Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 2: Mhare Dzamwari

Tarisa, Teerera & Urarame Bhuku 2: Mhare Dzamwari

Outline: Jacob, Joseph, Moses. 24 sections. It has a picture book to go along with the recording.

Script Number: 419

Language: Shona

Theme: Sin and Satan (Deliverance, Judgement, Sin, disobedience); Christ (Jesus, Our Substitute, Sacrifice / Atonement); Eternal life (Salvation); Character of God (Nature, character of God, Word of God (the Bible)); Living as a Christian (Obedience, No other gods, idols, Forgiveness, Faith, trust, believe in Jesus); Bible timeline (Law of God, Gospel, Good News); Problems (Problems, troubles, worries)

Audience: General

Style: Monolog

Genre: Bible Stories & Teac

Purpose: Teaching

Bible Quotation: Paraphrase

Status: Publishable

Script Text

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Kwaziwa. Mwari mumwe chete wechokwadi unomuziva here? Rega ndikuudze nezvevamwe varume vaimuziva. Tarisa mifananidzo iri mubhuku roruvara rweranjisi paunenge uchiteerera kukaseti uye uyeuke kuenda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 1: Mukoma Nomunun’Una

Mufananidzo 1: Mukoma Nomunun’Una

Genesisi 25:21-34, 27:1-29

Mukoma nomunun'una vari mumufananidzo vari kutengeserana. Uyo ainzi Esau akanga ari muvhimi mukuru. Jakobho, munun'una wake akanga abika zvokudya zvakanaka kwazvo. Esau akangawo ane nzara kwazvo. Akanga achangobva musango uye akakumbira Jakobho zvokudya. Jakobho akati kuna Esau, "Tanga wanditengesera udangwe hwako." Zita raJakobho rinoreva 'munyengeri' uye zvakanga zviri maari kunyengera vamwe. Aida pfuma yenhaka, yaifanira kupiwa mukoma wake Esau. Esau akanga asina hanya nenhaka yake. Aingofunga zvedumbu rake rakanga risisina chinhu. Saka akatengesa nhaka yake yokuberekwa nayo nokuda kwezvokudya zvomusi mumwe chete.

Mufananidzo 2: Hope Dzajakobho

Mufananidzo 2: Hope Dzajakobho

Genesisi 28:10-22

Kubva pazuva iroro Esau akavenga Jakobho. Akada kumuuraya, saka Jakobho akatoita zvokutiza kubva pamusha pavo. Hwava usiku akavata padivi pomugwagwa ndokubatwa nehope. Akarota hope. Akaona Mwari kudenga uye akaona vatumwa vaMwari vachiuya panyika. Mwari akati kuna Jakobho, "Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi. Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, ... Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza newe navana vako. Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwauonenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakuvimbisa." Mwari aiziva kuti Jakobho akanga ari munyengeri, asi Mwari aida Jakobho uye aida kuti apinduke. Naizvozvo Mwari akamupa zvivimbiso zvinoshamisa izvi.

Mufananidzo 3: Jakobho Naand Rabhani

Mufananidzo 3: Jakobho Naand Rabhani

Genesisi 29:1 - 31:55

Jakobho akaenda akandoshandira sekuru vake, Rabhani. Akadawo kuwana mwanasikana mudiki waRabhani ainzi Rakeri. Akashanda kwamakore manomwe kuti agopiwa mukadzi. Ipapo Rabhani akanyengera Jakobho nokuti akamupa mwanasikana wake mukuru pachinzvimbo chomudiki. Rabhani akaita kuti Jakobho ashandire Rakeri kwamamwe makore manomwe. Jakobho akazonyengerawo Rabhani. Akazviwanira zvipfuwo zvakanyanyisa kunaka kubva pazvipfuwo zvaRabhani somubayiro wokushandira Rabhani. Jakobho akanzwa kuti vanakomana Rabhani vakanga vava kuti, "Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu." Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga. Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, "Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe."

Mufananidzo 4: Jakobho Anosangana Namwari

Mufananidzo 4: Jakobho Anosangana Namwari

Genesisi 32:1-32

Jakobho aida kudzokera kumusha asi aitya Esau, nokuti avo vanonyengera vamwe kazhinji vanorarama upenyu hwokutya kutsiviwa. Humwe usiku ari munzira, mumwe murume akauya kuna Jakobho. Akaita mutsimba naJakobho usiku hwose. Utongwa pahwakanga hwotsvuka, murume uya akashodogora hudyu yaJakobho. Akati kuna Jakobho, "Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka." Asi Jakobho akapindura akati, "Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza." Saka murume uya akati kuna Jakobho, "Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, ..." Israeri zvinoreva kuti 'anorwa naMwari'. Ipapo akamuropafadza. Jakobho akati, "... Ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa."

Mwari akauya kuzoita kuti Jakobho 'munyengeri' ashaye simba, kuitira kuti agomupindura. Israeri akadzokera kumhuri yake norugare. Akava baba vorudzi rukuru rwavanhu vanonamata Mwari.

Mufananidzo 5: Chiroto Chajosefa

Mufananidzo 5: Chiroto Chajosefa

Genesisi 37:1-11

Jakobho, uyo akanga apiwa zita rokuti Israeri naMwari, akanga ane vanakomana gumi navaviri. Mwanakomana waaidisisa ainzi Josefa. Jakobho akapa Josefa nguo yakaisvonaka. Madzikoma aJosefa akamuitira godo. Humwe usiku Josefa akarota hope uye akati kumadzikoma ake: "Inzwai hope dzandakarota idzi: Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamira chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu zvikakotama kwachiri." Madzikoma vakashatirwa kwazvo. Hope idzi dzaireva here kuti vaizokotamira munun'una wavo? Vakavenga Josefa uye vakatsvaga mukana wokuti vamukuvadze.

Mufananidzo 6: Josefa Anotengeswa

Mufananidzo 6: Josefa Anotengeswa

Genesisi 37:12-36

Madzikoma aJosefa akanga achifudza makwai kure nomusha wavo. Jakobho akati kuna Josefa, "Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, uye ugodzoka kwandiri neshoko." Madzikoma paakaona Josefa achiuya, vakafunga zvokumuuraya. Vakamubvisa nguo yake yakanga yakanakisisa ndokumukanda mutsime rakanga risina mvura. Ipapo mumwe mukoma akati, "Tichawaneiko kana tikauraya munun'una wedu?... ngatimutengesei." Pakarepo vamwe vashambadziri vakasvika. Saka madzikoma akatengesa Josefa (namakumi maviri esirivha). Mushure maizvozvo vakadira ropa rembudzi panguo yaJosefa ndokuenda nayo kuna baba vavo.
Jakobho akafunga kuti Josefa akanga aurayiwa nemhuka yomusango. Akamuchema nokusuwa kukuru.

Mufananidzo 7: Josefa Nomukadzi Akanga Akaipa

Mufananidzo 7: Josefa Nomukadzi Akanga Akaipa

Genesisi 39:1-20

Vashambadziri vakatengesa Josefa munyika yeIjipiti. Imomo akava muranda womumwe murume ainzi Potifa. Potifa akanga ari mumwe wamachinda (vashandi vamapamusoro muhurumende) amambo weIjipiti. Mwari akanga ana Josefa uye akabudirira mune zvose zvaakaita. Munguva shoma shoma, akaitwa mutariri weimba yaPotifa. Josefa akanga ari jaya rakanga rakarurama. Mukadzi waPotifa akamuda kuti ave wake. Akaedza kumanikidza Josefa kuti avate naye. Josefa aiziva kuti izvozvo zvakanga zvakaipa ndokubva aramba. Saka rimwe zuva akabata jasi rake ndokuti, "Uya kumubhedha uzovata neni!" Asi Josefa akasiya jasi rake ndokubva atiza achibuda mumba. Mukadzi akatora jasi ndokuenda naro kumurume wake ndokupomera Josefa mhosva yokuedza kuda kuvata naye. Saka Potifa akaita kuti Josefa aendeswe kutorongo.

Mufananidzo 8: Josefa Ari Mutorongo

Mufananidzo 8: Josefa Ari Mutorongo

Genesisi 39:20 - 40:23

Mwari akanga ana Josefa, kunyange nomutorongo. Munguva shoma shoma Josefa akaitwa mutariri wavasungwa vose. Muranda wamambo aiva mudiri wewaini yamambo, uye nomubiki wechingwa chamambo, vakakandwawo mutorongo. Humwe usiku vose vari vaviri vakarota hope. Asi vakafunga kuti hapana munhu aigona kuvatsanangurira zvadzaireva. Asi Josefa akati kwavari, "Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu." Saka muranda wokutanga akati kuna Josefa, "Mukurota kwangu ndaona muzambiringa wanga une matavi matatu. Ndatora mazambiringa ndokubva ndaasvinira mumukombe wamambo uye ndikaupa kuna mambo." Josefa akamuudza zvaireva hope, achiti, "Mumazuva matatu mambo achaita kuti usunungurwe uye achakudzosera basa rako." Mubiki akaudzawo Josefa hope dzake, asi hope dzake dzaireva kuti mumazuva matatu aizourayiwa.
Mukati mamazuva matatu muranda akasunungurwa uye mubiki akaurayiwa sokuratidzwa kwazvakaitwa Josefa naMwari.

Mufananidzo 9: Chiroto Chamambo

Mufananidzo 9: Chiroto Chamambo

Genesisi 41:1-40

Josefa akaramba ari mutorongo kwamamwe makore maviri.
Zvino humwe usiku mambo weIjipiti akarotawo hope. Akaona mhou nomwe dzakakora pedyo norwizi. Mhou nomwe dzakaonda dzakabuda murwizi ndokudya mhou nomwe dzakakora. Hapana akagona kuudza mambo kuti hope dzake dzairevei.

Ipapo mudiri wamambo mukuru akaudza mambo nezvaJosefa. Mambo akarayira kuti Josefa abudiswe mutorongo. Josefa akaudza mambo kuti hope dzairevei, achiti, "Mwari akuratidzai zvaari kuzoita. Kuchava namakore manomwe amaguta; kuchava negohwo rakanaka muIjipiti. Mushure maizvozvo kuchava namakore manomwe enzara. Tsvagai murume ano uchenjeri wokuti atonge munyika yeIjipiti. Murume iyeye ngaave navabatsiri vashoma shoma uye agounganidza zvimwe zviyo kwamakore manomwe okukohwa kwakanaka uye agozvichengetera makore manomwe enzara munyika." Mambo akaona kuti Mweya waMwari wakanga uri muna Josefa, saka akamuita mutongi weIjipiti yose.

Mufananidzo 10: Kutonga Kwajosefa Muijipiti

Mufananidzo 10: Kutonga Kwajosefa Muijipiti

Genesisi 41:47 - 42:28

Munguva yamakore manomwe okukohwa kwakanaka muIjipiti, Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda. Makore manomwe enzara paakauya, akatengesera vanhu vomuIjipiti zviyo. Kwakava nenzarawo muKenani. Saka madzikoma gumi aJosefa akauya kuzotenga zviyo kuIjipiti. Havana kuziva kuti mutongi akanga ari Josefa, asi akavaziva. Akavapa mhosva yokuva vasori munyika achibva avaisa mutorongo. Mushure mamazuva matatu akati kwavari, "Kuti mundiratidze kuti muri vanhu vakatendeka, munofanira kuuya kuno kwandiri nomunun'una wenyu wokupedzisira, uya wamakandiudza nezvake." Akasara nomumwe wamadzikoma ake ndokubva aregedza vamwe kuti vaende nezviyo kumhuri dzavo.

Mufananidzo 11: Josefa Anozvibudisa Pachena Kumadzikoma Ake

Mufananidzo 11: Josefa Anozvibudisa Pachena Kumadzikoma Ake

Genesisi 43:1 - 45:27

Madzikoma aJosefa akatya kudzokera kuIjipiti asi munguva shoma shoma vakanga vava kutoda zvimwe zviyo. Saka vakatora Benjamini, munun'una wavo, mudiki kwavari vose, ndokudzokera kuna Josefa kuIjipiti. Josefa haana kuvaudza kuti aiva ani.

Akavatengesera zviyo asi akaudza mumwe wavaranda vake kuti adzosere mari yavo mumasaga avo, uye akaviga mukombe wake wesirivha musaga romunun'una wake. Mushure maizvozvo akatuma varanda vake kuti vavatevere vanovapa mhosva yokumubira. Madzikoma ake akadzokera pakarepo kumba kwaJosefa. Ikoko vose vakakotama pamberi paJosefa, sezvakaitwa nezvisote zvaJosefa muhope dzake kare kare, uye vakakumbira kuti avanzwire tsitsi. Josefa akachema nokuti akanga asisagoni kuvanza kuti aiva ani. Akati kwavari, "Ndini munun'una wenyu Josefa, uya wamakatengesa kuIjipiti." Akambundirawo Benjamini ndokuchema ndokumutsvoda iye namadzikoma ake. Josefa akavapa zvipo zvikuru uye akavapawo zvababa vavo. Josefa akavaudza kuti vaende vagodzoka kuIjipiti pamwe chete nemhuri dzavo uye nababa vavo. Madzikoma akadzokera kumusha ndokuudza baba vavo kuti, "Josefa mupenyu! ... ndiye mutongi weIjipiti yose!"

Mufananidzo 12: Jakobho Najosefa Muijipiti

Mufananidzo 12: Jakobho Najosefa Muijipiti

Genesisi 45:28 - 50:26

Jakobho akatora mhuri yake yose nezvose zvaaiva nazvo ndokuenda kundogara kuIjipiti. Jakobho paakaona mwanakomana wake Josefa, akamumbundira, vose ndokuchema. Munguva yakatevera akaturika maoko ake pavanakomana vaJosefa ndokuvaropafadza. Vakava vatungamiri vakuru pakati pamarudzi aIsraeri. Jakobho akafira muIjipiti akwegura kwazvo.
Ipapo madzikoma aJosefa akatya kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavakanga vaitira Josefa. Asi Josefa akati kwavari, "Musatya. ...Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji. Naizvozvo zvino, musatya. Ndichakuriritirai imi navana venyu." ("Musatya. Imi makanga maronga kundikuvadza, asi Mwari akazviitira kuti zvive zvakanaka kuti vanhu vazhinji vaponeswe.")

Nhungamidzo

Nhungamidzo

Zvizvarwa zvaJakobho, vaIsraeri, vakagara muIjipiti ndokubva vava rudzi rukuru, zvokuti mambo weIjipiti akatanga kuvatya ndokubva avamanikidza kuti vashande savaranda. Asi kwakanga kuno mumwe murume ainzi Mozisi, muIsraeriwo, akanga akasimba muna Jehovha uye akaponesa vanhu vaMwari kubva muuranda muIjipiti. Tarisa mifananidzo paunenge uchiteerera kukaseti. Uve wakagadzirira kuenda pamufananidzo unotevera paunonzwa rwiyo urwu.

Mufananidzo 13: Mucheche Mozisi

Mufananidzo 13: Mucheche Mozisi

Ekisodho 2:1-10

Makore 300 mushure mokufa kwaJosefa, Mozisi akaberekwa muIjipiti. Panguva iyi vaIsraeri vakanga vawanda kwazvo, zvokuti mambo weIjipiti akavabata zvakaipa kwazvo uye akaita kuti vashande basa rakaoma savaranda. Akarayirawo kuti vanakomana vose vechiIsraeri vaurayiwe vari vacheche. Asi Mozisi paakaberekwa, mai vake vakamuvanza. Paakanga ati kurei, vakamuisa mudengu ndokumuviga pakati petsanga pedyo norwizi. Miriamu hanzvadzi yake akamira pedyo ndokutarisa. Mwanasikana wamambo akauya kuzoshamba murwizi. Imomo akaona dengu nomucheche Mozisi. Mozisi akatanga kuchema. Mwanasikana wamambo akanzwira mwana tsitsi, saka akafunga zvokumuchengeta, kuti ave mwanakomana wake. Mozisi akakurira mumuzinda wamambo. Akadzidza nzira dzose dzavavaIjipita uye akava munhu anokosha kwazvo.

Mufananidzo 14: Mozisi Neand the Gwenzi Raipfuta

Mufananidzo 14: Mozisi Neand the Gwenzi Raipfuta

Ekisodho 2:11 - 4:17

Rimwe zuva Mozisi akaona mumwe muIjipita achirova mumwe muIsraeri aiva muranda. Mozisi aida kubatsira vanhu vokwake, saka akauraya muIjipita. Asi ipapo Mozisi akatozoita zvokutiza mambo. Kwamakore makumi mana akagara kunzvimbo yerenje inonzi Sinai. Rimwe zuva akaona chinhu chinoshamisa kwazvo. Akaona gwenzi raipfuta asi harina kuparara. Mwari akataura kuna Mozisi kubva mugwenzi raipfuta, achiti, "Ndaona kuti vanhu vari kubatwa zvisina tsitsi zvakadii. Ndiri kukutuma kuna mambo weIjipiti kuti undotungamirira vanhu vangu kubuda munyika iyi."

Mufananidzo 15: Mozisi Anodzokera Kuna Mambo

Mufananidzo 15: Mozisi Anodzokera Kuna Mambo

Ekisodho 3:11 - 10:29

Mozisi akanga achitya, asi akavimba naMwari achibva adzokera kuIjipiti. Mukoma wake, Aroni, akaenda naye. Vakati kuna mambo, "Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsraeri, 'Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.'" Asi mambo akati, "Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda." Mushure maizvozvo mambo akabata vaIsraeri zvakatonyanya kuipa.
Mwari akati kuna Mozisi, "... vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi." Mwari akatiwo, "Faro paanoti kwamuri 'Itai chiratidzo', ipapo uti kuna Aroni, 'Tora tsvimbo yako uikande pamberi paFaro' uye ichava nyoka." Aroni akateerera, uye mambo akaona simba raMwari, asi haana kubvumira vanhu kuti vaende. Saka Mwari akaitira vaIjipita zviratidzo zvakawanda. Akapindura mvura dzose dzeIjipiti dzikava ropa, saka vaIjipita vose vakachera pedyo norwizi rukuru Nairi kuti vawane mvura yokunwa. Akauyisa matambudziko amatatya, umhutu, nhunzi, mamota pavanhu napamhuka, chimvuramabwe, rima nemhashu muIjipiti. Mwari akabvumira n'anga dzechiIjipita kuti dziite zvimwe zvezviratidzo izvi, asi Jehovha akaita zvimwe zviratidzo zvakawanda zvisina kugona kuitwa. Saizvozvo Mwari akayambira mambo kuti akanga ane simba kupfuura ren'anga.
Asi mambo akaramba kuteerera Mwari uye haana kubvumira vaIsraeri kuti vaende.

Mufananidzo 16: Gwayana Rakabayirwa

Mufananidzo 16: Gwayana Rakabayirwa

Ekisodho 12:1-36

Mwari akataura zvakare kuna Mozisi, akati, "Udza vaIsraeri kuti mhuri imwe neimwe inofanira kutora gwayana igoriuraya; vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro egonhi napazvivivo (zvikamu zvapamusoro zvegonhi). Ndichapfuura napakati penyika yeIjipiti. Ndichauraya matangwe ose ezvikono. Asi ndikaona ropa padzimba dzenyu, ndichapfuura pauri uye handizokukuvadzai." Mwari akachengeta chivimbiso chake. Usiku ihwohwo vanakomana vamatangwe vose vomuIjipiti vakafa. Asi hapana vanakomana vamatangwe vavaIsraeri vakafa. Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Mozisi ndokuti, "Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi vaIsraeri. Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira."

Mufananidzo 17: Mozisi Pagomo Ramwari

Mufananidzo 17: Mozisi Pagomo Ramwari

Ekisodho 13:17 - 14:31

Mozisi akatungamirira vanhu veIsraeri pakubuda muIjipiti. Mwari akaenda mberi kwavo ari mushongwe yegore nomoto. Mambo wavaIjipita paakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vatiza, iye navamwe vaIjipita vakashatirwa nokuti vakaona kuti vakanga varasikirwa navaranda. Saka mambo nehondo yake yose akatevera vaIsraeri kuitira kuti avadzose. VaIsraeri vakasvika pagungwa guru ravakanga vasingagoni kuyambuka. VaIjipita vakanga vari shure kwavo. VaIsraeri vakanga vasina kwokutizira. Mozisi akati kuvaIsraeri, "Musatya! Mirai nesimba uye muchaona rusununguro rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi (zvichaitwa naMwari kuti akuponesei). VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve." Ipapo Mwari akazarura nzira nomugungwa uye vaIsraeri vakafamba pakaoma vachiyambuka gungwa. VaIjipita vakaedza kuvatevera, asi mvura yakatanga kuerera zvakare ndokubva yavafukidza. VaIjipita vose ivavo vakanyura uye vaIsraeri vakaponeswa.

Mufananidzo 18: Zvokudya Nmemvura Murenje

Mufananidzo 18: Zvokudya Nmemvura Murenje

Ekisodho 16:1 - 17:7

Mozisi akatungamirira vanhu kurenje. Vakanga vasina zvokudya zvakakwana saka vakatanga kugunun'unira Mozisi, Aroni naJehovha. Madekwana oga oga Mwari aituma shiri diki dzakawanda kuti vanhu vadye. Mangwanani oga oga mahwendefa matete akanga akaita sechingwa akabva kudenga akaonekwa pasi. Vanhu vakaapa zita rokuti 'mana'.
Pavakashayiwa mvura, zvakare vaIsraeri vakakakavadzana naMozisi. Mozisi akati kwavari, "Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?" Mozisi akanyengetera kuna Mwari uye Mwari akamupindura akati, "Tora tsvimbo yako urove dombo paHorebhi uye mvura ichabuda yokuti vanhu vanwe." Kwamakore makumi mana Mwari akapa vanhu veIsraeri zvokudya uye akavachengeta murenje.

Mufananidzo 19: Mozisi Pagomo Ramwari

Mufananidzo 19: Mozisi Pagomo Ramwari

Ekisodho 19:1 - 20:17; Mapisarema 19:11; Johani 14:15

VaIsraeri vakasvika pagomo reSinai. Mwari akaburuka pagomo mumutinhiro nemheni, makore nomoto. Mozisi akakwira mugomo uye Mwari akataura kwaari achiti, "Ndini Jehovha Mwari wako, ... Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usapfugamira chifananidzo chipi zvacho kana kuchinamata. Usashandisa zita rangu zvisizvo. Rangarira zuva rechinomwe (revhiki) uye urichengete riri dzvene. Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, ... Nokuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mariri, asi akazorora nomusi wechinomwe. Naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva Sabata (zuva rechinomwe) uye akariita dzvene. Kudza baba vako namai vako, ... Usauraya. Usaita upombwe. Usaba. Usapupurira munhu upi zvake nhema. Usachiva zvinhu zvavamwe."

Mwari akanyora mirayiro iyi nemimwe mitemo pamahwendefa amabwe uye Mozisi akaburuka nayo kubva mugomo akaenda nayo kuvanhu vose kuti andovadzidzisa. Nhasi tinowana mirayiro yaMwari muShoko rake, Bhaibheri.

Mufananidzo 20: Nyoka Padanda

Mufananidzo 20: Nyoka Padanda

Numeri 21:4-9; Dhuteronomi 18:18

VaIsraeri vakanga vavimbisa kuti vaizochengeta mirayiro yaMwari, asi havana kuzviita. Vanhu vakatanga kugunun'unira Mwari naMozisi, "Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!" Mwari akavaranga nokutuma nyoka dzino uturu pakati pavo. Vazhinji vakafa nokurumwa nenyoka. Vanhu vakachema kuna Mozisi kuti avabatsire uye Mozisi akavanyengeterera. Ipapo Mwari akaudza Mozisi kuti, "Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda, ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama." Saka Mozisi akaita nyoka yendarira ndokuiturika padanda. Uye ani naani akarumwa nenyoka uye akatarira panyoka yendarira, akararama.

Mozisi ndiye mumwe wavatungamiri navaprofita vakuru veIsraeri. Kwamakore makumi mana akatungamirira vanhu murenje. Mozisi asati afa, Mwari akati kwaari, "Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira."

Mufananidzo 21: Jesu Anopa Vanhu Zvokudya

Mufananidzo 21: Jesu Anopa Vanhu Zvokudya

Johani 6:1-58

Kwamakore akawanda vanhu veIsraeri vakatarisira mumwe muprofita akanga akafanana naMozisi. Zvino pakupedzisira Jesu Kristu akaberekwa munyika yeIsraeri. Akadzidzisa vanhu nezvaMwari sezvakaitwa naMozisi.

Rimwe zuva vanhu vakaenda kune imwe nzvimbo kwakanga kusina vamwe vanhu kuti vandonzwa Jesu achitaura. Vakatanga kunzwa nzara asi kwakanga kusina zvokudya. Mumwe mukomana mudiki akanga ane zvingwa zvidiki zvishanu nehove diki mbiri. Jesu akatora zvingwa nehove mbiri ndokutenda Mwari. Mushure maizvozvo akapa vanhu vose zvokudya izvozvo. Pakanga pane vanhu vaipfuura zviuru zvishanu! Vanhu vakati, "Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika!" Zuva rakatevera, Jesu akati kwavari, "Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota." Mumifananidzo mishoma inotevera tichadzidza zvimwe nezvaJesu.

Mufananidzo 22: Jesu Anotaura Namozisi

Mufananidzo 22: Jesu Anotaura Namozisi

Mateo 17:1-8; Ruka 9:28-36

Rimwe zuva Jesu akaenda navadzidzi vake (vateveri vake vapedyo) mugomo kuti vandonyengetera. 'Vadzidzi' zvinoreva vateveri vapedyo kana shamwari dzaJesu.
Jesu paakanga achinyengetera, chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzakava chena sechiedza. Ipapo Mozisi naEria vakazviratidza pamberi pavo. Mozisi naEria vaprofita vaviri vaMwari vakararama makore akawanda kwazvo Jesu asati auya panyika. Mozisi naEria vakataura naye pamusoro porufu rwake rwakanga ruchizouya. Vadzidzi vatatu vaJesu vakavanzwa vachitaurirana. Ipapo gore raipenya kwazvo rakauya rikavafukidza vose. Izwi raMwari rakataura richibva mugore richiti, "Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa; anondifadza. Munzwei." Izwi parakapedza kutaura, vadzidzi vakaona Jesu chete.

Mufananidzo 23: Jesu Akatifira

Mufananidzo 23: Jesu Akatifira

Johani 3:14-16

Vanhu vazhinji vakaramba Jesu ndokubva vakwanisa kumuuraya. Varwi vakamuroverera pamuchinjikwa womuti. Vakaurayawo vamwe varume vaviri pamwe chete naye. Vaviri ava vakanga vari makororo nemhondi, asi Jesu akanga asina kutyora mirayiro yaMwari.

Isu, iwe neni takatyora mirayiro yaMwari. Savamwe vanhu vose panyika tinofanira kutorangwa naMwari nokuparadzwa kwokusingaperi uye tichipfigirwa kure nokuvapo kwaIshe. Asi Mwari anoda vanhu vose. Haadi kuti tiende kugehena, kure nokuvapo kwake. Saka Mwari akatuma Jesu, kuti azobvisa kurangwa kwechivi chedu.

Munguva yaMozisi, ropa regwayana rePasika rakadeurwa kuti ridzivirire vaIsraeri kubva pakuranga kwaMwari munyika yeIjipiti. Nenzira imwe cheteyo, Jesu, Gwayana raMwari, akafa sechibayiro chedu. Ropa rake ndiro muripo wechivi chedu, zvivi zvako nezvangu. Uye sokusimudza kwakaita Mozisi nyoka yendarira padanda, saizvozvo Jesu aifanira kusimudzwa pamuchinjikwa kuitira kuti vanhu vose vanotenda kwaari, vave noupenyu husingaperi, sechipo chinobva kuna Mwari. "Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi."

Mufananidzo 24: Jesu Kudenga

Mufananidzo 24: Jesu Kudenga

Johani 19:38; Mabasa 1:6-11

Mutumbi waJesu wakabviswa pamuchinjikwa ndokuiswa muguva. Asi pazuva rechitatu, Jesu akamuka kubva kuvakafa uye mazuva 40 mushure maizvozvo vadzidzi vake vakamuona achienda kudenga.

Jesu achiri mupenyu nhasi uno.

Mozisi navose vakafa vachitenda kuna Mwari, vapenyuwo. Vari kudenga. Mozisi akanga ari mutungamiri mukuru uye nomuprofita waMwari, asi Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Mukuru kwazvo kupfuura Mozisi. Mozisi akatungamirira vaIsraeri kuyambuka gungwa uye vakaponeswa kubva kuvaIjipita. Asi Jesu akauya kuzoponesa vanhu vose vanotenda kwaari uye vanomutevera. Rimwe zuva Jesu achadzoka panyika, sokuenda kwaakaita kudenga. Ipapo achatora vose vanotenda kwaari, kuti vagova naye kudenga.

Wakagadzirira here kuenda naJesu? Anogona kuuya iye nhasi. Tenda kuna Ishe Jesu Kristu ugoponeswa.

Related information

Free downloads - Here you can find all the main GRN message scripts in several languages, plus pictures and other related materials, available for download.

"Look, Listen and Live" audio-visual - A set of 8 programs of 24 pictures each for evangelism and Christian teaching. The series presents Old Testament characters, the life of Jesus, and the young church.

How to use GRN Audio visual resources - 1: Sharing the Gospel made easy - This article gives an introduction to some of the many different ways the GRN audio visual resources can be used in ministry.

How to use GRN Audio visual resources - 2: Going Deeper - This article gives further explanation of how people learn from the stories, and why the stories do not have a lot of commentary.

The GRN Audio Library - Evangelistic and basic Bible teaching material appropriate to the people's need and culture in a variety of styles and formats.

Copyright and Licensing - GRN shares it's audio, video and written scripts under Creative Commons

Creating DVDs using the GRN Slide show Videos - How to burn DVDs for specific people groups you are trying to reach

Choosing the right audio or video format - What audio and video file formats are available from GRN, and which one is best to use?