidzo 8: Murume Aibva Kuetiopia

Mabasa 8:4-8, 26-40

Zuva iroro Sauro navamwe vavengi vekereke yaKristu vakatanga kutambudza chaizvo vatendi muJerusarema zvokuti vazhinji vakatiza kubva muguta.
Mumwe murume ainzi Firipi akaenda kuguta reSamaria. Ikoko akaudza vanhu vazhinji nhau dzakanaka dzezvaJesu uye vazhinji vakatenda. Ipapo, kubudikidza nomutumwa, Mwari akaudza Firipi kuti aende kunzira yokugwenga yaibva kuJerusarema ichienda kuGaza. Firipi akateerera Mwari. Mumufananidzo uyu tinoona murume anokosha uyu aibva kunyika yeEtiopia. Akanga achifamba rwendo ari mungoro yake. Akanga achiverenga Shoko raMwari nezvomumwe aizotambudzika iye asina chaatadza, asi muEtiopia akanga asinganzwisisi zvaakanga achiverenga. Mweya waMwari wakaudza Firipi kuti aende kungoro. Firipi akamhanya uye akanzwa zvaiverengwa nomurume uyu. Ipapo akatanga kutsanangurira muEtiopia nezvaIshe Jesu akanga atumwa naMwari. MuEtiopia akadawo kutevera Jesu. Pavakanga vachifamba pamwe chete muEtiopia akati kuna Firipi, "Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?" Firipi akabhabhatidza muEtiopia, muEtiopia ndokudzokera kunyika yake nomufaro mukuru. Firipi akaenda mberi akandoparidza nhau dzakanaka kumaguta mazhinji.

SaFiripi, tinofanira kuteerera uye tigoudza vamwe nezvaJesu, kuitira kuti vagovimba naye uye vagova noupenyu husingaperi.

Mufananidzo 9: Chiratidzo Chapetro Chemhuka

Mufananidzo 9: Chiratidzo Chapetro Chemhuka

Mabasa 10:9-18

Rimwe zuva Petro akaenda padenga reimba kundonyengeterara. Ari ipapo akatanga kunzwa nzara akashaya chaangadya. Panguva iyoyo akaona chiratidzo chinoshamisa, chakanga chabva kuna Mwari. Akaona jira guru richibva kudenga rine mhando dzose dzemhuka. Izwi rakati kuna Petro, "Simuka, Petro. Baya udye." Petro akanga ari muJudha uye murayiro wechiJudha waiti mhuka dzaakaona dzakanga dzisina kuchena, uye dzakanga dzisingafaniri kudyiwa. Saka Petro akapindura achiti, "Zvirokwazvo, kwete Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka chine tsvina." Ipapo akanzwa izwi richiti, "Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina." Izvi zvakaitika katatu uye jira ndokudzoserwa kudenga. Petro paakanga achishamisika kuti chiratidzo ichi chairevei, varume vatatu vakasvika pamba vachimutsvaka.

Mufananidzo 10: Nhau Dzakanaka Kundudzi Dzose

Mufananidzo 10: Nhau Dzakanaka Kundudzi Dzose

Mabasa 10:1-8, 19-48

Varume vatatu ava vaibva kune rimwe guta uye vakanga vatumwa nomumwe murume ainzi Koniriasi. Koniriasi akanga ari mutungamiri wehondo yavaRoma. Aida kukudza Mwari uye nokumushumira. Mutumwa waMwari akazviratidza kwaari ndokumuudza kuti aende kundotsvaga Petro. VaJudha vaiona vaRoma savanhu vakanga vasina kuchena, asi Mwari akaratidza Petro muchiratidzo kuti akanga asingafaniri kuona munhu upi zvake somunhu akanga asina kuchena.

Mwari anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, avo vanomutya uye vanoita zvakanaka. Petro akaenda navarume ava kumba kwomurwi wechiRoma uyu. Koniriasi paakaona Petro, akawira pasi patsoka dzaPetro achimuremekedza, asi Petro akati, "Simuka, ndinongova munhuwo zvangu. ... Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?" Koniriasi akaudza Petro nezvomutumwa. Ipapo Petro akaudza Koniriasi nezvaJesu uyo anoratidza Mwari kuvanhu. Koniriasi nemhuri yake vakatenda kuna Jesu, ndokugamuchira Mweya Mutsvene waMwari uye vakava vashandi vaMwari.

Mwari anoda vanhu vose, zvisinei kuti mutauro wavo ndoupi, rudzi rwavo kana ruvara rweganda ravo. Jesu haana kuuya kuzoporesa vanhu vechiJudha chete. Anoda kupa upenyu husingaperi kuvanhu vose. Anoda kuti ndudzi dzose dzivimbe naye uye dzimushumire.

Mufananidzo 11: Petro Mutorongo

Mufananidzo 11: Petro Mutorongo

Mabasa 12:1-11

Herodhi pachake, mambo wavaJudha, akatanga kutambudza vateveri vaJesu, iyo Kereke yaKristu. Akaita kuti mupostori Jakobho aurayiwe, uye akaendesa Petro kutorongo. Humwe usiku Petro, akanga akasungwa nengetani mbiri, uye avete pakati pavarindi vaviri. Pakarepo mumwe mutumwa akamutsa Petro ndokuti, "Kurumidza, muka!" Pakarepo ngetani dzakawa kubva pamaoko aPetro. Akatevera mutumwa ndokubuda mutorongo. Suo resimbi retorongo rakazaruka roga uye hapana akavadzivisa. Petro akafunga kuti zvose zvakanga zviri kurota, kusvikira atova kunze kumugwagwa, uye ipapo mutumwa akanyangarika.

Mufananidzo 12: Petro Neshamwari Dzake Pakunyengetera

Mufananidzo 12: Petro Neshamwari Dzake Pakunyengetera

Mabasa 12:12-19

Petro paakangobuda mutorongo akabva angonanga kumba kwaMaria, amai vomumwe wavapostori. Vazhinji pakati pavatendi vakanga varipo usiku ihwohwo, vachinyengeterera Petro. Petro akagogodza pasuo rokunze, murandakadzi ainzi Rodha ndokuenda kundozarura. Paakanzwa izwi raPetro, haana kuzarura suo, asi akamhanya kundoudza vamwe kuti, "Petro ari pamukova!" Havana kutenda mashoko ake ndokubva vati kwaari, "Wava kupenga." Asi Petro akaramba achigogodza. Pavakazarura mukova vakamuona akamirapo, vakashamiswa kwazvo. Petro akavaudza kuti Mwari akanga apindura sei minyengetero yavo nokumusunungura kubva mutorongo.

Vatendi vanofanira kuungana pamwe chete nguva nenguva kuti vanyengetere. Mwari anonzwa uye anopindura minyengetero yeavo vanotenda kwaari. Pane imwe nguva Jesu akati, " ... kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu , neni ndiripo pakati pavo." (Mate. 18:19-20)

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Mumifananidzo inotevera, ndichakuudza nezvomumwe murume ainzi Sauro, murume akanga aripo pakuurayiwa kwaSitefani. Ipapo Sauro akafunga zvokuenda kuguta rainzi Dhamasiko. Aida kundosunga vatendi kuti avaise mutorongo ikoko. Ari munzira chimwe chishamiso chakaitika.

Mufananidzo 13: Chiedza Neizwi Zvakabva Kudenga

Mufananidzo 13: Chiedza Neizwi Zvakabva Kudenga

Mabasa 9:1-9

Chiedza chikuru kwazvo chakapenya kubva kudenga Sauro ndokuwira pasi. Izwi rakataura kwaari richiti, "Sauro, Sauro unonditambudzireiko?" Sauro akabvunza akati, "Ndimi aniko, Ishe?" Izwi rakati, "Ndini Jesu, wauri kutambudza, ..." Varume vakanga vana Sauro vakanzwawo izwi, asi hapana chavakaona. Sauro akasimuka, asi akanga ava bofu. Varume vakatoita zvokumutungamirira noruoko kuti apinde muguta reDhamasiko. Kwamazuva matatu Sauro akanga ari bofu. Haana chaakadya kana kunwa. Hongu, Sauro akanga aita zvinhu noutsinye kuvateveri vaJesu. Asi Mwari anogona kupindura munhu upi zvake.

Mufananidzo 14: Sauro Bofu Naananiasi

Mufananidzo 14: Sauro Bofu Naananiasi

Mabasa 9:10-20

Pano tinoona Sauro ava bofu ari mumba muDhamasiko. Mwari akatuma mumwe murume ainzi Ananiasi kwaari. Ananiasi akanga ari mutendi uye nomuteveri waJesu Kristu. Aiziva kuti Sauro akanga aita zvinhu zvakaipa kwazvo kuvatendi muJerusarema. Kunyange zvakadaro, Ananiasi akateerera Mwari ndokuenda kuna Sauro. Ananiasi akati kuna Sauro, "Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene." Ananiasi akaisa maoko pamusoro paSauro, pakarepo akagona kuonazve. Akagamuchira Mweya Mutsvene kubva kuna Mwari akabhabhatidzwa kuti aratidze vanhu kuti akanga ava muteveri waJesu. Ipapo Sauro akaenda kuvaJudha ndokuvaudza nezvaJesu.

SaAnaniasi tinofanira kuteerera Mwari uye tigorega kutya vanhu. Ipapo Mwari achatishandisa kuti tiudze vamwe kuti vangaponeswa sei.

Mufananidzo 15: Kereke Yainyengetera Yakatuma Vanhu Kundoparidza Shoko Kune Dzimwe Nyika

Mufananidzo 15: Kereke Yainyengetera Yakatuma Vanhu Kundoparidza Shoko Kune Dzimwe Nyika

Mabasa 11:25-26, 13:1-3

Muguta rainzi Andioki, chikwata chavatendi chakaungana kuti vanamanate Mwari. Chikwata chavanhu ichi chaiva kereke yepaAndioki. Vakanzi vaKristu. Sauro akaenda naBhanabhasi kundodzidzisa vanhu ikoko. Rimwe zuva vatungamiri vekereke vakatsanya uye vakanyengetera pamwe chete. Mweya Mutsvene akataura kwavari achiti, "Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira." Mwari aida kuti Sauro naBhanabhasi vaende kuvanhu vakanga vasati vanzwa nezvaJesu. Mumufananidzo uyu uri kuona Sauro naBhanabhasi vakapfugama. Vatungamiri vekereke vakaisa maoko avo pamusoro pavo ndokuvanyengeterera. Mushure maizvozvo vakatuma Sauro naBhanabhasi kundodzidzisa nhau dzakanaka dzezvaJesu kunzvimbo dzakanga dziri kure neAndioki.

Shoko raMwari rinotirayira kuti, "Endai munyika yoswe muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose." (Mako 16:15)

Mufananidzo 16: Pauro Anoparidza Nezvajesu

Mufananidzo 16: Pauro Anoparidza Nezvajesu

Mabasa 13:4-52

Sauro naBhanabhasi vakaenda kumaguta nemisha mizhinji kunzvimbo dzakanga dziri kure. Kubvira panguva iyi Sauro akanga ava kunzi Pauro. Vakasangana navanhu vechiJudha mudzimba dzavo dzomunyengetero, sezvaunoona pano. Vakavadzidzisa vachiti, "Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akavaita rudzi rukuru. Akavapa vaprofita vakuru, vatungamiri uye navadzidzisi. Vakataura nezvaIye aizouya kuzovaponesa kubva kuchivi. Ndiye Ishe Jesu. Jesu paakauya, vazhinji pakati pavaJudha havana kutenda kwaari. Havana kunzwisisa kuti akanga ari ani uye havana kuda kumunamata, iye akanga atumwa naMwari." Pauro naBhanabhasi vakadzidzisawo vanhu kuti kunyange zvazvo Jesu asina chaakakanganisa, akaurayiwa. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Haachazofa zvakare.

Munhu wose anovimba naJesu, anogamuchirwa naMwari, uye ukama hwake naMwari hunova hwakanaka. Asi avo vanokahadzika pamusoro pechokwadi chaMwari, vacharangwa naMwari. Vamwe pakati pavaJudha uye navanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakatenda shoko iri uye dzimwe kereke zhinji dzikatangwa, asi vamwewo havana kutenda.

Vanhu havasi kuzotenda kwatiri patinovaudza nezvaJesu. Asi Mwari anoda kuti vanhu vose vanzwe nhau dzakanaka dzezvaJesu uye vagotenda kwaari, vagoponeswa.

Mufananidzo 17: Mwari Anotungamirira Pauro Zvakare

Mufananidzo 17: Mwari Anotungamirira Pauro Zvakare

Mabasa 16:6-10

Mushure mamakore mazhinji Pauro akashanyira kereke idzi zvakare. Akatora vamwe varume vashoma ndokuenda navo, pamwe chete nomumwe murume ainzi Sirasi. Vaida kuenda kunyika yainzi Bhitinia, Asi Mweya waJesu wakavadzivisa. Usiku ihwohwo Pauro akaona chiratidzo. Muchiratidzo ichi akaona mumwe murume wokunyika yokuMasedhonia achiti kwaari, "Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira." Pakarepo Pauro akaziva kuti Mwari akanga amudana kuti aende kuMasedhonia.

Mwari achatungamirira avo vanoda kutevera Jesu. Pane dzimwe nguva anotitungamirira nehope kana zviratidzo, asi kazhinji Mwari anotitungamirira kubudikidza namashoko ari muBhuku rake, Bhaibheri, uye kubudikidza noMweya Mutsvene mumwoyo yedu. Vatendi vanofanira kukumbira Mwari kuti avatungamirire mune zvose zvavanoita. Vanofanira kuvimba naye uye vagomuteerera.

Mufananidzo 18: Pauro Nasirasi Nokudengenyeka Kwenyika

Mufananidzo 18: Pauro Nasirasi Nokudengenyeka Kwenyika

Mabasa 16:16-35

Pauro naSirasi vakateerera Mwari uye vakaenda kuFiripi kuMasedhonia. Ikoko vakadzidzisa vanhu nezvaJesu. MuZita raJesu vakadzinga mweya wakaipa wakanga uri mune mumwe musikana. Izvi zvakaita kuti vanhu vazhinji vashatirwe uye Pauro naSirasi vakarohwa ndokukandwa mutorongo. Pakati pousiku vakanga vachinyengetera uye vachiimba, vachirumbidza Mwari, vari mutorongo. Pakarepo, kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika. Masuo akazaruka uye ngetani dzavasungwa vose dzikasununguka. Muchengeti wetorongo akafunga kuti vasungwa vose vakanga vapunyuka. Akatya zvokuti akasarudza kuzviuraya. Ipapo Pauro akadana kwaari achiti, "Usazvikuvadza! Tiro Tiri muno tose!" Muchengeti wetorongo akabudisa Pauro naSirasi ndokuvabvunza achiti, "Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?" Vakapindura vachiti, "Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako yose." Muchengeti wetorongo neimba yake yose vakaisa kutenda kwavo kuna Ishe Jesu uye vakava nomufaro mukuru. Muchengeti wetorongo akachengeta Pauro naSirasi uye mangwanani akatevera vakasunungurwa. Vakabuda murusununguko. Kunyange munguva dzakaoma tinofanira kuramba tichirumbidza Mwari.

Kana tikavimba naye uye tikateerera Shoko rake, tichagona kumushumira kwose kwatinenge tiri.

Mufananidzo 19: Pauro Nearitari Yamwari Asingazivikanwi

Mufananidzo 19: Pauro Nearitari Yamwari Asingazivikanwi

Mabasa 17:16-34

Mumufananidzo uyu Pauro akatarisa imwe aritari. Mashoko akanyorwa anoreva kuti 'kuna mwari asingazivikanwi.' Aritari iyi yaiva muguta reAteni. Maiva nezvifananidzo zvakawanda, nokuti vanhu veAteni vainamata vamwari vakasiyana-siyana. (Vanhu pavanoita chimwe chinhu uye vagochinamata, ipapo chinenge chava chifananidzo chavo). Vakanga vasingazivi Mwari wechokwadi mupenyu. Varume veAteni vakada kuziva kuti Pauro aidzidzisa nezvei, saka akati kwavari, "Varume veAteni! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru. Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaona kunyange nearitari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai. (Zvino ndinoda kuudzai nezvaMwari, uyu Wamusingazivi.)" Pauro akavaudza nezvaMwari wechokwadi iye akaita zvinhu zvose. Ndiye Ishe wedenga nenyika. Haagari mutemberi dzakagadzirwa namaoko avanhu.
Pauro akavaudza kuti vaigona kudzidza uye vagoziva nezvaMwari kubudikidza naIshe Jesu, uyo akamutswa naMwari kubva kuvakafa.
Vamwe vakaseka Pauro, asi vamwe vakada kudzidza zvimwe nezvaJesu Kristu, uye vamwe vakatenda kwaari.

Jesu Kristu ndiye Muponesi mumwe chete. Hakuna mwari kana chinamato chingagona kuponesa vanhu kubva kuzvivi zvavo. (Mabasa 4:12)

Ngatifananei naPauro tigovimba naIshe Jesu. Kana tikavimba naye, hatizotyi kuudza vamwe vanhu nezvake, kuitira kuti vagomushumirawo. Ipapo vachagonawo kugadzirira kuuya kwake panyika kuzotonga vanhu vose.

Mufananidzo 20: Pauro Anoendeswa Kudare

Mufananidzo 20: Pauro Anoendeswa Kudare

Mabasa 18:1-17

Sezvaunona mumufananidzo uyu, Pauro ava munjodzi. Ari muguta reKorinde. Muguta iri makanga mune vanhu vakaipa vakawanda. VaJudha vomuKorinde vakapikisawo Pauro, nokuti akanga avaudza kuti Jesu aiva iye Kristu (Mesiya). Humwe usiku Ishe JesuLord akataura kuna Pauro achiti, "Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara. Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino." Saka akagara muKorinde achidzidzisa vanhu, uye vazhinji vakatenda shoko. Asi vaJudha vakamupikisa nokuti vakamuitira godo. Rimwe zuva vakarwisa Pauro ndokumuendesa kudare. Vakamupa mhosva yokudzidzisa zvinhu zvisiri izvo. Kunyange zvakadaro, mubati haana kuvateerera ndokubva avabudisa mudare. Kunze kwedare vaJudha ava vakanga vashatirwa kwazvo vakarova mumwe mutungamiri wechiJudha aitendawo kuna Jesu. Asi Pauro akapunyuka asina kukuvadzwa ndokuramba achitaura nezvaJesu, zvisinei kuti aipikiswa.

Mufananidzo 21: Varwi Vanonunura Pauro Kubva Kuvavengi Vake

Mufananidzo 21: Varwi Vanonunura Pauro Kubva Kuvavengi Vake

Mabasa 21:1 - 22:24

Pauro akadzoka kubva kundoshanyira kereke itsva. Akakurudzira vatendi kuti varambe vachitevera Jesu. Vamwe vatendi vakakumbirisa Pauro kuti asaenda kuJerusarema zvakare. Vaiziva kuti vavengi vake vazhinji vaizenge variko uye vaizoda kumuuraya. Asi Pauro akati, "Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu." Pavakasvika muJerusarema, vaJudha vakamutsa vanhu kuti vamurwise. Vanhu vazhinji vakaedza kumuuraya mumugwagwa. Vamwe varwi vechiRoma vakatora Pauro ndokumubvisa pakati pavanhu vakanga vashatirwa kwazvo. Pauro akaenda akandomira pamatanho aiva kunze kweimba yavarwi. Akataura kuvanhu. Asi vakatotanga kudanidzira vachiti, "Muurayei! Haafaniri kurarama!" Varwi vakatozoita zvokutora Pauro vachimuendesa kutorongo kuti vamuponese kubva kuvanhu. Pauro akanga asingatyi kufa.
Aiziva kuti mubayiro mukuru wakanga wakamirira kudenga avo vose vaizotambudzika nokuda kwaJesu.

Mufananidzo 22: Pauro Anoparidzira Vanhu Vanokosha

Mufananidzo 22: Pauro Anoparidzira Vanhu Vanokosha

Mabasa 23:11, 25 - 26

Imomo muJerusarema Ishe akazviratidza kuna Pauro ndokuti kwaari, "Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma." Vatungamiri vechiJudha vakapomera Pauro mhosva pamberi pomubati wechiRoma ndokuendesa Pauro kuna Agiripa mambo wavaJudha. Pauro haana kutya munhu. Akaudza mubati, mambo uye navahosi nezvaJesu. Akavaudza kuti Jesu akanga azviratidza kwaari sei munzira yokuenda kuDhamasiko uye kuti Jesu akanga amutuma sei kundotaura nhau dzakanaka kuvanhu kwose kwose. Mambo Agiripa akatosvika pakuda kuti atende kuna Jesu. Aiziva kuti Pauro akanga asina chaakanga atadza. Pauro akazviisa kumutongi woumambo kuRoma. Aida kuti agotongwa nedare romutongi weRoma ikoko. Agiripa akabvumira Pauro kuti aende. Guta reRoma ndiro rakanga riri guta guru munyika yose panguva iyoyo uye mutongi wechiRoma, ndiye aiva mutongi aikosha kupfuura vose uye iaigara ikoko. Mwari akanga ane urongwa hunokosha pamusoro poupenyu hwaPauro.

Mufananidzo 23: Pauro Munjodzi

Mufananidzo 23: Pauro Munjodzi

Mabasa 27:13-44

Varwi vakatora Pauro ndokuenda naye kuRoma pamwe chete navamwe vasungwa. Vaifanira kufamba rwendo rwavo vari muchikepe chidiki uye vagoyambuka gungwa. Kwamazuva gumi namasere chikepe chakafamba mudutu guru. Vanhu vaiva muchikepe vakafunga kuti vakanga vava kuzofa. Mutumwa waMwari akataura kuna Pauro akati, "Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari (mambo wavaRoma); uye Mwari nenyasha dzake akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe." Mushure mechinguva chikepe chakasvika pedyo nenyika yakaoma ndokubva chatanga kupwanyika chichiita zvimedu zvimedu mumvura yakanga isina kunyanya kudzika. Vamwe vakashambira, vamwe vakabatirira pamapuranga echikepe, vose ndokukwanisa kusvika kunyika yakaoma.

Kubva pane izvozvi tinodzidza kuti kana Mwari ane basa rokuti tiite, ane simba rokutidzivirira kubva kunjodzi dzose.

Mufananidzo 24: Pauro Somusungwa Muguta Reroma

Mufananidzo 24: Pauro Somusungwa Muguta Reroma

Mabasa 28:16-31; VaRoma 8:38-39

Pano tinoona Pauro ari muguta reRoma. Imomo akagara ari musungwa kwamakore maviri. Akabvumirwa kugara mumba yake yaairipira uye aine murwi wechiRoma aimuchengeta. Akagamuchira vose vakauya kuzomushanyira. Akavadzidzisa nezvoumambo hwaMwari uye nezvaIshe Jesu. Pauro akanyorawo tsamba kukereke dzaakanga ashanyira asati asungwa, kuti avadzidzise zvimwe. Tsamba idzi dziri muBhaibheri kuti vanhu vose vadzidze nzira dzaMwari. Pauro akatambudzika kwazvo nokuda kwaJesu (uye nevhangeri). Akarohwa uye akatakwa namabwe, akanzwa nzara uye akashaya pokugara kakawanda. Pakupedzisira akaurayiwa navaRoma. Asi mune imwe tsamba yaakanyora kuvatendi vokuRoma akanga ati, "... Ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira kana kwakadzika, kana chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose,hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu."

Mwari anopa simba kuna vose vanotenda kuna Jesu Kristu uye vanomushumira. Ngatipei upenyu hwedu kwaari. Ngatimushumirei uye tiparadzire shoko rake kuitira kuti nyika yose izive kuti Jesu anoita kuti tive noupenyu husingaperi naMwari.

ബന്ധപ്പെട്ട വിവരങ്ങൾ

Free downloads - Here you can find all the main GRN message scripts in several languages, plus pictures and other related materials, available for download.

The GRN Audio Library - Evangelistic and basic Bible teaching material appropriate to the people's need and culture in a variety of styles and formats.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?